Svetuka kuchirochemo

Bhobha (svutugadzike)

Kubva Wikipedia
The printable version is no longer supported and may have rendering errors. Please update your browser bookmarks and please use the default browser print function instead.
Bhobha yekuJapani

Bhobha kana Bhabho tii (Chichayina: 珍珠奶茶; pinyin: zhēnzhū nǎichá, 波霸奶茶; bōbà nǎichá; 泡泡茶; pàopào chá)) imhando ye svutugadzike inonwiwa kuEzhiya. Bhobha yakafanana chaizvo nechimwe chinwiwa chekwedu kuZimbabwe chinosanganisa mauyu ne mukaka. Bhobha yakavamba kuTaiwani mukutanga kwema1980.[1][2] Inowanzo kuve netii inoperekedzwa ne mabhora etapioka anotsengeka ("bhobha" kana "maparera"), asi inogona kugadzirwa nemamwe mawedzerwa (toppings) zvakare.

Bhobha ine marudzi akawanda uye zvinonaka, asi mhando mbiri dzinonyanya kufarirwa isvutugadzike yemaparera nhema nomukaka uye svutugadzike yezerere nomukaka ("parera" inomiririra mabhora etapioka anenge arikuzasi).[3]

Mamwe mazita

  • Svutugadzke ye parera nemukaka
  • Bhabho tiyi yomukaka
  • Svutugadzike yeTapiyoka nemukaka
  • Bhobha tiyi kana bhobha chete

Mabviro eruzivo

  1. https://francis-press.com/papers/3231#abstract
  2. https://www.scmp.com/magazines/style/leisure/article/3044028/how-bubble-tea-or-boba-went-global-and-who-first-thought
  3. https://www.ncbi.nlm.nih.gov/pmc/articles/PMC6862881