Tsaza-
Mukutaura ChiShona vara rokuti Tsaza- (Equi-) chivakamberi chichange chiri kushandiswa kuratidza kuti zvakadomwa kumashure kwaicho chivakamberi ichi zvakaenzana uye zvakafanana. Tsaza- achange achisahndiswa nenzira imwe inoshandiswa prefix 'equi-' inoshandiswa kuEnglish pamwazwi akaita sa: equidistant; equilateral; equiangular.
Sarudzo iyi yaitwa pachicherechedzwa kuti kufanana hazvirevi kuenzana; sokuti baba nemwana wavo nyangwe vakafanana, havana kuenzana.
Chivakamberi ichi chiri kubva paizwi reChiManyika rokuti tsazana rinoreva kuenzana.
Muenzaniso weChivakamberi ichi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Gonyaina tsazamativi (Rhombus) - iri izwi rinoreva gonyaina rine mativi akaenzana nhambwe. Gonya dzemukati dzakatarisana dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonya maviri anochekana negonya re 90o. Tsazano iri pamupanda wegonyaina tsazamativi zvakare.
- Gonyaina tsazamakonya (Rectangle) - iri izwi rapiwa kureva chiumbwa chine makonya mana ose akaenzana; gonya rimwe nerimwe riine 90o. Mativi maviri akatarisana anenge akaenzana uye akati sambamba. Tsazano rinogona kupinda pamupanda wechiumbwa ichi asi kazhinji tinosarudza kuti tsazano rimire roga.
- Tsazahusiku (Equinox)
Mazuva eTsazahusiku anoitika March 20-21 neSeptember 20-21. Pamazuva aya Denderedzwa reChiedza rinocheka North pole neSouth pole - mativi ose eAkiso anenge ari nhambwe dzakafanana kubva kuzuva - hapana divi rinenge riri pedyo nezuva kudarika rimwe. Zvakare hapana divi reAkiso rinenge rakanongedza kune zuva. Pamazuva aya nzvimbo dzose dziri panyika dzinowana husiku hwakaenzana, hwakareba 12 maawa - saka mazuva aya achinzi Tsazahusiku- equinox.
- Mutsazanisi (equator) mutsetse unopangidza pakati ne pakati penyika uchikamura hafu yekuChamhembe kubva kuhafu yekuMaodzanyemba - Southern and Northern Hemisphere. Mutsazanisi une nhambwe dzakaenzana kubva kuNorth pole ne South pole panzvimbo dzose.