0% found this document useful (0 votes)
49 views

(c) Mwana wengomwa

Uploaded by

Fungai
Copyright
© © All Rights Reserved
Available Formats
Download as DOC, PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
49 views

(c) Mwana wengomwa

Uploaded by

Fungai
Copyright
© © All Rights Reserved
Available Formats
Download as DOC, PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 69

[14/12 16:27] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER ONE)

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Zuva raive ratobuda kare asi ini ndaive ndichiri mumachira, musi uyu ndakamuka ndichinzwa
nungo nekuneta zvandaive ndisingasiiti mazuva ose. Ndakangoti pandakapedza kugadzirira
murume wangu Va Manyoni kuti vaende kubasa ndakabva ndadzoka mumachira, ndaifanira
kuendesa mari ye round kwa Mai Blessing mangwanani iwayo asi ndaive ndatokundikana ne
nungo dzandainzwa. Mbatya dzataive tabvisa tichivata husiku hwapfuura dzaive dzichiri pasi
mumba medu mokuvata, marara e mabanana akadyiwa na Va Manyoni vasati vavata aive
mukandiro nechekurudyi kwemubhedha, ndakazofunga ndikati hope hadzina ndima uye kugona
hupenyu kuzvituka kuti zvino ndirikuitei. Ndakazvisimbisa ndichibva ndamuka ndokutanga
kubvisa machira pamubhedha, chokwadi chinamaninji hachifambisi.

Ini na Va Manyoni taive tawanana makore mana apfuura, tose taipinda chechi imwe chete kubva
tichiri mukomana ne musikana, kubva patakaroorana tikatanga kugara tese taive tisina mwana.
Takaedza mishonga yaana chiremba kwe makore asi kwaive kurasa mari musango chaiko, kana
ndiriseni ndaive ndavekutopera simba rekuramba ndichienda kwaana chiremba, hapana kana
chatakabuditsa kwenguva yese iyi chinobatika nokuti kunze kwokushaya mbereko mari yedu
yaiperera kwachiremba, shoma yaisara ndiyo yataigowana na Mwari sevanhu vaida mwari wavo.
Kana ari ma miracle night takaenda ose zvawo atakanzwa kuti zvimwe umwe musi mwari
vangatiwanirawonyasha kukazvarwa mwana kumba kwedu, hama dzedu dzinotenda n’anga
nekupfugamira vakafa dzaive dzosvika pedyo nemubvunzo wekuti kana zvaramba madii
maedzawo zve n’anga, inga vamwe varikungoshoperwa zvichifamba wani?
Pakutanga madzimai echikuru ekuchechi aindisimbisa nekundipa tariro pamwe nekundikurudzira
kuti ndimirire Mwari vachiti chimwe ne chimwe chine nguva yacho, ndakatenderana navo
ndikapfuurira mberi nekutenda muna Mwari wangu nekushinga kumunamata sezvaiita vana
vevamwe.Ku chechi ndaive munhu akangozvidzikamira hake, kunze kwekupa Mwari
nekutendeka kuenda kuchurch nguva dzose hapana chimwe chandaizivikanwa nacho.Ndaitya kuti
kana ndikanyanya kumira mberi kwevanhu muchechi rimwe zuva ndingazowira pasi ndikatadza
kumuka ndazotsvinyirwa nemamwe madzimai pamusoro pekushaya mbereko kwangu, nokuti
kana ari makuhwa nekugodorana pa chechi pedu paive pamusha pazvo. Ndakadzidza kuti
nzvimbo yese inowanikwa madzimai hazvina basa kuti ndekupi asi makuhwa nekurwadzisana
hazvishayikwi regai vakuru vati rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo.

Va Manyoni ndivo vainyanya kumira – mira muchechi zvokuti vaizvipira kunge varikuchechi
husiku hwese vachiitira Mwari wavo basa rake, dzimwe nguva ndaitozovadzora kuti zvanyanya
dady musakanganwe kuti mune mhuri, vairevesa kana vachiitira Mwari uye vaiti kana
vakavimbisa chinhu ku chechi vaichizadzisa ne nguva. Izvozvo ndizvo zvinhu zvainyanya
kundidya moyo kuti kana kuina Mwari kudenga sei kushingairira kwedu kuchiva pasina? Vanhu
vasina basa nevana vanotobata mimba vachirasa vana asi isu tinoda mwana zvinongoperera
mupfungwa nemubonde risina pundutso, tichasvika riini tichinamata Mwari pasina
chatingapupura wo? Ko misodzi yedu ne kuchema kwedu kuchanyaradzwa naani kana Mwari
achinyarara zvakadai? Ndaizongosimbiswa hangu nekuti hakuna munhu anogona kupa Mwari
mhosva asi kungotenda kuti iye wakarurama.

Kana ari makorokoto e pazvarwa mwana ndini ndaitanga kusvika, aive asingazivi kubatirana
navamwe kwangu pakushanda michato yekuchechi ndiani?Kubva pauduku hwangu ndaive ndisina
kumbovane mimba yandakabvisa zvekuti ndingati Mwari vakarangarira chivi changu
vakandinyima mwana muwanano, kana kuri kurangwa bva mhosva yacho ndeya Va Manyoni
nokuti ini handizivi chinhu.

Kunyarara kwangu nekudzikama mu chechi hakuna kutadzisa vanhu kutaura nezvangu,


ndakawirwa ne zvandaitya musi wasununguka mwana wa Mai Elder Chikova uyo aive amitiswa
ne musoja airoja pa next door pavo, pakaenda madzimai mamwe kunokorokotedza ini ndakashaya
akandiudzawo, ndaive ndisina kumbozvinzwa kuti Emily akasununguka asi pakabvunzwa
zvekusavepo kwangu mumwe mudzimai wandairemekedza kwazvo anonzi akapindura kuti,
“Haaaa pamwe vanetawo nazvo zvekuridza mhururu kumaraini”
Manzwi aya akandirwadza paakasvika munzeve dzangu asi ndaive ndagara hangu ndichiziva kuti
ateya mariva murutsva haangatyi kusviba magaro, musi uyu zvakandishungurudza husiku hwese
kuti saka mamwe madzimai anofunga kuti huremahwangu here kushaya mbereko uye kana
hukave hurema hwangu haasi wo Mwari here anovhura zvibereko zvevane mbereko? Zvichida
ndizvo zvakanwa simba rangu husiku hwese kuti ndimuke ndisina kana simba uye ndichinzwa
nungo musi uyu.

Ndakabvisa zvangu machira pa mubhedha wangu ndichiimba rwiyo rwangu rwekuzvinyaradza


sezvo ndaive munhu aifarira kuimba asi ndaisaimba ku church zvaingove zvekuimbira
mudundundu. Pandakati ndichinobudisa marara andaive ndatsvaira ndopandakanzwa huta ye mota
pa gedhi, ndobva ndadongorera ne pa keteni wanikwe imota ya Mai Mufundisi.
Mai mufundisi vaiuya nguva zhinji kumba kwangu asi hapana musi wavakambouya vasina
kutanga vafona, na baba Mufundisiwo vaiuya nguva zhinji asi vaisambouya kumba kana Va
Manyoni vasiko.

Ndakangobuda ndakamonera matauro ndisina nguo kwadzo mukati sezvo vaive Amai kwete Baba
vaive vauya, ndakanyatso buda ndisina kana chandaifungidzira, nyadzi dzakakunda rufu
pandakasvika pa motokari ndichiona vari Mufundisi na Amai handizivi kuti chiiwo chaive
chavaita kuti vashandise mota imwe chete musi uyu uye kuti vanodeyi mangwanai ano.
Ndakazongorovera moyo kudombo ndikangovamhoresa ndokuvakoka mumba, vakaburuka
tikapinda mumba ndokugara zvavo pa sofa ini ndichinopfeka. Hapana chavakataura kana iniwo
handina chandakataura kusvika Mai Mufundisi vati garai makagadzirira mai mwana ndokuuya
kuchaita Jesu pachibva paitwa chikwee imba yose, asi kubva nguva iyi ziso ramufundisi raive rave
kundityisidzira, kubva pakuvaziva kwangu kwose handina kumbovaona vachinditarisa kudaro.
Vakazosimuka Baba mufundisi ndokuti nhasi tirikungofamba tichiita munamato pese patasvika
saka regai tinamate tipfuure musatiisire chikafu, takasimuka amai vachibva vanamata zvavo,
pavakati Amen ndakasimudza musoro wangu ndikanyatsoona kuti mufundisi kunyangwe vaive
vakasimudzawo maoko mumunamato asi vaive vasina kumbotsinzinya maziso sezvataive takaita
tose.

[END OF CHAPTER ONE]


[14/12 16:47] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER TWO)

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Vakaoneka vakaeda asi ini ndakasara zvikambondidya moyo kuti iziso rudzii randatariswa naro na
Mufundisi asi ndakakurumidza kusiyana nazvo, mufundisi vedu vaive munhu airatidza kuti
anonyara kunyangwe havo vaishandiswa na Mwari zvikuru. Vanga vave ne makore maviri vauya
wo pasangano pedu saka taive tave nekanguva tichivaziva.
Ndakatsvaira mumba mangu ndikapedza ndokuita basa rese rinoitwa pamba magwanani,
ndakageza zvangu ndobva ndanwa tea ndokupinda munzira kuenda kwa Amai Blessing ne mari ye
round. Ndakasvikawo kwa Mai Blessing ndisina kumbofona asi vaiziva havo zvekuuya kwangu,
takatandara zvishoma ndikazobvako vavekuda kuenda ku dhorobha kunotega zvinhu zvavo zve
business kuti vadzoke nguva ichiripo.

Ndokudzoka zvangu kumba kwangu ndokugara pamushini wangu wekusona kuti ndibatanidze
zvimachira zvandaida kusona. Ndakangoita zvimaraini zvishoma chete ndobva ndanzwa kuneta
kuya kwatanga zve, kwaive kwawedzerwa nekufamba kwandaive ndaita kuenda kwa Mai
Blessing ndikati regai ndimbovata zvangu ndichiteerera muviri wangu. Ndakangoozvikanda pa
mubhedha ndokuvata zvangu zviya zvekuzorora, shure kwechiguva chishoma ndichibva ndapinda
mungoro yevashakabvu kusvika ndazomutswa ne kabhero kemukomana we ma ice cream ukuwo
nzara yaive yoruma manje.Ndakamukandikabika chikafu changu ndokudya, ndichingopedza
ndakabva ndatanga kugadzira chikafu chemaheru nokuti Va Manyoni vaive vave pedyo kuuya
kumba.

Vakazouya ndikavaudza kuti mufundisi vambosvika vakanamata, tikabva taenda zvedu


kumunamato ndokuzodzoka kumba, nyaya yembereko yaikonzera ma moods ne kusanagana
kwemanzwira mumba medu zvekuti dzimwe nguva zvaikonzera kusazwana kwaibhowa.
Pamadzimai ataiita nawo round paive nevamwe amai vaive vakapinzwawo na Mai Blessing asi
taisapinda navo chechi vaipindawo yavo, mumwe musi vakamuka vakandiisa mune rimwe group
re WhatsApp remadzimai raive rakanzi “Mudzimai wanhasi”.Huwandu hwe vanhu mu group umu
hwakangondiratidza kuti muno munebasa chairo, hapana chaive chisingataurwe mu group imomo,
kana ari manzwi aitaurwa sezvaari ma pictures ne mavideos aikandwa pa group zve basa. Umwe
musi makaiswa musoro wenyaya pamusoro pevarume nevakadzi vasina kutendeka mudzimba
dzavo, ini handina kumboitaura chinhu panyaya iyi asi zvakabuda munyaya iyi
zvakandifungisa zvakawanda. Mumwe mukadzi akanyora achiti, “mazuva ano
ndezvekutongoitawo wakachenjera nokuti nyika yazara zvirwere asi ku cheater zvangofanana
kuvakadzi ne varume vacho. Unoona mukadzi akatendeka asi iye murume wake apedza vanhu
munofunga kuti mukadzi iyeye akazozviziva anoita sei? Mumwe achibva ati, “Like now hausisiri
mukore wekuti munhu kadzi anonzi haana mwana nemazariro akaita varume kudai, kana vatori
Baba vasingazvari inofa kwavo because vanotozorera mwana we mumwe ini handingambofi
ndisina mwana ndichitombozvara zvangu after all pamwe murume anenge atorine mwana
somewhere”.
Matauriro emadzimai aya akandityisidzira ndikafunga zvakawanda, ini ndaive ndagara ndichida
mwana hangu asi ne murume wangu mbereko yairatidza kuti iri kunetsa kunyangwe taive
tisingazive kuti ane dambudziko pakati pedu ndiani. Hapana kana munhu wandakambotaura naye
nyaya iyi ndakangoizeya ndega zvangu kwenguva refu, uye yakange yavakusimba mumoyo
mangu kana tikaita kakusawirirana na Va Manyoni mumba medu. Pfungwa yekuita chihure ndaive
ndisina kana ende hazvisi zvinhu zvaiuya mandiri izvozvo, ndaive ndakazviti chihure handifi
ndakaita. Ndakagara zvangu kwenguva refu zvakadaro tisina mwana, Tete vagu hanzvadzi ya Va
Manyoni vakazofona vari ku South Africa kuna dady vachikumbira kuti tiende kunoona mwana
kuchikoro ku visiting day asi musi we visiting day wacho Va Manyoni vaienda kubasa saka
ndaizoenda ndega.

Ndakaudza Mai Mufundisi kuti Saturday handipo ndiri kuenda kuchikoro kwe mwana saka kana
pane zvinodiwa ku chechi vagare vandiudza paine nguva, vakati vachambofunga ndokuzofona
mangwana acho manheru titori kumba zvedu na va Manyoni, vakati hapana chinodiwa asi
mufundisi varikuenda kumuchato pedyo nekuchikoro ikoko saka kana ndisina chekufambisa
ndaizoenda navo kana vakakurumidza kupedza kumuchato ndaizodzoka zve navo. Va Manyoni
vakatenderana nayo ogungwa iyi kunyangwe vaive vasina kunzwa kuna mufundisi wacho
vamene. Takagadzirira zvekunoona mwana svondo rese ndokuzoti musi wacho wemugovera
wasvika mufundisi vakauya mangwanani kuzonditora, va Manyoni vakaisa zvinhu zve mwana
mumota ndobva tasimuka ini na mufundisi. Ndaive ndakagara zvangu kumashure ivo kumberi
ndobva taenda.

Takangotaura nyaya dzeku chechi kwezvima kilometer zvishoma kubva kumba ndobva tatosvika
paive ne zvimashop kunze kweguta, mufundisi vakamisa mota vasina kumbotaura chinhu ndobva
vaenda kunotenga ma drinks avo maviri ndokuuya nawo, vakasvikonditambidza rimwe ivo
ndokutora rimwe, ndakabva ndatenda zvikanzi inwai zvenyu. Ndakavhura drink rangu ndokutanga
zvagu kunwa asi ivo havana kuvhura ravo, ndaive ndavepakati ne drink mufundisi ndobva
vatochinja nyaya uku mota ichifamba zvikanzi, ko kusambotiedzawo drink kunyima here uku
ndobva vaseka zvavo. Ndakangoti hiii sorry henyu munhu wa Mwari ndaona kunge matenga
maviri uye handina kana pekuisira kuti tikamurirane sorry shuwa. Vachibva vati dai maida
kundipa maingondipa iroro ramurikunwa zve, ndakapererwa ndobva ndanyarara nokuti ndaifunga
kuti varikutamba asi dakaona kuti vari kurevesa.

Vachibva vatosimudzira kuti saka matoramba here ndokuseka zvavo ini handina kuseka
bvandangovati kana muchirida heroi ndichivagamuchidza ndobva vatambira ndokutonwa ini
nechemumoyo ndikati hezvo. Vachibva vati haaa musanyime kudai mwari haazvidi vachingoseka
seka, ndisati dapindura vachibva vati dai manga magara mberi zvisina kumbononoka kudai,
ndikati hazvichinei ndatokupayi baba.
Kuchikoro kwaive kure nekwataive tichiri panguva iyi asi ndaive ndisisina kusununguka nokuda
kwezvaive zviri kuitika mumota umu, vakamisa mota ndokuti huyai mberi mai Manyoni ini
ndikati aiwa musanetseke ndigere mushe kuno munhu wa Mwari, ndobva vatouya kuzovhura door
kwandaive ndigere zvikanzi murikupedza nguva nokuita tsika Mai Manyoni budai. Ndakabva
ndangobuda ndokuenda kumberi ndobva vasimudza mota, vakatanga kubvunza ndiri kufamba sei
pakudzoka ndikavati ndichauya ne makombi, ivo vakati haiwa mundimirire ndokutorai pachikoro
ndobva vatofona kuna va Manyoni kuti mai vekumba kwenyu ndichauya navo kana muchato
wapera. Vakatenderana pa foni ndichinzwa, vakazopfuurira mberi voti nhai Mai Manyoni
munofungeyi ne nyaya ye mwana wenyu?Mubvunz uyu wakandinetsa kuti ndoupindura sei nokuti
hapana chavanga vasingazive pazvinhu zvese zvekumba kwedu.

Ndakangoti mwana achavepo kana Mwari achida Baba, vachibva vaseka zvikanzi asi imi
munomuda here mwana? Ndikati hongu ndinomuda munozviziva wani handiti taiuya kuti
mutinamatire here ne nyaya ye mwana? Vachibva vati saka munoziva sei kuti ane dambudziko
rinofanira kugadziriswa ndiani pakati penyu na Baba? Ndikati ini handingazivi kusvika taitwa ma
test. Mufundisi vakati ko ndikakuitai test yacho inini hamuide here? Ndakashaya kuti ndopindura
kuti kudii nokuti ndaive ndisati ndanyatsonzwisisa mubvunzo ndikati munotesta sei? Zvikanzi
tongoedza kuita mwana wacho zve kana akasaita toziva kuti ndimi asi kana akaita toziva kuti ndi
Baba. Pavakataura izvi ndakabva ndaoma nechando chakapinda mandiri izvi handina kunzwisisa
kuti zvinorevei asi ndakazongokwanisa kupindura kuti mufundisi handina kumboziva kuti ndizvo
zvamunondifungira. Vachibva vati ndirikuitira imi uye kana mukave ne mwana ndinovimba kuti
mungafara chose, imwe mikana inouya kamwe mufunge. Ndobva vanditi torai nguva yenyu
muchifunga tozopedzisa nyaya yacho pakudzokera kumba.

[END OF CHAPTER TWO]


[14/12 16:47] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER THREE)

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Ndakasara ndoburuka mota yavo yaive yakanyorwa zita re chechi yedu pa door ndisisina mufaro
wangu, ndaive ndotadza kana kunyatsoratidza mufaro wekuona mwana wandaive ndafambira
kuchikoro, iye Travor wacho haana kumbozviona kuti ndiri pakati pokufunga zvakanyanya
chaaingofarira ndechekuti ndatsikwa. Ndakatanga kufunga kuti ko kana iri pfungwa ya Va
Manyoni yokuti mufundisi vandinyenge ndinoibuda sei nyaya iyi? Asi ivo mufundisi vangabvuma
here kuita chinhu chakadai kunyangwe vatumwa? Hukama hwa Manyoni na Mufundisi hwaive
pedyo ne pedyo chaipo tsika nditsikewo saka sei mufundisi varikuita chivindi kudai? Yese iyi
mibvunzo yaibuda mundangariro dzangu ichidzoka zve isina mhinduro. Dai kubhururuka
kwaiitwa na vanhu musi uyu dai ndakabhururuka kudzokera kumba.
Tichiri pakati pekuona vana ndakabva ndaona Mai Museto, mukadzi aive ne ma business mu
Harare umu uye taive tazivana kuma workshop ataive toita nenyaya ye ma ladies Business Forum
ataive toita aya. Vachibva vanditi varikudzokera kumba vega saka kana ndichida lift ndokwanisa
kuenda navo, ndakangofonera Va Manyoni kuti handichauyi na Mufndisi ndiri kupihwa lift na Mai
Museto saka ndakavakumbira kuti vafonere mufundisi kuti kana vave kuuya vasamire pachikoro
vapfuurire zvavo.

Mufundisi vakafonerwa vari pakatipemuchato saka havana kumboiona call yacho kusvika va
Manyoni vaisa ma message. Ndakafonera Tete ku South Afria kuti vataure ne mwana wavo Travor
uyo wandaive ndaenda kunoona vakafara chose kutaura naye, ndokuzoti tapedza izvozvo kwave
kupinda munzira kuenda kumba na Amai Museto vakazondisiya mutown ndokukwira zvangu
kombi kuenda kumba.
Ndasvika kumba ndakanetsekana uye pandakaona Manyoni kumba haana kumboratidza kuti
anoziva chinhu saka ndaive ndavekuziva kuti izano ramufundisi rekurara neni kwete kuti varikuda
kungondiedzawo zvavo. Ini chandaitya chaive chekuzoputika kwenyaya idzi nokuti
zvaizondiputsira musha wangu, asi ku group riya re WhatsApp nyaya dzingotaurwa ikoko
dzaikonzera kuti ndifunge kaviri, madzimai mashoma kwazvo aiziva kuti handina mwana asi
vanhu vemo vese vaiti kana votaura vaiita sekunge varikutaura pamusoro pangu. Ndakambofunga
kuti ndakapusa asiimwe pfungwa yainditi hauna kupusa. Musi uyu handina kuzotaura na
mufundisi futi nokuti hatina kuzofamba tese pakudzoka kumba saka ndanga ndisingazive kuti chii
chiri mupfungwa dzavo, naivo ndinotenda kuti vaive vasingazive kuti chii chiri mupfungwa
dzangu.

Mufundisi vaive vechidiki kwazvo, uchivatarisa kudai vaive munhu uya wandingati ari attractive
asi mai mufundisi vaive vaenda pazera uye handizive kuti zvakaitika sei izvozvo kuti varoore
munhu mukuru kwavari zvinotooneka kudai, saka ndakafunga kuti zvichida nyaya yebonde yaive
yanetsa kumba kwavo kana kuti bonde harisi kuitwa ne mazvo ndosaka vave kuda kutsvagana
neni. Ini murume wangu ne wanano yangu ndaiida uye ndaive ndakagadzirira
kuichengetedza,kunyangwe ndaive ndisina hangu mwana asi panyaya ye bonde baba vekumba
kwedu vaidada nenizvekuti dai vana vaaitwa nokunakidza kwe bonde isu tingadai takaita vana
vazhinji panyika kudarika vanhu vose. Takataura zvedu nyaya tikazofadzana na va Manyoni
tikavata, ave mangwana ndakamuka ndikagadzirira kuenda ku chechi kwandaizosangana na
mufundisi asi musi uyu ndaisamboda kuvaona pedyo neni nokuda kwezvaive zvaitika nezuro
wacho.

Takakurumidza kusvika ku chechi senguva dzose, kuti ndinamate nevamwe munamato


wemangwanani zvakandiomera ndainyatsonzwa munamato wangu uchidzoka kwandiri vamwe
vachikomborerwa nemunamato. Ndaitonzwa sekuti ndakarara na mufundisi kare uye pese
pandaivatarisa hana yangu yairova, ndichivatarisa kudai ndirikure vainyatsoratidza kuti
varikukomborerwa nekunamata zvikandinetsa kuti ko vamwe vanomunamatasei Mwari
vasinganzwi kana kuratidza mhosva pakukanganisa kwavo? Musi uyu ndipo pandakarasikirwa ne
chi kristu changu kusvika pekuti handitende vafundisi futi, kubva apa ndakatanga kufunga kuti
kana munhu wa mufundisi achinyenga mukadzi wemunhu zvekuda kutoita mwana naye asi
opfuurira mberi nekubata basa ra Mwari sekunonzi hapana chaatadza kureva kuti ave ne
experience mazviri here hana kuti chii?
Ini zii zvangu semunhu ane nyaya isati yapera na mufundisi, vakaparidza havo samazuva ese
vanhu vakakomborerwa asi ini handina, chechi yakapera ndikaudza va Manyoni kuti ndaakuenda
kumba ivo vakandinyengerera kuti timboona mufundisi asi ndakaramba ndikati ndine hembe
dzinoda kuwachwandokubva ndaenda kumba pakangopera chechi.

Mazuva maviri akapera mufundisi vasina kumbotaura neni chero pa WhatsApp zvapo, wave musi
we chitatu mai mufundisi vakamukira kuenda kumusha kunoona mai vavo vairwara asi ini
handina kuziva. Iniwo ndaive ndamboduda kaviri husiku ne mudumbu ndofunga inyaya yekudyisa
kwandaive ndaita, Mufundisi vakabva vafonera va Manyoni kuti vanyatso maker sure kuti
varikubasa panguva idzi pamwe nokuvaudza kuti Mai Mufundisi vaenda kuurwere, mushure
mokunge vataura na Manyoni vakabva vaudzwa kuti ndaive ndinemudumbu saka vachibva vati
ndikawana nguva ndichanovaona. Ndakazoona vaita zvekufona apa vaive vatosvika kare pa gedhi
ndokuti ndiri pano pamba penyu ndingakuonaiwo?Mudumbu mangu makatang kurira zviya
zvokutya kwakasangana nokutovhiringika pfungwa chaiko, ndaka cutter phone ndisina kupindura
ndobva ndaenda ku gedhi kunovavhurira wanei vauya netsoka uye varikungonyemwerera
zvavasingaiti nguva dzese.
Hana yangu sa nezuro yakarova zve pandakavaona.

Ndakatungamira vachitevera kusvika mumba ndobva vagara pasi, nguva dzese pavaiuya kumba
kwedu vainamata vasati vagara pasi asi musi uyu Havana kana kumboedza zvavo vakangoti
bweshe kugara pa sofa.Ndikavakwazisa ndakagarawo kune rumwe rutivi rwekatafura kangu
kakatengwa ku Tanzania, vakadaira nenzwi rine mufaro ndikashamiswa nekushaya nyadzi
kwavo.Maminitsianenge manomwe akapera pasina chainzwika kunze kwe kufema kwataiita
pamwe ne TV yaitaurira pasi pasi iyo takaramba takatarisa pasina chatirikuona nokuti paive ne ma
cartoon. Ini chaiye handingagariri ma cartoon mukadzi mukuru, vakazotanga kutaura kuti mai
mufundisi havako vaenda kumusha kunoona murwere asi vanodzoka mangwana. Ndakangodaira
wo semunhu audzwa, ndobva vazoti makafamba sei musi wemugovera ndikavatsanangurira.

Vakabvunza kuti ko nyaya yedu Makati kudii nayo?


Ndakatarisa pasi ndikavaudza kuti handikwanisi hangu kuita zvavaida nokuti ndakawanikwa uye
ndinoda mhuri yangu, mufundisi vakaramba vachisimbirira kuti ngatizviitei kuti muone kana
murimi mune dambudziko tione kuti toita sei. Handina kumbopindura vakabva vatosimuka kuuya
pandaive ndakagara, hana yangu yakarova ndikada kutiza but it was too late nokuti vakasvika
ndisati ndambodii.

[END OF CHAPTER THREE]


[14/12 16:47] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FOUR)

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772


Ndaive ndofunga kuti varikuda kuuya kuzondibata ende daivakandidaro hapana zvandaigona
kuita, chero kuchema ndaisambochema nokuti muviri wangu waiva wasvipa simba rese
pavakasimuka.Vakasvika ndobva vamira mberi kwangu zvikanzi Mai Manyoni hamuwani futi
mukana wakadai, kana muchitya kuti tingabatwa hapana anombotiona.Zvese izvi vaitaura
ndakanyarara ndichitoshaya chekutaura kusvikavazondikumbira kusimuka kuti ndimire navo,
ndakasimuka vakatambanudza maoko avo kuda kundimbundira ndipo pandakabva ndabata maoko
avo ndichiadzosera kwavari ndikati kwavari, mufundisi chimbondiudzai kuti zvese izvi
murikuzviiterei?
Paive pasina nzvimbo huru pakati pangu navo, nokuti vaive vakamira pedyo chaipo zvekuti
vaitofemera mumhino dzangu chaimo.

Vakaramba vakanyarara ndokuzoti, I just like you. Ndikavati I am not so beautiful uye muchechi
mune vanhukadzi vakawanda vakanaka kundidarika sei mauya kwandiri, mauya nokuti murume
wangu anokuremekedzai here kana kuti? Ko mai mufundisi vakazvinzwa kuti ndizvo
zvamurikuita ku chechi munofunga kuti vanonzwa sei? Ko Mwari wenyu wamunonamata anoti
chii kana akakutarisai kubva kudenga muchi abuser kudana kwake kuri pamusoro penyu? Ini
handifungi kuti murikuita chinhu chakanaka mufundisi ndiri mudzimai wemunhu ini
zvamunonyatsoziva dai mangamagona kufungawo kuti muri mureri we mweya
wangu.Ndinonzwisisa kuti tese tiri vanhu tinokanganisa uye zvamakataura kwandiri
ndichazvichengeta mumoyo mangu handiudzi munhu chero ani zvake asi chiregai kuzviita futi.
Mufundisi vakanyatsoratidza kuti ndavashora nyadzi dzikatanga kuungana mumaziso avo,
manzwi andakataura aive ekuedzawo kuzvisimbisa nokuti ndaive ndatokundikana kare uye ndaive
ndakutonzwa kuvadawo.
Ndopavakanditi munoziva chii, nyaya yangu nemi yakatanga kare. Kumba kwangu kune
dambudziko rebonde kubva makore matatu apfuura, mai mufundisi havagutsikani neni saka
ndakamboedza kushingirira asi zvirikundidya zvikuru.

Kubva musi wandaitaura nemurume wenyu achiti zvimwe ndezvimwe asi mai Manyoni vanogona
zvavo bonde ndakabva ndanzwa kuda kuswederawo pedyo nemi, hongu murume wenyu aitaura
manzwi aya muhushamwari nemukunditenda se munhu wa Mwari asi ndakazvinzwa panyama uye
ndizvo zvakanyanya kundisunda kwamuri. Pandakanzwa mashoko ose aya ndakabva ndaperesesa
simba shoma raive rasara mandiri, meso angu aive avekutoratidza kuti ndatopera basa uye apa
hwaive hurema hwavo kushaya zvekuita neni. Ndakatsvaga mamwe manzwi ekukunda nawo
muedzo uyu asi rwendo rwuno ndakashaya kusvika ndazongoti saka munoreva kuti va Manyoni
ndivo vakakutumai namanzwi avo here? Ivo vakati handina kudaro sezvandataura kuti
dambudziko rangu riri kumba kwangu, ukazoona gudo ratota mumahobi unofanira kuzivawo kuti
mubvumbi wacho watanga kare kupedza mwedzi mitatu usina kumboziva mukadzi wako
waunovata naye pasi pemachira mamwe chete hazvisi nyore.
Handina kuziva kuti akatanga ndiani asi ndakazongonzwa kuti tambundirana nokupuruzirana
kwaive kwatanga uye kuchikurumidza, ndaive ndave kufemera pamusoro kare ndopakarira phone
yavo. Vakabva vakurumidza kuibuditsa muhomwe mavo vachiitarisa vakaona vari Va Manyoni
varikufona. Vakabva vadaira zvikanzi na Va Manyoni, “Mufundisi murikupi? Ndaida kuti kana
manga musati maenda kumba kunoona Mai Manyoni ndipfuure ndichikutorai nokuti nditori
munzira kuenda kumba pane zvandinoda kunosiya ikoko”. Havana kupedza nguva mufundisi
ndobva vatoti aaah Manyoni ndichatongobuda pa gedhi pako izvezvi ndapfuura neko asi
handichagoni kukumirira ndauya ndisina mota ndoda kuzoenda ku Provincial Office. Izvi
vakazvitaura vachitofamba kubuda mumba hapana kana kuwanikwa nguva yekuonekana,
ndakasara tuma feelings twese twuya twapera ndikazvituka kuti ko ini ndazenge ndarerukawo
kudaro nokuda kweyi? Shuwa ndingaita manzwira akadaro kumunhu asina kumbondiudza kuti
anondida? Dai asiri Manyoni afona handiti dai patoitika chihure here ipapa?

Ndakatanga kudedera kuti dai parega kuitika chinhu chinoonesa kuti pane zvanga zvoda kuitika
pano, nokuti Va Manyoni kubva tichiroorana munhu anongonyumwa pazvinhu zvese, chero
ukamunyepera nguva zhinji anotokuudza kuti urikunyepa. Hameno kuti akasikwa sei kana kuti
zvichida ndimweya mutsvene handizivi.Akasvika akabata ka cardbox ke blue handina
kumbokanzwisisa ndokubva ati babe chengeta zvinhu izvi ndichauya ndokuudza zvirimo
ndadzoka kubva kubasa, wabikei zvako?Akataura achitovhura poto yaive nechibage chandaive
ndabika ndokutora miguri yake miviri ndobva andipa kiss padama ndokubuda achienda.

Ndakasara ndichidedera pamwe chete nokuvenga mufundisi we chechi yangu zvakanyanya,


ndakanzwisisa kuti vaive ne dambudziko asi vaifanira kutsvaga rubatsiro kwete kuda kuparadza
imba yangu nokuti yavo yaparara wo, asi nerumwe rutivi ndakadzidza kuti munhu haavimbwi
naye kusvika pakutaura zvinoitika mubedroom mako naye.

Varume vanotengesa vakadzi vavo kubudikidza nokushaya huchenjeri kwakadai uye vakadziwo
kana vakadaro zvinogona kuita ma results akafanana. Ndanga ndangogara pa couch ndakabata
rushaya sekunonzi ndafirwa na amai kuri kufunga kuti kukurukura hunge wapotswa, nhasi zvanga
zvashata. Ndakazoita zvekuvhundutswane phona call ya mufundisi ndikati murume haadzidzi uyu
chokwadi, uye handina kana kudaira phone yacho ndaisada kana chinhu pakati pangu ne uyu
murume anozviti mufundisi uyu.

Yakarira kanodarika katatu handina kana kumbodaira, ndopavakazoisa message pa WhatsApp


yaive yakanzi, “I am sorry for everything, I think you were right that even if my marriahe have
some snarl-ups I should redirect my focus on my calling”. Ndakaiverenga asi handina kana
kuipindura nokuti ndaizovhura zvaiva zvavharika, kunyarara hakutaure shoko, saka ndakaramba
ndinyerere. Hapana kumbopera three hours, ndakafonerwa na Baba vekumba kwangu va Manyoni
vachinditi wazvinzwa here kuti Pastor vakunoita Overseer ku Gweru vawana promotion shaa ende
ndarwadziwa. Va Manyoni vachitaura ndakawedzera kukanganisika nokuti ndaive ndisisazive
zvokutenda uye kuti sei zvinhu zvese nhasi zviri kuitika nokukurumidza kudai?

[END OF CHAPTER FOUR]


[14/12 16:47] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FIVE)
Story by Malvin Brown
[email protected]
+27 74 707 1772
Kwakasheedzerwa meeting ye ma Elders ku church manheru acho yekuzivisa vanhu kuti
mufundisi vavekuenda ku Gweru ne basa ra Mwari, ini handina kuenda ndaive kumba ndakavata
zvangu. Va Manyoni ndaive ndavati mudumbu mangu hamusati magadzikana vakanditi sara hako,
vakaenda ku meeting vakadzoka kuma 10pm ndavekuda kuvata. Ndakamuka ndikavaisira kudya
ndobva tazovata, mufundisi vakafumira kuenda ku Gweru kunoratidzwa nzvimbo
yavaizoshandirauye kukura kwaive kwaita basa kunzvimbo iyoyo. Mai Mufundisi vaifanira
kukurumidza kudzoka kuti vagadzirire kuenda ku Gweru saka vaifanira kutouya musi iwoyo asi
mufundisi vaive vasiko, saka vakafonera Va Manyoni kuti vanotora Mai Mufundisi kumusha
kwavo nemota yedu vopihwa mari ye mafuta emotokari ku office ye chechi.
Va Manyoni vakafona kuti ndichaenda kunotora Mai Mufundisi kana ndapedza basa saka gadzirira
tiende tese, ndakanzwa ndisingadi kuenda kure kwese uko uye nezvaive zvamboitika ndaisada
kunoonana na Mai Mufundisi avo vaive vave kuzoita Mai Overseer. Ndakagadzirira Va Manyoni
kuti vakauya vasanonoka kufamba, vakazokumbira kubasa kuti vabude one hour earlier
vakatenderwa ndobva vauya vakageza ndobva vapinda mu road kuenda. Taifonerana vachienda
kusvika vasvika ndikatotaura na Mai Mufundisi pa phone ya Va Manyoni vachiri kumusha ikoko
pavakangosvika,vakazosimuka ndokupinda muroad kudzoka kumba. Vari mu road kudaro kuuya
handizive kuti sei vakasvika pakutaura nyaya dzekusagutswa kwavo pabonde na Mufundisi
kumba kwavo, Va Manyoni vakatadza kukunda muedzo wamai Mufundisi ndobva vatenderana
kuti vambopedzana nzara ye bonde yaive yaave kuda kusvika ku four months kumba kwavo.
Ndakafona katatu phone isinga dairwi asi handina kumbofunga zvakawanda nokuti mai mufundisi
vairatidza kuti vakazvibata uye Va Manyoni ndiye munhu wandaisambofungira kuti angaita
misikanzwa yakadaro. Handina kuziva kuti nguva yese yandaiedza ku fona iyi vanhu vaitove
zvavo mu B & B Guesthouse vachinakidzana,pavakapedza havana kumbotarisa phone yavo kuti
vaone kuti hapana amboedza kufona here neniwo ndakangofona pa foni yemurume wangu chete
handina kumbofonera mai mufundisi ende dai ndakafona vese vasingadairi ndaifa ne BP.
Vakazosara kusvika kumba vatove Baba na amai zvavo, ko zvakwaive kwasara zuva rimwe chete
wani vakatadza kukunda here? Shure kwemakore matatu ekutendeka ko zvavanga vasvika wani?
Ko kushandisa wo zvavo nzira dzokudzivirira mimba kana kuti vakazvitora nyore nokuti Va
Manyoni vaive vasina mwana kumba kwavo? Vakasvika ndokunosiya Mai Mufundisi kumba
ndokuzouya zvavo nguva dzaive dzave kuda kunoti 3am mambakwedza. Kazhinji va Manyoni
vaitoti chero vakasvika kumba nguvai vaitondimutsira bonde chete uye neni ndaitorimukirawo
nokuti murume wangu ndaimuda asi musi uyu vakasvika nokubvisa hembe nokuvata kana kudya
sadza chaiko vakaramba. Handina kumbovanetsera bonde nokuti ndakafunga kuti vaneta
nokuswera kubasa nokuzotyaira rwendo rurefu, vakamuka mangwana ndokuenda kubasa
ndikasara ndichida kuenda kunoona Mai Mufundisi pamwe nekuvakorokotedza nekusimudzirwa
pabasa kwavaive vaitwa.
Ndakati ndisiye ndawacha hembe ndopandakaona ma tickets maviri mu bhatye ra Va Manyoni,
rimwe raive re pa toll gate rimwe raive rakanyorwa kunzi B & B Guesthouse asi ese ari maviri
aive ne date ranezuro asi paive pasina kunyorwa nguva pa receipt ye B & B Guesthouse iyi. Izvi
zvakandinetsa kuti pa Guesthouse va Manyoni vakaenda kunotsvagei nezuro nokuti mafambiro
avo ese haaratidze kuti vaifanira kusvika pa Guesthouse zvekuzonyorerwa receipt. Ndakafunga
zano rangu rokubvunza naro nyaya asi ndaifanira kuchenjera kuti zvibvunzike, uye ndaifanira
kubvunza wangu murume kuitira kuti kana zvisirizvo zvandiri kufunga nyaya yacho inoperera
mumba medu. Ndakatorazve receipt riya ndokucherekedzesa ndikaona pakanyorwa number dze
phone asi kwekutanga kwaive kusingaoneki kwaingooneka last three digits dzinoti 760 ndikaziva
kuti number ndedza va Manyoni chete idzi.
Ndakaenda ndikanoonana na mai mufundisi ndikavabatsira zvavaida kubatsirwa pakurongedza
kwese, ndikabva ndazodzokera kumba kwangu asi meso a mai mufundisi aive ne mhosva zvinove
zvakasimbisa zano rangu rekuti pane zvakaitika nezuro manheru. Va Manyoni vakadzoka kubva
kubasa ndakavamirira nemaziso matsvuku asi handina kuzviratidza kuti ndine nyaya mbishi.
Ndakavati vanogeza ndisare ndichivagadzirira chikafu, pavakaenda ndakasara ndikaisa phone
yangu pa private ndobva ndangobhipa phone yavo.Vachibuda kunogeza ndakangovati pane munhu
afona kubva ku B & B Guesthouse hanzi mukadzi wamaive naye nezuro manheru akasiya watch
yake ye silver mu room menyu saka hanzi mukapfuura neko muzotora kana kuti iye azotora.
Ndakaona murume mukuru achiita sekunge pwere nekupererwa, vakangoti Guesthouse ipi iyoyo
ndikati B & B Guesthouse kwamakapfuura nako nezuro, vakatora phone yavo ndobva vatarisa
ndokuona number yacho i private number vakashaya kuti vanofonako sei. Zvikanzi aaah
ungateedzera vanhu vanofona ne private number ava vamwe vacho ma satanic nokuti dai iri
company chaiyo isingambovigi number dzayo ndopandakabuditsa receipt ndikati saka ne receipt
iyi yaive muhomwe menyu ndeye ma satanic futi?
Vachibva vatotanga kupopota kuti hey, handina kukuroora kuti uzorinda hupenyu hwangu zvekuti
unodakuziva zvose zvandaita zvaitika kupi uye naani. Ndichibva ndati haaa sorry zvenyu
ndakanganisa.
[END OF CHAPTER FIVE]

Just now
[14/12 16:48] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER SIX)
Story by Malvin Brown
[email protected]
+27 74 707 1772
Handina kuzomboimutsiridza futi nyaya iyoyo nokuti ndaive ndabata chokwadi chandaida,
dzimwe nguva munhu haafaniri kubvuma mhosva kuti anzi abvuma.Pamwe pacho maitiro ake
pakupindura mibvunzo anotoratidza ega kuve ne mhosva kwake kunyangwe akairamba, mumba
medu makaita runyararo rwekutsamwirana kwenguva refu nokuda kwe nyaya
iyoyi.Zvakazobvunzana kuti ko makasiya watch ku lodge kwatakararana kuya ndafonerwa nokuda
kwayo, Mai Mufundisi vakati handina kumbosiya watch ini handitombozivi kuti ndakapedzisira
kusunga watch muruoko rwangu riini uye ndakaenda kumusha ndisina kana zvindori zvemunzeve
chaizvo. Saka va Manyoni vakanetseka kuti watch yakafonerwa iyi ndeyaani uye ndiani wacho
akambofona, kuti vandibvunze vaibvunza vachiti kudii.
Kuna Mai Mufundisi havana kutaura kuti ndini ndakataura nyaya yacho, mufundisi vakazouya
ndokupedzisa kurongedza zvinhu zvekumba kwavo ndokuenda ku Gweru kwavaive voshandira.
Pa chechi pedu pakasara pasina mufundisi saka vamwe senior Elder vaivepo ndivo vaive vachiona
zvese zve chechi kwe mwedzi miviri kusvika mufundisi mutsva auya.Va Manyoni vaive
vasingachanyanyi kushingaira kunamata Mwari sezvavaiita kare kubva zvakaenda mufundisi,
kwete nekuti vakarwadziwa nokuenda kwa mufundisi asi nokuda kwe chivi chavakaita
chinopedza simba ra mweya mutsvene mumunhu. Ndaive ndarasikirwa neruvimbo rwangu
mumurume wangu, kwese kwaaienda ndaienda navo kana kuri kunze kweguta kana kuti kwese
kwandaingofungidzira kuti kungave nemiedzo, iniwo ndaive ndisingachadi kutenda vafundisi
sezvandaiita kare kwete nokuda kwokuti vafundisi vakaipa asi nokuda kwokuti munhu
ukamborumwa ne nyoka chero ukazoona imwe yakafa unongofunga zvakamboitika.
Bonde redu mumba rakatanga kunetsa nokuti vaive vasisina kunyatsosununguka kurara neni
semazuva ose, dzimwe nguva taitoita svondo rese tisina kumborara tese asi ini ndaive ndisina
kuzvijaira uye zvaitonetsa kujaira nokuti ndagara ndiri munhu anoda bonde. Kubva zvavaenda
mufundisi havana kumbotaura neni chero pa WhatsApp zvinove zvakandiratidza kuti shuwa
mufundisi vaive vavekushingairazvekudanwa kwavo. Ndakatanga kuzvituka kuti pamwe dai
ndakabvuma kurara na mufundisi zvichida dai ndave ne mwana mudumbu pane kutendeka
kumhunhu asina kutendeka kwandiri. Hapana chinhu chinoshooresa mukadzi kudarika kuti
murume wako anorara neumwe mukadzi iwe uriko kumba, ichi chinhu chinoninipisa kwazvo uye
chinopedza rudo. Ndakamboedza kutaura na Va Manyoni ne nyaya yebonde remumba medu asi
zvikonzero zvavo zvaingove zvekutiza nyaya, chero vasina kuenda kubasa vaingoti vakaneta. Izvi
zvakatanga kundidya apa handisi munhu anogona kutaura nyaya dzemu bedroom mangu
nevamwe vanhu vekunze saka zvese zvandaisangana nazvo ndaingofira mukati. Kuti ndiende
kunobatsirwawo ne munhu wa Mwari ndaibva ndatanga kufunga kuti pandapedzisira kuenda
kumunhu wa Mwari imba yangu yakabva yapindwa nechirwere, ndikatoudza munhu wa Mwari
kuti bonde ririkunetsa kumba kwedu ndinenge ndatomunyenga, kana ndikaudza vari amai vacho
kana kwavo zvirikowo ndinenge ndatengesa murume.
Ndakagara zvangu ndikati chasara pano kutongodzidzira kugara ndisingararwi kunyangwe
zvaisave nyore. Kwaive ne musangano we madzimai wenyika yose waizoitirwa ku Masvingo
kwemazuva mana, asi paive pachine mwedzi mitatu kuti mazuva e musangano asvike.
Takagadzirira kuenda kumusangano semadzimai epasangano pedu zvishoma ne zvishoma kusvika
mazuva aswedera. Ini handina kuziva kuti kushaikwa kwemufaro kuna Va Manyoni
kwaikonzerwa nekuti vaigara vachitaura na Mai Mufundisi mazuva ese zvikuru sei kuti mai
mufundisi vaive vave ne nhumbu ya Va Manyoni asi paive pasina chokutya nokuti zvaizongonzi
nhumbu ndeya mufundisi nokuti Va Manyoni vaive vasina mwana kumba kwavo. Saka va
Manyoni vaitobhowekana neni kuti handizvare, nokuti ivo vaive vamitisa mai mufundisi saka
hungomwa ne jambwa rekushaya mwana zvangazvave pachena kuti zviripandiri. Ko ini ndaizivei
zvangu ndaingoti tiritose asi mupfungwa dze murume maitofunga kuti ndingarambe sei mukadzi
ngomwa uyu.
Musi we kuenda kumusangano va Manyoni vakaramba kundiperekedza ne mota vakati ndiende ne
kombi yaitakura mamwe madzimai nokuti mafuta anozovadhurira, kaive kekutanga kuziva kuti
mafuta e mota anodhura kana vachida kundiperekedza somewhwere, nguva dzese va Manyoni
vaingoenda neni vasingachemi – chemi kusiya kwemusi uyu. Ndakaenda kumusangano
ndichizvidya mumoyo uye kwemwedzi mishoma yapfuura imba yangu yaitoda nyasha dza Mwari
chaidzo saka ndakaenda kumusangano ndichitarisira chishamiso changu kuna Mwari.Vanhu vaive
mavhu ne marara nehuwandu hwavo pamusangano, kuti muonane maitogara pamwe chete kana
kuti maizofonerana, pasina izvozvo maitoita mahwekwe ekusangana. Ndakaona mai mufindisi
vakafuga chi jira asi vairatidza kuti vanenge vakazvitakura, handina kuda kukurumidza kufunga
kuti imimba ya Va Manyoni kunyangwe pfungwa yacho yakambouya ndakakurumidza kuirwisa
ndikati izano ra satan. Ndakazosimuka ndikanovamhoresa tikaseka asi mufaro wavo waiva usina
kuzadziswa handizivi kuti chii chaibata kusununguka kwavo kwandiri, ini ndikati regai ndirambe
hangu ndichiita zvandavinga zvekunamata nokunzwa soko ra Mwari, ndichingonogara pasi
ndakaona phone yangu ichiti 1 missed call ndakatarisa ndokuona ndi Overseer vaive vafona.
Ndakabuda panze pe tende kuti ndivafonere nokuti maive ne ruzha mutende, ndakasvika
ndokuedza kufona asi havana kudaira katatu kose. Ndichibva ndazongoti regai ndisende message
yekuti ndiri mu chechi, message ichingonzi delivered ndakanzwa kudaidzwa Mai Manyoni! Mai
Manyoni! Ndichibva ndacheuka kuti nditarise asi inzwi ndaive ndariziva zvangu ndikaona vari
Overseer, vaive voda kutopinda munzira kudzokera ku Gweru kwavakabva vachiperekedza Mai
Overseer.
Hevoi Baba ndirikuedza kukufonerai apa ndaona missed call yenyu, ndobva vati haa ndatorega
kudaira pamafona nokuti ndaive ndakuonai kare sakandati ndingapedza mari yenyu ndosaka
ndaita zvekuuya kuno, mota yangu iri apo iyo (vachinongedzera). Takabvunzana mufaro
zvakanaka – naka vachibva vati ndangofunga kuti muripano ndikati handingadzokerindisina
kukuonai.Ndikati haiwa maita basa Baba ini ndiri mutano zvangu ne nyasha dza Mwari,
takaonekana ndobva vaenda zvavo pasina chimwe chavakataura kunze kwaizvozvo.
[END OF CHAPTER SIX]
[14/12 16:48] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER SEVEN)
Story by Malvin Brown
[email protected]
+27 74 707 1772
Zuva rekutanga remusangano raikomborera kwazvo, zvidzidzo zvemudzimba zvaiveko kubva
kuvakadzi vane wanano dzinokudzwa asi hapana chaive chitsva kwandiri pazvese. Zuva rechipiri
remusangano kubva mangwanani va Manyoni havana kumbofona iniwo pandakaedza ku fona
havana kudaira, ndakazofona pa phone yepabasa pavo ikasadairwa kusvika ya transfer kuenda ku
receiption. Ndakataura nemunhukadzi aiva nenzwi randisingazivi zvachose aivewo mutsva pabasa
apa ndiye akazoti va Manyoni vari pa leave ye mazuva maviri havasi pabasa nhasi. Zvakandinetsa
kuti va Manyoni vanotora leave ndisingazivi sei?
Handina kuzofona kubva ipapo, ave manheru ndakanzwa chiziviso chekuti mai Overseer vauye
kunoona Mai Archbishop uye chiziviso ichi chakadaidzirwa kanenge katatu panguva dzakasiyana.
Ndikafunga kuti havapo pamusangano zvichida vaenda kunotenga zvinhu kana kuti varikubikira
vaenzi dzaingovewo pfungwa, service yakapera ndobva ndaenda kunovata ndopakazofona va
Manyoni vachiti vanga vari busy kubasa ndosaka vasina kudaira foni ndikati ndaida hangu
kunzwa kuti vaswera sei. Ndopandakaona kuti pane zviri kuitika chete, ndakamuka mangwani e
zuva rechitatu chemusangano we madzimai ndobva ndanomira pa road, ndakatsvaga kombi
yaienda kumba ndobva ndakwira 10am dzakachaya ndasvika, door raive rakakiiwa pamba pasina
munhu.
Ndakapinda mumba ndobva ndafona ndobva vadaira zvikanzi ndiri kubasa chimboitai zve
musangano mozofona manheru, ndikati saka kana ndiri kumusangano handitenderwi kukufonerai
here?Zvikanzi aiwa ndanga ndichingotaurawo zvangu, ndichibva ndakwira kombi kuenda ku town
ndokusvika kubasa kwavo pa receiption ndobva ndakumbira kuvaona zvikanzi havapo kubva
nezuro munozouya musi we Monday. Ndakadzokera zvangu kumba ende musikana aive pa
receiption aive asingandizive saka paive pasina kana nyaya, ndakasvika kumba ndikatanga
kufunga kuti vana Overseer vasati vaenda va Manyoni vakambouya ne box re blue raive ne
jewelry vakati vachazotaura nezvazvo asi havana kuzomboitaura nyaya iyoyo, ndakatsvaga box
iroro ndikarishaya mumba.
Ndakabika zvangu chikafu changu ndikadya ende handina kumbosiya nokuti ndaito ziva kuti
havauye kumba.Ndakazofona zve dzave kuma 9pm ndichibvunza kuti murisei zvikanzi ndiri bhoo
ndatove kumba zvangu ndandatovata ini, vakabvunzawo kuti musangano wakadii ndikati
handizivi ndabvako mangwanani chaiwo ndiri kumba zvangu.Pakaita runyararo pa foni ndokuzoti
kumba kupi ikoko ndikati ndine imba imwe chete totobvunza imi kuti muri kumba kupi.
Foni ichibva ya cutter ende handina kana kuzofona zve naiye haanawo kufona asi BP yangu
yakabva yatokwira, ndakafonera Overseer ndikavaudza zviri kuitika ndikavati ndiri
kungofungidzira. Ndakavatsanangurira vakatanga kuda kundishoorawo kuti sei ndakanyarara
kubva kare, kufonera overseer kwandakaita was a wrong idea asi ndaive ndavekufungirwa ne
hasha panguva iyi. Vakazoti regai ndione kuti ndingaite sei ndinodzoka kwamuri.Ndakangovati
musakurumidza kutaura zita rangu kana pane zvamunenge maona please.
Hameno kuti vakafonera ani husiku ihwohwo vachibvunza kuti mukadzi wavo aripi phone yake
haisi kuita, vakaudzwa kuti hatizivi taitovatsvagawo. Ndobva vatyaira mota ndokuenda ku
Masvingo vakasvika ku room kwavakasiya mukadzi wavo wanikwe haapo, ndobva vanotaura ne
munhu wepa Guesthouse ipapo akati mukadzi iyeye anongouya nguva shoma asi haarari pano
anozouya makuseni ega ega two minutes otobuda futi. Ndobva vakumbira ma key e spare
aczhibva aramba mukomana wacho akati hazvitenderwi nemutemo kuti tikupei ma key ku room
yemunhu asiko, ndobva vagara zvavo. Nyaya yema key yakazomukazve kunze kwoedza ndobva
vamupa mari ndobva vanovhurirwa ndokusiya akiya zvake, vachingopinda vakawana musina
munhu asi phone yaive paka table yakadzimwa. Vachibva vaibatidza ndopavakaona kuti yaive
yasiiwa pa charger ne nyaya yekushaya moto saka inogona kuve yakanganwika, pakuibatidza
yakapinza ma missed call alert, ma phone text pamwe ne maWhatsApp message akawanda,
mamwe ekuma group ekuchechi, mamwe ari personal asi ivo vaitsvaga ava Manyoni. Ndobva
vatarisa number dza va Manyoni dzaive dzakanzi B & B Guesthouse mufoni yamai Overseer, ivo
vaive vatodziona asi vakafunga kuti ndezvema group nokuda kwezita racho.
Vakapinda mu WhatsApp muya ndokutanga kunon’ona vachindi forwadira ma chats, haaa
ndakapotsa ndafa munongonzwa imi vanhu vaidanana ivavo. Overseer vakazodzima foni
yemukadzi wavo ndokutoedza kubatwa ne hope asi dzakaramba saka vaingobwaira bwaira varimo
kusvika kwaedza.Mai Overseer vakazosvika kuma 5 am vese na va Manyoni pa lodge, vachisvika
va Manyoni ndivo vakatoedza kuvhura door wanikwe mumachira mune munhu apa vakazozviona
vapinda mumba Overseer ndobva vabuda mumachira, Va Manyoni havana kumbomirapo vakabva
vatiza kuenda kumota kwavo vachisiya Mai na Baba Overseer vakamira mu room imomo uku
Overseer havana kumboedza kuda kutandanisa Manyoni vakangomusiya achitiza ega.
[END OF CHAPTER SEVEN
[14/12 16:48] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER EIGHT)
Story by Malvin Brown
[email protected]
+27 74 707 1772
Mukomana wepa Guesthouse uyo aive ambovhurira Overseer door reku room kwa Mai Overseer,
aive atoona Mai Overseer na Va Manyoni vachipinda akaziva kuti chabvondoka. Haana
kumbotaura navo asi akaramba akavhura zvinzeve ne zviziso kuda kuona kuti chii chichaitika,
akabva amira nechekuno kunzira kuti pashaye chinomupfuura kana chiimwe chete.
Paakaona va Manyoni vachibudikira mu passage vachimhanya akabva ati hekani waro,
ndokuvabata nesimba achivakakata kuti vadzoke ku room iko kuya. Vakamboda kuedza kurwisa
asi ruoko rwemukomana rwaive rwakasimba zvekusasiya munhu, vakadzoswa vachichema rufu
rwavo nokuti vaitoziva kuti mukadzi wemunhu anourayisa. Overseer vaive vasina mutongo
wakaoma panguva iyi nokuti naivo vakamboedzwawo asi nokuda kwemamiriro ezvinhu vaifanira
kuratidza kuti vagumbuka. Uyu mukomanawo aive akatogadzirira kurova munhu zvekurova zviya
zvekuti Overseer ndivo vaitozova dzora dzimwe nguva, Mai Overseer kungwara kwese ne
kuzvikudza kwaive kwapera manje vaive vongochema vasina murwiri apa vane nhumbu
yechikomba iyo yaive yafumurwa ne WhatsApp. Overseer vakafonera vamwe vakuru veku church
vaive kumusangano kuti vaye vatambe mhaka yevaviri ava, havana kumbononokawo kusvika pa
lodge apa ndokuona mamiriro akaita zvinhu acho akaipa. Vakasvika vakagadzika vanhu pasi kuti
vatonge nyaya iyi, mukomana we pa lodge akabudiswa panze asi haana kumboenda kure aive
nehasha kwazvo aida kutorova munhu.
Mu room umu maive magara vasharukwa chaivo ve chechi, Bishop mukuru we nyika yose,
Chairwoman wemusangano wemadzimai, mufundisi we kusangano kwa va Manyoni, coordinator
we musangano aivepowo ipapo. Nyaya yakabvunzwa matangiro ayo ne payaive yasvika, nokuda
kwe hasha dzaivepo vanhu vaifanira kushandisa huchenjeri kutonga nyaya yacho,
yakatsanangurwa ma WhatsApp messages akabuditswa achiverengwa ende zvakanyadza. Mai
Overseer na Va Manyoni vakabvunzwa kuti vanoti kudii nazvose zviri kuitika apa vakati
vanobvuma mhosva yavo asi vanokumbira kuregererwawo.
Bishop: Iwe Manyoni chaive chanetsa chii kuti usvike pakufunga zano rinonyadzisa kudai?
Manyoni: Hachisi chaive mupfungwa dzangu, asi zvinhu zvakabuda muruoko musi wandanotora
Mai Overseerkumusha ndaive ndatumwa na Overseer. Takatanga kutaura nyaya dzakauyisa
muedzo iwoyu kusvika tarara tese husiku ihwohwo.
Overseer: Manyoni saka urikuedza kundipa mhosva here nokuti ndakakutuma, heee kangani
ndichik……
Bishop: Overseer chimbonyararai titaure kuno.
Manyoni: Se munhu aive asina mwana ne mudzimai wake handina kumbofunga kuti
zvingazosvika pakubata mimba.
Bishop: Iwe usatendera hupenzi kuti hurambe huchibuda napamuromo wako, unoti tauya pano
kuzotamba here? Une mhosva yehupombwe zvisinei nokuti pane mwana here kana kuti hapana,sei
uchitaura semunhu asina nyadzi?
Mai Overseer: Ndapota hangu kani dady ndakakanganisa, ndiregerereiwo munhu wa Mwari.
Handichazozviiti futi ndapota hangu kani. Bishop ndibatsireiwo Overseer vandiregererewo,
chairwoman musanyarara ndibatsireiwo.
(Vaidaro vakapfugama vachidemba demba kuti zvimwe vanganzwirwa tsitsi asi zvaisaratidza
kudaro panguva iyi)
Bishop: Eer Overseer nyaya ndiyoyi munoti kudii?
Overseer: Ini handichadi munhu kumba kwangu, handigoni kugara nechifeve Baba. Ko kana
vanhu vekuchechi vakauya vachida rubatsiro rwewanano vanoudzwei ne hure iri, kana basa ra
Mwari richikosha kwamuri gamuchirai pfungwa yangu uye haisi pfungwa ye hasha, chero
ndakafara ndizvo zvandichangosarudza zve.
Mumba makaita runyararo kunze kwekupfikura kwa Mai Overseer kwaive kwatanga kare.
Ini ndaive ndichiri mumachira, ndisingazivi kuti chii chirikuitika ku Masvingo ikoko, Overseer
vaive vakanzi last seen nguva yandakapedzisira kutaura navo mambakwedza apakuvafonera
phone yacho yaingoti ikapinda yobva ya cutter zviya zvekuratidza kuti irikutokatwa maune.
Bishop: Yahh pakaoma ipapo asi sarudzo ndiyoyi, tinehurombo nezvaitika pano asi imi mai
hamuna mukana wesarudzo nokuti makazvinyira mega. Asi chandinoda kuti chijeke ndechekuti
muchibva pano hamusikuzoenda kumba kwa Mai Manyoni, kana usingachavada muchato wako
unodamburwa asi kumba ikoko hausvike kana ivo vasingadi. Hapana chakaipachavakaita kuti
vasvike pakushaya mufaro mumba mavo nokuda kwehupombwe hwako, saka hatidi kunzwa
dzimwe nyaya ikoko.
Nyaya ye vana va Overseer yakazotaurwa kuti vanogara na baba vavo parizvino. Ava vaviri
vakazonzi vatange kubuda ndokuenda kunopinda mumota, mukomana we pa guesthouse
achitarisa nepahwindo zvairatidza kuti hapana kuwirirana pakati pevaviri ava mumota.
Vakamboita kanguva vachitaura ndokuzo mutsa mota voenda, zvichida vainetsana nenyaya yekuti
toendepi tichibva pano – hameno ikoko uye hanya naaniko?
Overseer vakazondifoneravachindirondedzera zvaive zvaitika, handina chandakataurandakangoti
zvakanakai. Ivo va Manyoni havana zvavakambotaura, kana kufonawo zvavo but I was extremely
heartbroken. Chokwadi havana kuuya kumba asi shure kwe mazuva mana vakazouya vega
ndokugara neni pasi vachitaura nyaya yavo. Ndaive ndiine hasha, ndisina kana nzvimbo mumoyo
mangu kuti ndivaregerere, of course I was a business woman but my marriage was beautiful
before it was invaded by this so called woman of God. Kusekwa kwangu kwakawedzera zvekuti
kana ku chechi ndaive ndisingachaendi, madzimai makuru achiti akarambirwa hungomwa.
Vafundisi vedu vaigarouya kumba kwangu kuzotaura neni pamusoro penyaya yacho kusvika
vanetawo nazvo, I was all alone asi muchato hauna kudamburwa. Va Manyoni na Mai Overseer
vaive votogara vose zvavo asi kuchechi vanga vasisaendewo.
[END OF CHAPTER EIGHT]

Just now
[14/12 16:48] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER NINE)
Story by Malvin Brown
[email protected]
+27 74 707 1772
Kwangu kurambwa kwaive automatic, ndakarambirwa chirwere chisingarapike mufunge. Hakasi
kekutanga kuti vanhu vakachata varambane asi zvaidawo kuti munhu apare mhosva kuti
agotongwa, uye kugara wega munhu ajaira kugara nemurume wake hakuna kureruka. Zvekuti
murume anogona kuita chihure ndaitozviziva kuti zvinogona kuitika asi zvekumba kwangu
zvakaitika ndakatsinzinya. Kubva paitika ngano iyi ndakatanga kunyatsoshingirira kushandisa
maoko angu pa business rangu kuti ndinyatso budirira kana Mwari achindiropafadza zvake, zvaive
zvisiri nyore asi ndaitoshanda nesimba. Chaive chasara kuenda mberi chete, zvekutarisa shure apa
zvaive zvisingashandi.
Kunyangwe murume wangu aive andibata nekuseri kweruoko asi mai Overseer vakandigura
kunorira, kushaya nyadzi kwemunhu anoremekedzwa zvakadai kwakandikunda. Vanhu vaivaona
ndivo vaizotaura neni kuti mazuva ano zvakadai kana kuti zvakadai, ini ndaive ndisingatsvagi kuti
vanorarama sei kumba kwavo na Manyoni. Dzimwe nguva zvaimbonetsana nokuti ndaizoona
Manyoni aisa message pa WhatsApp yekuti “I miss you” zvaibva zvandiratidza kuti
hazvisikunzwana asi ini ndaitorega kupindura zvangu. Panguva iyi dai Overseer vakangonditi
vanondida chete chokwadi ndaisambofunga kaviri, in fact ndaive ndavekutoda kuti vandinyenge
asi havana. Ndakaedza zvandaigona kuti vaone kuti ndirikuvada asi zvakashaya basa, ndaive
nezvikonzero kuti ndiite zvakadai, chekutanga ndaida kuratidzawo mai Overseer kuti ndinogona
kuvatorerawo murume, chechipiri nzara chaiyo yaive yakura semunhu aive ajaira kurara ne
murume wake mazuva ose, chechitatu ndaida kuti Manyoni anzwe kuti zvinodii kana munhu wako
atorwa neumwe uye chechina ndaida kuziva kuti zveshuwa ndiri ngomwa here.
Ndakagara ndisina murume kwenguva refu kunyangwe ndaive nenzara yakakura kudai yekudawo
murume, chaiwedzara nzara yangu ndiro group riya re WhatsApp raitaurwa nyaya dzisina basa
nguva ne nguva kusvika pekuti ndakafunga kurarwa ne benzi chairo, ndaive ndasara padiki kuita
pfungwa iyi asi ndakazozvidzora.
Nguva yakafamba ndichingogara ndega, ndaive ndatozojaira kutogara ndisina murume ndave
munhu aingofunga zve business rake iro raive rave kukura zvekuti ndaive ndogara ndiri busy
nguva dzose, uko kumba kwa Manyoni na mai Overseer kwaive kwave ne mwana musikana.
Manyoni ndokupa mwana wake zita rokuti “Mufaro”. Ndaishuva kuonawo mwana uyu asi
ndaizomuwanirepi ini ndiri mhandu ye vabereki veke? Baba na mai Mufaro vakave vanhu vatsva
nokuda kwe mwana wavo, va Manyoni vaive vasingagoni naye, vachingoti chese chaitika
vaifanira kuziva zvekuti chero akamuka iane bundu rekurumwa ne humhutu (mosquito) manheru
vaitoita sevachatsvaga mosquito iyoyo kuti vaiuraye chete. Kunyangwe mai Mai Mufaro vaive
varwadziwa nokuparara kwemba yavo nguva shoma yapfuura iyo, apa vaive vave ne pekutangira
nokuti vaive vapa mvura kumunhu aive ne nyota yekufa.
Mwana akakura achibatwa se zai mumba mavo, chose chaaida aipihwa kusanganisira nezvaaive
asingadi, kuchema kwake kwairoverwa munhu chete, akangoti chekuti changu chero husiku
vaitomhanya naye kuchipatara. Zvinonzi rimwe zuva vakanodzorwa pa chipatara vaenda naye
kunorapwa munhikwi chaiwo vakanzi munhikwi haurapwi.
Overseer havana kumbozowana mumwe mudzimai kubva zvaparara wanano yavo, ini ndaive
ndatokanganwa kuti kune varume kunze kuno. Rimwe zuva Mufaro akarwara zvekungopisa
muviri, kuchipatara akapihwa ma piritsi asi haana kupora, vakaenda naye ku ma private hospitals
asi mwana haana kupora. Overseer vaive vokwanisa mwedzi mishanu vari ku Isands of Comoros
kwavaive vatumwa kunovhura chechi ne dare guru re chechi yavo, Baba na Mai Mufaro
vakashaya pokubata kana pokutangira kuti mwana awane mishonga inopodza marwadzo ake.
Vakaenda kuzvipatara ne kunaana chiremba vane mbiri yekurapa asi mwana akaramba achirwara,
akatanga kupera muviri nekutsvuka vhudzi, kuchena mukati me chanza chemaoko nekuchena
maziso. Vana chiremba vakati kunyangwe mwana arikuramba achidzikira utano asi zvino avekuda
kuwedzerwa ropa nokuti ropa rake raveshoma. Akapihwa mapiritsi anowedzera ropa asi mushure
mevhiki rimwe chete aive asina kuchinja. Vakanzi vatenge ropa asi kwakashaika rinoenderana
naye muchipatara chose kusvika Baba vake vanzi vatorwe ropa rekupa mwana wavo, vakaenda
kuchipatara vachimhanya ndokusvika ndokugarisika vakamirira kutorwa ma blood samples kuti
aonekwe na chiremba. Mai Mufaro kurudyi kwa Baba Mufaro pa benji remukahofisi ka chiremba
vakamirira, chiremba akapinda baba Mufaro vakaisa musoro wavo mumaoko kuratidza kuti
kufunga kwaive kwawanda, mai Mufaro vaive vavekutokotsira vakapeta maoko avo semunhu aive
asina kurara kwenguva refu.
Chiremba akapfuurira mberi ne kutora ropa ra Baba Mufaro ndokubuda kunoita ma test kuti
agodzoka achitora ropa rekuita refill, vaviri ava vakasara zve vakamirira nguva refu, pane imwe
nguva mai Mufaro vakatozobata murume wavo kuti adzikame mushure mokunge asimuka kuda
kuenda ku lab kuna chiremba vachiti anonoka kudzoka. Akazouya zvake pave paye ne nhau
yakasiyana ne yeropa, achipinda baba va Mufaro vakabva vakwinya ruoko rwe hembe yavaive
vakapfeka kuti vaiswe tambo dziya dzinokweva ropa asi chiremba wakati chimbomirayi.
Akazopfuurira mberi otaura navo achiti:
Chiremba: Va Manyoni ndine hurombo kuti ropa renyu rinoratidza kuti hamuna ukama nemwana
anorwara uyu, zviya mati mwana ndiani wenyu?
Manyoni: Munorevei kana muchiti handina ukama ne mwana wangu? I don’t seem to understand
that at all, please explain.
Mai Mufaro: [Vakaratidza kushamisika kwakasangana nekutya]
Manyoni: Chiremba it can’t be true, I am the father of that child. You are making a mistake by
such frivoulous conclusions, your results are ridiculous and I am sure you are working on a faulty
machines Sir, ndosaka mwana wangu asiri kupora zvinhu zvenyu zvese zvakafa muno
muchipatara. [Apa vaipopotera chiremba vachifamba famba muka hofisi ikako]
Chiremba: Baba dzikamai titaure savanhu vakuru uye savabereki nhaika, taedza ropa renyu rutatu
kusvika tatora DNA test iyo yaratidza kuti mwana haana hukama neropa renyu……
Manyoni: [He interrupted] Hey hey hey, izvozvo ndozvandirikuramba chiremba, please kana
musingazivi basa renyu discharge my child now ndiende naye kune chimwe chipatara. I can’t seat
here waiting for my child to die…….
Vakabva vatobuda kuenda ku ward kwaive na Mufaro vachinoti kuma nurse bvisai ma tube enyu
aya amakabaira pamwana wangu now ndodakuenda naye be quick. Ma nurses akaramba akamira
uku chiremba vachisvika na Mai Mufaro mumashure, ndobva Manyoni atanga kupengereka
kusvika chiremba ati bvisa mwana pa drip muvape mwana wavo. Vakapihwa mwana wavo
vachingopopota ndokuenda naye, mai Mufaro ndivo vakazosara kunyora ma form aida kunyorwa
ndokuzotevera murume wavo.
[END OF CHAPTER NINE]
[14/12 16:49] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER TEN) Story by Malvin
Brown [email protected] +27 74 707 1772 Kwese kwavakaenda ne mwana kuti
arapwe kana kuwedzerwa ropa DNA test yakaramba ichiburitsa ma results akafanana okuti
Manyoni haasi baba vemwana, Mai Mufaro vaivewo neropa rakapesana neremwana wavo,
handizivi kuti zvinoitika sei izvozvo. Nyaya iyi yakatanga kunetsa mumba ma baba na mai
Mufaro kusvika mai vemwana vafonera Overseer asi vaive vasarirwa ne svondo rese kuti vauye
kubva ku Islands of Comoros kwavaive vaenda ne basa ra Mwari, phone yavo yakadairwa ne
mwana wavo mukuru ku Gweru. Pakumirira Overseer pamba apa paive pasingachagarika nenyaya
ye ropa iyi, mai vaive vave kushushikana kuti saka mwana wacho angagova waani kunze kwa
Manyoni? Hakuna umwe munhu wavakarara naye nguva yavakabata nhumbu kunze kwa va
Manyoni, Overseer vakazorarawo navo zvavo mushure ma Manyoni uye maitikiro akaita zvinhu
izvi hazvingaiti kuti mwana anzi ndewa Overseer anofanira kuve wa Manyoni chete. Manyoni
aidya marasha kuti kana chiri chokwadi kuti handisini baba va Mufaro pano panofiwa chete,
umwe munhu anotovigwa chete. Pandakanzwa nyaya iyi ndakati zvichida Mwari arikuda
kuzviratidza ne nzira inotyisa, chokwadi chinoziva ndi amai kuti muridzi we mwana ndiani.
Overseer vakazouya ndokuudzwa nyaya iyi nemumwewo mukuru we chechi aive audzwa nyaya
yacho asi vakaramba kuenda vakati handingaiti nyaya dzechihure ini. Bishop vakaramba
vachivanyengerera kuti murikuzviitira mwana kwete vaviri ava, vakazonzwisisa ndokuenda vari
vatatu na Bishop ne mudzimai wavo. Vakasvika ndokutanga kuita zvavaive vafambira, vakaenda
kuchipatara kuya ku private hospital vakasvika mwana akatorwa ropa pamwe chete na Overseer.
Vakagara zvavo vakamirira kuuya kwe ma results, Bishop ne mudzimai wavo vakambonamatira
mwana ndokuzotanga kutaudza vanhu kuti vanhu varege kuramba vakanyarara kudaro, nokuti
runyararo rwaivepo rwaityisa kwazvo. Kunyagwe Bishop vaitaudza vanhu asi ivo vakaramba
vachiratidza kuti havadi kutaura zvinoenda kure, vaive vaneta kumirira pakauya ma results.
Chiremba akauya ndokudaidza Overseer, pavakasimuka Manyoni akabva asimukawo achida
kutevera asi akanzi na chiremba adzokere achazosheedzwa wo. Chiremba: Baba ndinoda
kubvunza mibvunzo mishoma ndisati ndataura nemi mayererano nezvabuda pakuongororwa
kweropa renyu nere mwana. Overseer: Zvakanakai Chiremba: Pane mikana yakawanda zvakadii
kuti munogona kuve Baba ve mwana uyu? Overseer: Handizivi Chiremba: Asi muchiverenga
mazuva azvarwa mwana uyu kudzoka kumushure, mungangove here makambosangana na mai ve
mwana uyu? Overseer: Hongu, nokuti aive mudzimai wangu panguva iyoyo. Chiremba: Oh.
Handina kuziva izvozvo, saka chii chakaitika kuti murasikirwe naye? Overseer: Chihure
Chiremba: Asi kana mwana ariwenyu uyu mungada here kumupa ropa renyu kana rawirirana kuti
ararame? Overseer: Mwana haana chaanoziva, chero akasaita wangu asi ropa rikawirirana
ndinomupa ndakasununguka chose. Chiremba: Muri munhu wa Mwari zvechokwadi, nokuti
vamwe vanoramba mufunge. Overseer: Vanhu vanosiyana. [Mhinduro dza Overseer dzairatidza
kuti vaive munhu achine hasha] Chiremba: Baba ndine hurombo nokuti mwana wenyu
akazvarirwa nokukurira kumba kwemumwe munhu, regai nditange nokuti makorokoto makuru
kwamuri emwanasikana wenyu. Chechipiri ndichakutorai ropa ripiwe mwana nokuti raratidza kuti
ndiro ropa chairo rinodiwa kuti mwana ararame. Overseer: [Vakapererwa na mashoko kusvika
vave kungochema apa vachitorwa ropa] ndokuzoti, “Maita henyu chiremba kunyangwe zvisiri
nyore kutambira”. Chiremba: Ngatichifuratira zvakare titoenda mberi kubva pano. Overseer:
[Vakaramba vakanyarara] Chiremba havana kudzoka kunze kunotaura navaya vaive vasara panze
kusvika vapedza kutora ropa nokuisa mwana pa drip reropa ra baba vake. Pavakapedza kuita izvi
Overseer vaive vachine chiso chine kufunganya kwakanyanya asi vaifanira kutambira nyaya iyi
kuti pave nerunyararo. Kunyangwe yaive sarudzo yavo kuti mukadzi vachiri kumuda here kana
kuti vatore mwana chete, mwana vaive vasingakwanisi kumuramba nokuti aive mwana wavo
kungoti chete akazvarwa shure kwehupombwe. Mwana uyu aive asati ave ne birth cerificate
nokuti muchato vaive vasati vadamburisa, uye kana Overseer vakabuda muchipatara vachienda ne
mwana wavo kushaya nyadzi nokuninipiswa kwa Manyoni kuchakura uye guta rese richawana
zve nyaya yokutaura. Ko kana Manyoni akazvinzwa kuti mwana waaida zvikuru pamwe nokupa
zita haasi wake achaita sei? Chiitiko ichi chichamuratidza kuti zvirokwazvo iye ndiye asingazvari,
saka acharamba achigara na Mai Overseer here kana kuti achadzokera kuna Mai Manyoni? Kana
akaramba achigara na Mai Overseer zvasiyanei nokuti arikungoita chihure nokuti iye ndiye
asingazvari. Mai Manyoni vachanzwa sei pavachaudzwawo nevemakuhwa kuti mwana uya haasi
wa Mayoni? Mai Mufaro vachada here kudzokera kumba kwa Manyoni? Ko kana vakasada
vachaenda kwaani nokuti kwa Overseer sarudzo ndeya Overseer? Bishop vangaigona here nyaya
iyi yakazara ma emotions kudai kana kuti inoda iye Mwari amene? Ko zita remwana richaramba
riri Mufaro here iye ave na Baba mutsva kudai? Ndiyani achazotsanangurira mwana nhoroondo
yekuzvarwa kwake? Kana vari mai vake vachamutsanangurira vachazozvininipisa here kuudza
mwana zvachihure chavo? [END OF CHAPTER TEN]

Just now · Sent from Web


[14/12 16:49] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER ELEVEN)
Story by Malvin Brown
[email protected]
+27 74 707 1772
Chiremba vakapedza kuita basa ravo mweya we mwana ukadzoka zve maari, mwana aive arwarira
rufu akararama neropa ra baba vake chaivo. Pakauya chiremba kuzoudza overseer kuti vave
kunosheedza vanhu vose vaive panze, overseer vakangogutsura musoro asi havana kupindura
shoko. Chiremba akabuda ndokuzodzoka ari mberi, mushure make muine mudungwe wevanhu
vanoti Mai Bishop, Mai Mufaro, Bishop na Manyoni. Vakapinda ndokugara pasi pazvigaro
zvaivepo, vakagara kure ne kure sevanhu varangana hofisi ndokubva yazara. Maive ne mweya we
dare chaiwo mukamuri duku iri, munhu wese aingotarisa overseer aibva atoita mubvunzo nokuti
maziso avo airatidza kuti vambosvimha misodzi asi hapana aiziva kuti vachemei.
Cheremba akatenderedza maziso ake kuvanhu vose vaivemo zvichida aida kuongorora average
emotional level kuti akwanise kuziva mashoko ekushandisa pakutsanangurira vanhu zvaive
zvaitika; akazosimudzira meso ake papepa raive kumadziro uye riine mifananidzo namanzwi
aiyambira vanhu kuti vashandise nzira dzokuzvidzivirira pabonde, ndokuzotaura achiti:
Chiremba: Vana baba naana mai zvose zvaifanira kuitwa ne varapi vepachipatara chino nokuda
kwe mwana zvaitwa. Uye ini ndinofara kuti nguva shoma yapfuura iyo mwana anga achiratidza
kuti ave nani kunyangwe pachine zvimwe zvinoda kuitwa zvokuti nhasi na mangwana
achambogara muchipatara kusvika avekukwanisa kuenda kumba. Ropa ratatora kuna Overseer ava
raratidza kuti rawirirana ne ropa re mwana uye DNA test yaitwa katatu neropa ra Overseer
yaratidza kuti mwana na overseer vane hukama hwa baba na mwana.
[zvakare pakave ne runyararo rwunonzwika kudarika kutaura]
Bishop: Aiwa err tinotenda chiremba ne basa ramaita zvikuru sei kuti mwana avenehutano hwake
sezvamataura, isu tiripano zvedui nokuda kwe mwana kunyanya. Zvinotevera zvose tichazoonera
mberi. Saka takafanira kuitei tisati taenda nhai chiremba?
Manyoni: Pamusoroi! Ini ndingada kuti test iyoyo yamati ye DNA iitwe pane chimwe chipatara
zvakare nokuti handisi kutenderana ne zvabuda……!
Chiremba: Baba ini handina chimwe chandichinacho kunze kwekuti zvandaive ndakudaidzirai
muno ndizvo zvandakuudzai izvozvi kuti mwana anoratidza kuti awana mushonga. Then imi va
Manyoni sarudzo yekuti munoita DNA test kune chimwe chipatara hairambidzwe uye ndeyenyu
asi isu pano tinotenda kuti basa redu raitwa namazvo.
Misodzi yakaramba ichibuda pamaziso a Mai Mufaro asi hapana chavakagona kutaura, Bishop
vakaona kuti havagoni kusiya nyaya iyi isina kupera asi kuti inotofanira kutongwa zve
sekutongwa kwayakamboitwa payakatangwa. Asi havangaitiri dare rekutonga nyaya iyi mumota
kana pachipatara, vakafonera mufundisi vekwaimbopindira Manyoni kuti vavatendere kusangana
kumba kwavo kuti nyaya iyi iyananiswe vanhu vagere pasi. Mufundisi vakaratidza kuti vaive
vasingazivi Manyoni semutendi wavo saka sei nyaya iyi ichifanira kutongerwa kumba kwavo.
Vakazongobvuma nokuti zvaiva na Bishop na Overseer mukati.
Vakabuda pachipatara apa vachisiya mwana achirapwa ndokupinda mudzimotokari dzavo mbiri,
Bishop na Overseer vakapinda mumota ya overseer, Mai Bishop na Mai Mufaro pamwe na va
Manyoni ndokupinda mumota yava Manyoni ndokusimuka kuenda kwa mufundisi. Varimo
mumota Bishop vakabvunza overseer kuti saka unoiona sei nyaya yako iyi asi overseer vakati
havasi kutomboda kunzwa mashoko ekuti vadzokerane ne mudzimai wavo uyu aive avekugara na
Manyoni. Mune imwe mota maive musina nyaya kana zvekuti Mai Bishop vakamboda kubvunza
kuti saka munozviona sei asi mubvunzo wacho wakanamira mukanwa nokuda kwekugumbuka
kwaive kwakaita vanhu mumota umu. Kwaisave kure zvako kwavaienda uye vakasvika mufundisi
vaye variko vakamirira. Vakapinda mumba ndokugara pasi, dare riya raive rakura zvino nokuti
mufundisi ne mudzimai wavo vaive vagarawo kunzwa nyaya inoshura kudai. Vanhu vaifanira
kudzoka kwavabva uye kufambawo kwakachena saka zvese zvaida kuitwa apa zvaifanira kuitwa
nokukurumidza.
Bishop: Mufundisi tiri pano nenyaya yakadai, Mufaro azonzi haasi mwana wa va Manyoni asi wa
Overseer saka ingori mistake yakaitika so tauya kuti tionesane kuti mhuri idzi dzichagara sei
kubva pano uye tidaro murunyararo.
Mufundisi: Saka inopera mushe here ivo Mai Manyoni vacho vasipo pano, ndaiona sekuti
vaifanira kuvepo kuti tinzwewo pfungwa dzavo.
Bishop: Yaaah ipapo paresveka vanofanira kuve pano, err mai bishop fonai ko vauye kana
vakasununguka.
Mai Mufundisi: Haa takanzwa kuti vakatenga mota saka havambononoki.
Manyoni: Mota?
Mai Bishop: Ndichambofona.. (vachibva vatanga kufona ndokuisa phone pa loud)
ON THE PHONE
Ngrrrrr ngrrrrrr ngrrrrrrr ngrrrrrrrr ngrrrrrr
Mai Manyoni: Hallo
Mai Bishop: Hallo, mother makadii? Ndini Mai Bishop Muchenje ndiri kufona ndiri pano pa
mufundisi wenyu apa.
Mai Manyoni: Ndinofara hangu mhamha makadii imimi?
Mai Bishop: Aiwa ndinofara, eer mhamha Manyoni ndakufonerai ndisina kutanga ndakuudzai kuti
ndichafona ndine hurombo. Ndine nyaya kumba kwa Mufundisi inoda huvepo hwenyu, I know
it’s a short notice asi mungakwanisa kusvika here mhamha?
Mai Manyoni: Aaaah handikwanisi zvangu, ndine meeting irikutanga nguva diki inotevera uye
ndiitereiwo favor mhamha, musandisheedza kuti Mai Manyoni nokuti zva Manyoni ndakasiyana
nazvo uye handisi kudzokera shure. Ndingafara chaizvo kukandinzwisisawo ipapo.
Mai Bishop: Aiwa ndapanzwa mwanangu kungoti taida kunzwawo kwauri nokuti inyaya inokosha
kwazvo.
Mai Manyoni: Haaa parizvino handina chinhu chinokosha kupfuura basa rangu, ndine hurombo
kukurasisai pa tariro yenyu asi handikwanisi kuuya ko.
Mai Bishop: Zvakanakai mwanangu uve ne husiku hwakanaka na Mwari akukomborere.
Mai Manyoni: Maita basa mhai ndinogamuchira, Bye!
Mai Bishop: Bye!
Vose vanhu vainzwa nyaya yaitaurwa pa foni apa vakasara vakabatira moyo mumaoko
nokusindimara kwe moyo wa Mai Manyoni nokuti hapana aifunga kuti vangapindura kudaro uye
hapana aifunga kuti varikurevesa kusvika vati, Bye!
[END OF CHAPTER ELEVEN]

3 minutes ago
[14/12 16:49] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER TWELVE)

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Hurukuro yakatanga Mai Manyoni avo vaive varamba kunzi Mai Manyoni pa foni vasipo, Bishop
vakati kufa kwemujoni kamba haivharwi.

Bishop: Ndinovimba kuti ichokwadi kuti nyaya iri pano haichazi itsva kwatiri, regai nditange ne
munamato tisati tayananisa nyaya iyi kuti huvepo hwa Mwari huuye pakati pedu [Bishop
vakanamata: Mwari tiokutendai kuti munosiitinzwa uye nazvino munonzwa, tirikusuma nyaya
yedu mumaoko enyu kuti muite nzira paisiri. Tirege kutonga nekushaya zivo asi mweya mutsvene
ave muyananisi wedu manheru ano. Takutendai Mwari wedu, soko renyu rinoti hamufariri rufu
rwemutadzi saka tauya kutsvaga hupenyu kwamuri nguva ino, muzita ra ishe wedu Jesu Kristu,
Amen! - vakapedza ndokuenderera mberi] Saka Manyoni wanzwa kuti hausiwe muridzi we
mwana kunyangwe waimuda zvikuru asi haasi wako asi wakagara nemukadzi wemunhu
kwenguva inodarika gore. Unoti kudii ne mukadzi uyu? Unomuda here kana kuti kudii utiudze
ikozvino.

Manyoni: Nyaya ye mwana inonetsa nokuti nanhasi handisati ndatenda kuti DNA yaitwa
ndeyechokwadi, ndichiri kuda imwe (Vanhu vakatanga kunyunyuta – nyunyuta) kunyangwe
mukadaro henyu ndinotenda kuti Mufaro mwana wangu.

Bishop: Urikutenda nhema mwana uye nyaya yemwana yaperera kuchipatara yatirikubvunza
ndeye mukadzi.

Manyoni: Mukadzi ndinomudii kana mati mwana haasi wangu, zvinongoreva kuti handizvare saka
handingarambi ndichichinjanisa vakadzi ndisina mwana.

Bishop: Dai ariwo mafungiro awakaita usati wapinda muchivi ichi dai wakarwira musha wako,
zvisineyi tinzwe kwamuri Mai Mufaro munofungeyi ne mhinduro ya Manyoni hanzi haachakudei.

Mai Mufaro: Yaaah zvinorwadza asi neniwo inyaya ye mwana iyeye yakandiputsira musha wangu,
ndingada kukumbira dare rino rindikumbirirewo kuna Overseer ndidzokere kumba kwangu
tichengete mwana wedu tiri pamwe chete.

Overseer: Usareva nhema, haisi nyaya ye mwana yakakuputsira musha. Inyaya yechihure
yakusvitsa apa nhasi, uye ini handingagari newe urizvauri izvi kwete nokuti ndakarurama asi
nokuti ndinoda kuzvirwirawo. Handisi dust bin rinorasirwa zvarambwa ufunge. Handina interest
uye hapana level yekunyengerera ingandiita kuti ndishandure moyo wangu ipapo, Mwari amene
ndiye mbowo yangu uye kana ndichmutadzira ne zano aiwa ngaandiregererewo hake.

Mai Bishop: Vanoda nguva yekufunga nokuti iyi nyaya inosvika pamoyo zvichida vakanyanya
kurwadziwa.

Overseer: Kufunga ndakatofunga kare amai, mwana wangu ndomuda uye ndochengeta asi mai
vake ne chikomba chavo havasi chikamu chehupenyu hwangu, ndine hurombo.

Mufundisi: Yaaah ipapo pakakanganisika kwazvo zvekuti haaaaa pakaoma, chero dai ndirini
kuzviisa mutsoka dza overseer ummm pakaoma.
Bishop: Ok saka vanobva pano vachiendepi Mai Mufaro ava, zvavarambwa navose kudai? Ini
ndichiri kutenda kuti Mwari anovada kunyangwe zvakadaro, ndizvo zvinotaura soko rake kuti
hapana chingatiparadzanisa na Mwari.

Manyoni: I think vanokwanisa zvavo kugara kumba kwataigara uko ini ndichanotaura na Mai
Manyoni kuti ndidzokere ikoko, saka vanokwanisa kugara ikoko vachiona mwana.

Overseer: Asi kana mwana abuda muchipatara ndoda kugara pedyo naye saka I will see to it but
for now ngaamboenda zvake kwa Manyoni ikoko.

Manyoni: Hey, handina kuti kumba kwangu. Ini ndiri kuenda kuna Mai Manyoni.

Bishop: Ok saka tozonzwa nemi zvinenge zvichiitika asi kwa nhasi ngatifambei tiende vamwe
tabva kure.

Uye ndinoda kukuudzai kuti parege kuwanikwa munhu anoramba Mwari nokuda kwenyadzi,
hatigari pano zvachose saka zvisine ne zvivi zvedu kana tikazvininipisa pamberi pa Mwari
anotiregerera nokutigamuchira. Tese tinotadza mumwe ne mumwe nenzira yake uye
ngatisatongana ngatinamatiraneyi nguva dzose.

Vachingopedza kutaura Mai Mufundisi vaive vave pakati kugadzira tafura yokudyira, vanhu
vakagara pa tafura ye chikafu ndi Bishop ne mudzimai wavo na Mufundisi ne mudzimai wavo ava
vamwe vaive vaguta ne nhau pamwe ne hasha. Kudya kwakapera ndokuzooneka vachipinda
munzira kuenda.

Manyoni akaenda kunosiya Mai Mufaro kumba iye ndokuenda kwa Mai Manyoni husiku
ihwohwo, akasvika ma lights mumba akadzimwa pachiratidza kuti hamuna munhu. Ini ndaive
ndiri kumurume wangu mutsva, hanzvadzi ya Mai Museto vaya vakambonditakura ne mota yavo
kubva kuchikoro kwe mwana wa tete musi wandaenda na mufundisi uya. Zvakazoitika kuti
takaramba tichisangana ne nyaya ye business rangu hanzvadzi yavo ikandipfimba ndikaida, aive
munhu we runyararo uye ane rudo, mari yake ndaive ndisineyi nayo nokuti ndaizvishandira,
ndakazodanana naye ndave ne mota yangu pamwe chete nemba nokuti ndaive ndisingadi kugara
mumba inondirangaridza hupenyu hwandaive ndisisina. Zita rake ainzi Naison.

Manyoni akandifonera arikumba ndikapa Naison foni kuti adaire izvi ndakazviita maune uye
Naison hapana chandisina kumuudza, ndobva adaira asi Manyoni akabva a cutter foni
akasazofona zve husiku ihwohwo.

Akazofona zve mangwana Naison aenda ndikadaira akakumbira kundiona ndikamuudza kuti
handiuyi ndega ndinouya na Naison nokuti hapana chandinoita asingazivi, ndakamuudza paive
nema key ekumba kwake uye ndakamujekesera zvinhu zviviri. Chekutanga chaive chekuti ini
naye hapachina kuenderera mberi uye chechipiri chaive chekuti ndaitomutsvagawo kuti tipedze
nyaya yedu yemuchato, kana iye asingadi kundiramba ini ndaive nayo mari yacho yekuita zvese
kuti muchato udimburwe. Manyoni akaramba achindinetsa kwe mwedzi yakawanda asi akatoona
kuti ndaive ndichirevesa. Kumba kwake ndakatora twese twangu kusiya kwezvinhu zvaakatenga
ne zvatakatenga tese ndakamusiira asi mbatya dzangu ndakatora. Akazozviona kuti ndiri kurevesa
pandakange ndazvitakura ne mwana wangu mukomana, ndichidada pamwe chete nekutenda
Mwari ndipo paakazodimburisa muchato. Nhasi ndinonzi Mai Nyasha dza Mwari. Manje manje
tinenge taaneumwe mwana ende ndakatozvipira kuzvarira Naison vana vaanoda chero akati anoda
makumi mairi evana ndomupa.

Overseer vakagara vasina mukadzi zvachose asi mwana wavo vakatora pakazvisungirira Mai
Mufaro, vachibva vamuchinja zita pa birth certificate zvino ave kunzi Tehila.

Manyoni haachadi kunzwa zvekuroora futi avekungoti pano apinda apo apinda, dai Mwari
amunzwira tsitsi agona kudzokera hake ku chechi kuti ashingairire kunamata Mwari.

Ini ndave kunamata Mwari ndakasununguka ku chechi kwe murume wangu yakasiyana ne
yandaipinda na Manyoni. Business rangu riri kufamba uye rudo rwurimo mumba mangu

[END OF THE BOOK]

BHUKU IRI CHIPO KUVAVERENGI VEBASA RA MALVIN BROWN, BHUKU


REKUTANGA RAKAZARA MURURIMI RWESHONA KUPIHWA PACHENA NA MALVIN
BROWN PACHAKE. RAKANYORERWA KUYEUCHIDZANA KUTI CHAWANA HAMA
HACHISEKWI, NDINOKUTENDAI NOKUVERENGA BHUKUPFUPI IRI, RAMBAI
MUCHITSIGIRA BASA RAKE.

COMMENTS, SUGGESTIONS AND DISLIKES SHOULD BE DIRECTED TO THE


FOLLOWING CONTACTS:

[email protected] or send a WhatsApp on +27 74 707 1772

2 minutes ag
[14/12 16:49] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER ONE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Kusatenda huroyi veduwee asi Naison aive nerudo, ndakazvidemba nenguva yandakapedza ndiina
Manyoni uyo aindibata nokuseri kweruoko. Dai ndakaziva haitungamiri zvayo uye ndinotenda
Mwari nezvose zvandakadzidza muwanano yangu naManyoni, nhasi ndave nechekuudza
madzimai eAfrica uye ndiri mukadzi anekwaakabva nehupenyu. Kana ndikazowana mukana
wokutaura kumadzimai pamusoro pewanano chokwadi ndinowanawo vaviri kana vatatu
vanobatsirika. Madzimai munofanira kuve nemoyo nemhuri dzenyu, kana wanano dzenyu
dzikaputsika ngazvidaro hazvo asi Murume wako ngaarege kuve nechaanokupomera. Dzimwe
nguva unopihwa mhosva isiri yako asi nyarara, usave munhu wemashoko mazhinji kana uchida
kuvaka imba yako, dzidza kuzvininipisa kunyangwe murume wako riribenzi hapana anoziva
kwamuchasvika. Kufarisa farisai zvenyu asikana asi zvinoitika muwanano yenyu regai kuzvitaura
kuvanhu chero pama WhatsApp chaipo, misha inoparara muchitandara uye dzimba dzinoputsika
makavarairwa, munhu wemukadzi gonawo kukumbira ruregerero kana wakanganisa. Zivai kuti
kukumbira ruregerero hakusiko kunoita kuti muregererwe asi kuziva kunguva yokukumbira
ruregerero pamwe chete namakumbiriro acho eruregerero, usamirire kuti murume atange apopota
kuti uzokumbira ruregerero, zvirinani uti ndine hurombo murume wangu kunyangwe usiri
kunzwisisa mhosva yako ozogadzirisa nyaya yako naye mumwe musi mmese muchifara. Bvuma
kunzi wakapusa woratidza huchenjeri hwako namabasa, ukawana murume anokutsiura asati
akupopotera tenda Mwari asi pamusoro pazvose hakuna mukadzi anotyisa uye anesimba kudarika
mukadzi anonamata achiverenga soko raMwari.

Dzimba hadzivakwi nerudo, dzinovakwa nouchenjeri kana rudo rukavepo imba inomira. Michato
inodimburwa kana vanhu vakawanana nezvikonzero zvisirizvo, kana musina maonero akafanana
ekwamuri kuenda chero mari nerudo zviripo imba yenyu haimiri. Bonde ngarive chikafu
muwanano yenyu, usafe wakaranga murume wako nokumunyima bonde, kana usingazodi kupa
murume wako bonde nguva dzose zvisinei kuti wakatsamwa here kana kuti unofara gara warega
kuroorwa naye, kana usina kugadzirira kuda munhu usatarisira kudiwa naye. Moyo wemunhu
unonyoroveswa nemunamato, mukadzi wese ane moyo wakaoma arimuwanano ndinokupikirai
kuti haangapindi muguva asina kumbokwetsura mhere kana kusvimha misodzi
yekushungurudzwa. Anocheka nebanga rakagomara anoshandisa simba rakawanda asi mukadzi
akachenjera anorodza banga.

Ndaive ndisingazivi kuti pane nguva yokuti rudo rwunosekenyedza asi Naison akandiratidza
kudaro, ndaitadza kurara kana kuswera ndichifunga kuti mudiwa wangu ndingamufadza neyi
nhasi. Rudo rwedu rwaive namakwikwi ekufadzana, ungazodeyi zve mutsvitsa. Kunyangwe
ndaive ndadamburisa muchato na Manyoni hatina kukurumidza kunonyoresa muchato mutsva na
Naison, dangwe redu Nyasha aive mukomana akanyarara sababa vake. Kubva arimudiki
aingooneka kuti haana basa nezvakawanda, semwana akanonoka kuuya mudumbu rangu ndaive
ndakagadzirira kumupa zvose zvaaida asi Nyasha aive asingakumbiri chinhu. Aidya zvaapihwa
asingarase meso kana kuzviiona neziso remupfumi, ndaitonetseka kuziva kuti arikufara here kana
kuti akatsamwa nokuti moyo wake waive kune vamwe. Ukamupa mari achienda kuchikoro
aidzoka kumba masikati achifa nenzara atengera vamwe vana chikafu nemari yake, rimwe gore
takazongoona tauya kuzotendwa navamwe baba na amai veumwe mwana waaidzidza naye kuti
mwana wenyu akabhadharira mwana wedu mari yechikoro pa mari yataimupa kuti atenge chikafu.
Ndichimubvunza akanditi, “mukomana iyeye ndiye anopedzisira kubhadhara mari yechikoro uye
anozobhadhara atoneta nokudzingwa”. Izvi zvakandininipisa kwazvo ndikachema mumoyo
mangu kuti dzimwe nguva tinoita madanha paasingadiwi tichisiya mikana yenyasha ichitidarika
takavarairwa. Dai akazviita ari ku secondary taiti bva takayarutsa jaha rinetsiye nyoro zvino grade
four? Taive tisina chatakaita sevabereki vake kuti ave nemoyo wakadaro, wake waingove
wekuzvarwa nawo chiri chipo chakewo asi chaive chikomborero kwatiri.

Kubva zvandatanga kugara naNaison handina kuzombotsvaga zvehupenyu hwaOverseer kuti


vairarama sei, ndaizongonzwawo pano ne apo kuti vaenda kunze kwenyika. Vaive vongogara vari
mundenge nokuda kwebasa ravo rehufundisi iri uyuwo Manyoni taigara mumusha mumwe chete
asi aive nomoyo wakasviba pamusoro pangu uye akatadza kuzviregerera nokunditonga kwaakaita.
Akabva ave chidhakwa chaicho munhu aimbonamata Mwari zvinooneka uye zvinoyemurika,
kupanduka kwake kwakave mufananidzo kuvanhu kuti hakuna mutsvene pasi pano, ndakadzidza
pahupenyu hwake kuti chiKristu hachierwi nemaendero emunhu kusvondo kana maparidziro ake
esoko raMwari, zvinhu zviviri zvinotsaura maKristu nevatendiwo zvavo ndezvinoti “kukunda
miedzo yakaoma” pamwe chete nokugona “kuramba urimuKristu kana nhamo nematambudziko
zvakusvikira sedungamunhu”.

Kusvondo kutsva kwataive tavekuenda naNaison kwaikomborera kwazvo asi yaive yakangoitawo
svondo yechirungu, zvichida yaingove nyaya yokuti ndaive ndave munhu mutsva ndosaka
kwaindikomborera kudaro? Nokuti kwandaienda naManyoni kwaive kwakanakisa asi ndaidzorwa
manamatiro angu nehungomwa hwandaive ndapihwa ini ndisina zvangu. Ndanga ndave
nehupenyu hutsva veduwee kushingairira chaiko kuve mai ndiko kwandaive ndoita, hapana
chinhu chandaida kuti chipinde pakati pangu naNaison zvachose. Kana uchida kuona chinhu
chinotyisa kudarika kunongedzwa nepfuti inemabara enda unobata murume wemukadzi
akambopomerwa hungomwa.

Mai Museto vaive Tete vangu vaindida nokuti vaiziva kushanda nesimba kwangu kunyangwe
ndaive mukuru zvishoma kuhanzvadzi yavo Naison asi ndaive chikomborero kumhuri yavo ko
zvemakore zvinozivei? Sezvamunoziva kuti hakuna nzira isina gata, vamwe Tete vangu
vaiteedzana naNaison pakuzvarwa pavakanzwa zvokuti Naison akaroora mukadzi aive
akambowanikwa, havana kumirira kundiona kuti vataure pfungwa yavo vakabva vatungamidza
mashoko eruvengo mberi vari kuAustralia kwavaigara ikoko. Handina kana kumboita hanya
nazvo nokuti zvokuninipiswa izvi taive tabva neko kumhunga kusina ipwa ndakangoziva kuti
vaingotyisidzirawo samakore asina mvura anongosviba mudenga ozonyangarika. Ndaive ndisina
kugadzirira kurwa nemunhu nokuti ndaive ndawana chombo chitsva chehondo dzangu,
ndaishandisa pfuti inonzi “kunyarara” nemunondo unonzi “munamato” nokuti kunyangwe
ukataura sei nokuzhurukuzha sei hazvibatsiri kana usina Mwari, bhuku inoti, “kana Mwari
asingavaki imba, vavaki vayo vanovakira pasina”.

Naison naNyasha neni taive nenguva dzedu dzekumbonofurwa nemhepo zvedu semhuri, ini
ndaitoda kuzvara vana vakawanda asi Naison aida zvinhu zvekudzikama saka ndaitoteerera. Aidai
vana vanemusiyano muhombe pakati pavo pamakore ekuzvarwa. Rimwe zuva taive takagara
zvedu mumba medu mokurara tichitaura nyaya yokusangana kwatakaita, nokuyeuchidzana
nhoroondo uye izvi zvaitibatanidza nokutiita munhu mumwe nguva dzose.

Naison: Ndeipi Mai Manyoni? Kkkkkk (akadaro achitondibaya nechigunwe muchiuno ndichibva
ndavhunduka)

Ini: Arrgh, zviri kubva kupi izvozvo? Mai Manyoni ndiani?

Naison: Haihwawo tidzikamirei apo kkkkk

Ini: Usandijairire shaa handisi Mai Manyoni ini, ndine murume mumwe chete.

Naison: Asi ndiudze, wakambondidirei mudiwa? Nokuti pandakasangana newe hongu waiyevedza
asi waive wakavenga varume zvekuti huyai muone kkkkkk

Ini: Kwaive kurwadziwa shaa asi rudo rwangarwusina kugwamba mandiri, kungoti kana waitwa
zvausina kutarisira dzimwe nguva pfungwa dzinotama mumusoro asi unenge uchinazvo
zvekufunga. Chandakakudira neni handisati ndachiziva asi ndaigokuramba sei iwe wakandisvikira
panguva chaiyo chaiyo? Kkkkkkkkk murondatsimba putseki (ndichimutema nechitsamhiro)

Naison: (Akangotarisa ndokuita kakufinyama kaya kanoitwa murudo)

Ini: Manga matii bambo we mwana? Asi mira, ko iwe wakandidirei? Taura chokwadi…..

Naison: Ndakakudira kugona kufamba, une ka step kanonwiswa mvura kana wakapfeka magogi
unotsika seunoteta. Ndiani asingadi mukadzi akadaro? Kkkkkkkk

Ini: Arrrgh tsek, ungadira munhu step? Hure!

Naison: Murume haanzi hure, damn it.

Ini: Whatever!!!!

Naison: Asi chokwadi, zvemasuwa-shuwa ndakakudira hunhu hwako zvako, ndakada zviri mukati
mako urimunhu ane hunhu husingarambiki. Chero dai waive ngomwa zveshuwa ini ndaikuroora
zvakadaro, pamwe ndaizohurawo zvangu asi kwete zvekukusiya kkkkkk (Akataura mashoko
okupedzisira aya achizoseka akabata kumeso seanonyara)

Ini: Inzwa zvaurikutaura ende hauna kana nyadzi (ndakabva ndamudhonzera kwandiri)

Pese pataitaura ndaitoshingirira zvangu asi ndaitomuchiva kunge asiri murume wangu,
ndakangomudhonza kuti ndimutsvode ndobva tatanga kutamba chikudo chevanhu vakuru zvedu.
[END OF CHAPTER ONE]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


[14/12 16:50] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER TWO)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Manyoni akazorega zvokunwa doro ndokutanga zve kurarama semunhu akakwana, hupenyu
hwekurarama uchitadzira Mwari nomuviri wako hunorwadza kusvika pamwongo urimumapfupa.
Ukasangana namatambudziko urimuna Mwari unoshingirira nokuti iye Mwari amene anomira
newe semwana wake. Kunyangwe aishanda basa raimupa mari asi zvaange aari zvacho
zvainzwisa tsitsi, chokwadi doro haridi kutanga watokura. Nhamba yake chaiyo mufoni mangu
yaive isisimo, ndakazoshamiswa avekundifonera ndikaziva kuti ndiye pandakaona nhamba
ichipera na 760:

Ini: Hello!

Manyoni: Hello, ndeipi?

Ini: Ndinofara makadii zvenyu?

Manyoni: Ndinofara zvangu, ko hindava kurova kudaro?

Ini: Ndingakubatsirai sei?

Manyoni: Asi wakabva wandivenga zvokusemeswa nenzwi rangu kani? Zvisinei yakadii mhuri
yako?

Ini: Tiri munyasha dzaMwari, yakadiiwo yenyu mhuri?

Manyoni: Tisu tichabvunzwa mhuri here isu, angove matadya kare wena.

Ini: Ndizvo zvazvinoita muhupenyu, saka mati ndingakubatsirai neyi nhasi?

Manyoni: Ndaida zvangu kunzwa kuti makadiiko nechisuwo chavepowo, uye ndaidawo hangu
kuzonyatsokuona ndizokumbira ruregerero rwezvinhu zvese zvakaitika makore mashoma apfuura,
takagara pasi. Ndinoziva kuti ndakakanganisa uye handichagona kugadzirisa asi ndichine moyo.

Ini: Musazvinetsa zvenyu ndakatokuregererai kare, sunungukai mupfuurire mberi nehupenyu


hwenyu uye ndinovimba kuti pandakakuregererai na Mwariwo vakakuregererai saka ndinovimba
kuti muri munhu asina mhosva pamweri pangu naMwari.

Manyoni: Wakaita hako nokundiregerera, asi handifungi kuti kana ndichida kukumbira ruregerero
zvingatitadzisa kusangana. Handizotori hangu nguva yenyu yaka………

Ndakabva ndanzwa kuvhurwa kwemusuwo wemu bedroom mandaive (aive Naison aive asvika).
Mazuva ose aitanga kusheedzera arikuimba yokubikira kuti “Am home” zuva iri hameno kuti
akauya chinyararire sei, zvichida aidaidzira ndisingamunzwe sezvo ndaive pafoni? Hameno!

Naison: Sweetie, ‘am hoommeee!!

Ndakangotendeuka ndiri pa runhare kudaro, Manyoni aive achirikutaura asi ndaive ndisisateerere
nokuti hana yangu yakarova zvekuti ndaitodedera zvinooneka sekunonzi ndapara mhosva.

Naison: Oh sorry, uripafoni? (Akadaro nekazeve-zeve achitoisa bhegi rake rekubasa pakatafura
ndokubva abuda)

Manyoni: Hello……, Hello……., Hello!!!!

Ndakabva ndadimbura runhare rwake, ndavekuda kuedza kuona kuti Naison ndomuitasei kana
adzoka uye kuti afungei paandiona ndichiratidza kupererwa.

Akazopinda achiridza kamuridzo sepasina zvaaona ndobva auya kuzondimbundira, hana yangu
yaive ichiri kurova. Akandimbundira kudaro achindipuruzira akabva andibvunza:

Naison: Ndiani angaafona mudiwa?

Ini: (Ndaambonyarara ndokuzoti) aarrgh zvema bhizimusi izvi unofonerwa navanhu vausingazivi
nguva dzese wena.

Naison: Zvakanaka mudiwa, zvinoratidza kuti urikushanda hazvifanani nekuswera usina


ambokutsvagawo.

Ini: Yaah, rangaririsei zuva rako?

Naison: Kungodaro wena, aswera sei mudiwa wangu pano ne mwana?

Ini: Ndingawanikwa neyi zvangu, kana iye Nyasha achabvunzwa here? Nyasha dzakatiringana
pano.
Ndaingonamata kuti dai Manyoni akasafonazve, handina kuziva kuti Naison aive atonyumwa kare
asi haana kuda kuzviratidza kuti pane zvaarikufungidzira. Dzimwe nguvawo ukaroorwa
nemurume akadzidza unoda kuve munhu anotaura chokwadi nguva dzese nokuti ukaita zvinhu
zvekunyepa - nyepa unopedzisira warasikirwa nerutendo iwe usina kana munhu wawadanana naye
zvako. Naison aive nemoyo murefu, aishanda nemasvomho kubasa kwake saka aisakanganwa
chinhu chinonzi number zvirinyore, kunyangwe aive nemakore asina kumboona number
yaManyoni asi kana akaiona aitoiziva neni handizive kuti zvinoitika sei izvozvo.
Pandakamunyepera ndaida kuedza kuchengetedza rudo rwedu asi ndaisafanira kudaro.

Ndakasiya achibvisa mbatya dzake ndichinomutorera drink mupfimbichando yemumba


yokubikira, Naison akasara ndobva atora nharembozha yangu ndokuenda kunotsvaga kuti ndaive
ndapedzisira kutaura naani. Akaona dziri number dzaManyoni uye taive tataura tese kwenguva
ingangosvika zvimaminitsi zvishanu nezvinoraudzira, ndichidzoka ndakaona akabata nhare yangu
muruoko. Drink randaive naro mu glass rakabva raperera mu tray yandaive ndakabata,
ndakangovhunduka rikarasika asi tray haina kudonha. Naison akabva azviona kuti ndirikudedera
ndobva asiya foni pasi achiuya pandaive ndiri.

Naison: Hey, chii babe are you ok? (Achindibatora tray muruoko rwangu)

Ini: (Ndakaramba ndakanyarara)

Naison: Rega ndibvise drink iri (achibuda ne tray kuenda kumba yokubikira)

Ini: Aiwa, ndipei ndigadzirise (I felt useless)

Naison: Usazvinetsa mudiwa, gara pasi ndikubatsire (ndobva atobuda ne tray)

Chiso chake chaive chisina kana hasha, airatidza mufaro senguva dzose zvakabva
zvandikanganisa kuti asi haana chaaona? Kana pasina saka foni yangu anoidii nokuti Naison
haabati phone yangu chero zvidini, sei kuzotanga kuibata nhasi? Asi chero akaibata, mufoni
mangu number dzaManyoni hadzina zita angaziva sei kuti ndataura naani? Kana akandibvunza
handisikuzoshandura zvandambotaura pakutanga ndicharamba ndichimuti handimuzive munhu
afona iyeye. Foni yangu yaive yasiiwa pasi asi ndakatadza kuibata, yaive yototyisa kunge isiri
yangu. Akabva adzoka ne drink rake mumaoko ndokutanga kutaura dzimwe nyaya dzakasiyana
nezvandaive ndafunga ini, kupindura kwaindinetsa nokuti rusununguko rwangu rwaive rwuchiri
rwakasungwa. Ndakanzwa mukati mangu kuti ndiri zidofo remukanzi, kunzwa kunge ndarara
neumwe murume chaiko aaah nhema dzakaipa chokwadi. Ndaive ndakangomirira kuti
ichabvunzwa riiniko nyaya yacho asi akaramba achitoseka nokutaura dzimwe nyaya uku achinwa
drink rake. Kuti ndireurure ndega zvandiremerazve, ndikati regai ndimirire izotongwa yave
mhosva. Ndakazotora phone yangu ndikatanga kungobaya – baya ndobva ndaenda ndichida
kunodzoma call history pa foni wanikwe number dzaManyoni dzave nezita rakanzi Mr. Manyoni.

Zvakabva zvatondiratidza kuti ndanyangira yaona, Naison aive akanakira kuti aive munhu
anotonga mhosva nehuchenjeri asi kumwe kuchenjera kwake kwaibaya pamoyo. Aikuisa
panzvimbo yekuti haubudi kana achida zvake. Ndakabva ndatoratidza kupererwa pandakazviona,
nyamba chaakaisira zita pa number dzaManyoni chaive chokuti aida kuona kuti ndinotora nguva
yakareba sei ndisati ndazviona, apa ndozvandakatanga kuona ndichingobata foni zvichibva zvaita
sokunge ndinogara ndichitaura naManyoni. Akazobvunza achinyemwerera zvake:

Naison: Pane chinhu chitsva here chawamboona mufoni mako bby?

Ini: (Ndakatoona kuti kutaura chokwadi kuri nani nokuti zvichazondishatira) Hongu.

Naison: Chingave chii?

Ini: Number dzaManyoni?

Naison: Ndiye here munhu mumwe chete wawamboti afonera zvebusiness uya wawati haumuzivi
kana kuti pane mumwe?

Ini: (Ndakaramba ndakanyarara)

Naison: Ndiye here munhu mumwe chete wawamboti afonera zvebusiness uye haumuzivi kana
kuti pane mumwe? (akadzokorora)

Ini: Ehe

Naison: Uchirevei manje kuti ehe?

Ini: Dady, ndakunyeperai. Ndaive ndisingadi kuti muzive kuti ndambotaura naye nokuti
zvaizokukanganisayi. Angofona kekutanga nhasi achiti anoda kukumbira ruregerero nokuda
kwezvakaitika, saka ndazongomu cutter pamasvika nokuti ndaive ndisingadi kuti mutadze
kuvimba neni pazvinhu zvakadai. Ndiregerereiwo ndakanganisa ipapo, ndapota nangu.

Naison: Saka zvawamu cutter muchataurazve riini?

Ini: Umm ini handina chokutaura naye uye handizive kuti achafona here kana kuti kwete asi
ndinogona kublocker zvangu number yake mufoni mangu.

Naison: Ndirikudzoka Ok? (achibva abuda)

Ini: Murikuenda kupi?

Naison: Handisi kuenda kure bby

[END OF CHAPTER TWO]


(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka
[14/12 16:50] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER THREE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Ndaive ndave kutya nokuti Naison haana kukurumidza kudzoka, akauya ndanzwa nokumumirira
uye mwana aive atorara. Ndaive ndakatarisira kuti achapopota asi haana zvaakataura, haana kana
kubvunza nyaya yacho ukuwo ini ndaive ndisina kuziva kuti aive aenda kupi ukuwo Manyoni
haana kuzofona. Zvaive nani dai Manyoni akasara achifona Naison asipo zvichida ndaizoisa
Manyoni paanokodzera ndaizomuudziridza kuti asiyane neni asi apa ndakatadza kana ku blocker
number yake chaiko nokuti pandakataura nayaya yacho Naison haana chaakapindura. Kubuda
kwaakaita asina kuoneka kuti arikuendepi kwakandipa kufunga kwakawanda mandiri.

Nyasha akatonditi ndimubatsire basa rake rekuchikoro asi pfungwa dzangu dzaisave panzvimbo,
ndakatomutuka kuti siyana neni. Semunhu zvake asina basa nezvakawanda akangobuda
chinyararire, ndakasara ndichizvitukawo kuti ndatukireyi mwana asi panguva yandakada kuti
ndiende kunomubatsira aive atopedza kare.

Naison akadzoka achifara senguva dzose, izvi zvaiita kuti nditye uye pose paaindisheedza ndaiita
zvokuvhundukira nokufemereka ndichidaira semunhu aingofunga kuti ane mhosva. Ndakazoti
handingavati hope tiinenyaya isina kupera, kunyarara kwake kwaindityisa, zvikuru sei
paakaratidza kuti haasi kuzotaura nezvenyaya iyoyo.

Ini: Ko pamabuda manga maendakupi, zvamazononoka kudzoka?

Naison: Ndangandiri muno muZimbabwe, pane dambudziko here?

Ini: Babe, wabuda tiine nyaya isina kupera, tingataure nezvayo here?

Naison: Ndakateerera..!

Ini: Aiwa, mudiwa ndatipedze nyaya yacho tese.

Naison: Taura nyaya yako Mai Nyasha, ndiwe waipinza mudariro. Udaro nokukurumidza ndine
basa rakawanda mangwana, ndinoda kuzorora.
Ini: ummmm, ukadaro wave kundityisa asi zvisineyi ndichangotaura hangu.

Naison: Zvakanaka, ndakateerera

Ini: (Ndakashaya pokutangira kana kutaura kwacho, chiso chake kekutanga kubva
zvandakamuziva chakatadza kundinyemwerera ndichishama muromo kutaura naye, ndakaomerwa
nehupenyu munguva duku – duku)

Ndine hurombo kuti ndakunyepera pawapinda mumba, wandanga ndinaye panhare ndiManyoni,
ndanga ndisingadi kuti uzive kwete nokuti ndaida kukuvigira zvinhu asi ndaisada kuti ufunge
zvisipo mudiwa. Ndaingoda kuti ndipedze hondo yacho ndega ndisingakupi kufunganya
kwakawanda, ndine hurombo Baba Nyasha.

Naison: Saka wabudurira here pazano rako?

Ini: Handina (ndiregererewo ndakunyepera)

Naison: Zvirikwauri!

Ini: Chirikwandiri chii Dady?

Naison: Kurarama nenhema kana kutaura chokwadi muhupenyu hwako.

Ini: Babe, ndinofunga kuti wave kuendesa nyaya iyi kure, nditenderewo nditsanangure kani.

Naison: Usandiudza kuti ndave kuendesa nyaya kure Mai Nyasha, kure haukuzive saka
usambotaura muromo iwoyo wanzwa? Unozvigona sei iwe, kuti unonyepera murume waugere
naye pamusoro pemurume wawakarambana naye? Unotora mukana wokunyarara kwangu kuti
zvichida kupusa nhai? Vanhu kadzi sei musingadi kudiwa? Nokuti ukatadza ndinokuregerera
zvisina nharo wavekutoita madiro nehupenyu hwangu, uchingoti benzi rangu Naison harina basa
nazvo rinongondiregerera? Kana uchida Manyoni enda wena usafunga kuti ndinokurambidza ini
handisi munhu wehondo, ita sokuda kwako mutongi ndiMwari. Munhukadzi unoda kuvewo
neziso rinoona mukati kuti unatse nzira dzako usati wapamumwe mutadzi mhosva, unoda kugona
kuve nemanzwi ekuzvitukawo nawo kuti zvino ndirikuitei.

Ini: Ndakabva ndatanga kuchema, ndaiziva kuti ndakanganisa uye yaisava mhosva yaManyoni asi
yangu nokuti ndini ndakanyepa, zvino murume wangu wandinoda kudarika zvese panyika
avekurasikirwa nekutenda kwake mandiri. Kana zvikaitika kuti Naison avekusanditenda bva
pangu papera. Ndichichema kudaro haana kumbondinzwira tsitsi asi akaenderera mberi achiti:

Naison: Rega ndikuudze chimwe chinhu Mai Nyasha, hakuna murume musvinu anoroora munhu
nokuda kwemagaro kana zvinozorwa kumeso nemuviri. Wanano zhinji dzaputsika nokuda
kweruchiva rwuri muvanhu nhasi, kana tichitsvaga vakadzi isu vanhurume tinotsvaga hunhu
nemoyo wake usingaonekwi. Ani naani anodakufara muwanano ngaazore hunhu kwete ponzi,
ngaachengete moyo kwete magaro nokuti zvinoonekwa izvi zvinopera ufunge. Zvino imi kana
mave nemiromo mistuku, maziso e green nekumeso kushava munobva mafunga kuti makunda
nyika, hupenyu haunzwaro mwachewe. Kana vanhu vakanaka kunze uko vasina mufaro
muwanano dzavo nokuda kwehunhu. Ukaona varume vachikumhanyira nokuti wakanaka
votokupfimba ivo vasina kumbonzwa zvinobuda mauri uzive kuti hapana rudo asi ruchiva chete.
Mukadzi chaiye anoremekedzwa haasvikike nyore kunyangwe zvodini, ukaona munhu wese
achingokunyenga kana kutsvaga nezvako ziva kuti une dambudziko rehunhu. Kana iri nyaya
yaManyoni ini handina chekuita newe pamusoro payo, wave munhu mukuru ufunge ita sokuda
kwako nguva dzose, ukafunga kupfuurira mberi uchinyepa kana kutaura chokwadi sarudzo
ndeyako.

Ndakaramba ndichichema nokuti zvinhu zvose zvakataurwa naNaison zvaive zvinhu zvaifanira
kutaurwa kumukadzi anenge ahura kana kuti mukadzi mudiki kwete ini. Ndaive ndisina chihure
chandakaita asi ndaive ne mhosva hangu kunyangwe yaive isina kukura sezvayakazoita. Husiku
uhu handina kuvata Naison akandirwadzisa, akandiratidza rimwe divi rehasha dzake raindaive
ndisina kumbobvira ndaona kubva zvandakadanana naye. Akamuka akaenda kubasa ini ndaifanira
kuenda kumusangano wezuva rimwe chete wemabizimusi asi ndakatotadza nokuti ndaive
ndakadumbirwa zvakanyanya.

Ndaive ndasara ndega pamba, ndikagara zvangu pasi ndichiona chivhitivhiti, ndainzwa kuti
mweya wangu unoda kukurudzirwa nokuti ndaive ndakanganisika nezvakaitika husiku hwapfuura
saka ndaitoda machaneri evaya vanoita zveshoko raMwari. Pandakati ndinobatidza imwe yakanzi
FVL Gospel Gala ndakambofunga kuti pfungwa dzangu dzarasika ndichiona vari Overseer
vaiparidzapo. Ndakanyatsowedzera ruzha ndikanzwa kuti inzwi ravo ndiro chairo, zita ravo
ndokuzobudiswa ndikaziva kuti ndivo. Ndakanyatsoteerera vachitaura uye zvavaitaura zvaive
nemusoro, vaive vatove mumwe munhu chaiye kubva zvandapedzisira kuvaona. Vaive vatosimba
mufunge, kana ganda ravo rairatidza kuti haiwa vagere, ndakatozofunga kuti zvichida vaionzwa
nekukadzi.

Vaiparidza vachiita sevanopa chapupu nokuda kwezvinhu zvavakapinda mazviri muwanano yavo.
Kunyagwe ndakatangira pakati kuona mharidzo yavo asi yaidzidzisa, ndakanzwa vachitaura
nezvangu asi havana kutaura zita. Izvo zvinoda mazita here kana uchiziva nyaya yacho?

Vaitaura vachiti, “Kudanwa naMwari nokuita muparidzi weshoko raMwari akanaka zvinhu zviviri
zvakasiyana. Mwari anogona kukudana asi ibasa rako kuti unatse nzira dzako iwe
sedungamhunhu, mufundisi kana munhu waMwari akatadzira Mwari zvinoonekwa nenyika yose
hazvirevi kuti Mwari haana nyasha, asi chingave chidzidza chekuti tose tigare munyasha
dzaMwari nguva dzose nokuti Satan ari pabasa. Kana muchinamata Mwari murege kuzendama
pavanhu nokuti kana vakazodonha nemi munodonhawo, isai kutenda kwenyu muna Mwari kwete
kuvaFundisi kana maBhishopi nokuti naivo vatoriwo varanda vaMwari wenyu saka shumirai
Mwari kwete vanhu.”

Vakawedzera vachiti, “Ini ndakamboedzwawo nemweya wehupombwe ndikapona nepaburi


retsono (vachibva vaseka zvavo), wakaipa aive atondibata asi Mwari vakatendeka. Regai
ndikuudzei vatendi kuti Satan azoziva miedzo yekutiedza nayo uye nguva yacho yekuedza, kana
uri murume uchaona kuti panotanga kuipa zvinhu muwanano yako zvikurusei pabonde ndipo
paunotanga kuona runako rwemadzimai evamwe vanhu. Kana uri mukadzi uchaona kuti kana
murume wako avekukubata nokunze kweruoko ndipo pauchatanga kuona moyo chena
nekunzwisisa kwevamwe varume. Saka kana nguva dzokuomerwa nehupenyu dzichiuya imi
tarisai kuna Mwari, zvichinaka kana kuipa ngazvidaro muri muna Mwari, regai kutarisa kuvanhu
nekutsvaga kuda kunzwirwa tsitsi navanhu kana muchida kuzonamata Mwari muri muna Kristu
Jesu”.

Mharidzo yavo yakazosara yopera misodzi yangu yati mokoto mumatama, ndakabva ndasimuka
kunodaira nhare yandakanzwira kure – kure ichirira mumba medu mokuvata. Yaive yakanzi Mr.
Manyoni asi pachiratidza kuti pane dzimwe nhare dzarira ndikasadaira, uyu aive Naison achida
kubvunza kuti ndiri kuenda nguvai kumusangano, ndaive ndisina kumboinzwa ndichiona zvangu
mharidzo kusvika aita zvokuuya kumba. Akavhura musuwo ndichangodaira nhare yaManyoni.

[END OF CHAPTER TWO]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


[14/12 16:50] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FOUR)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Ndaive ndichangodaira nhare yaManyoni, pasina kana zvandaive ndambotaura naye, kumeso
kwangu kwaive kuchine nzizi dzemisodzi iyo yabuda ndichiteerera shoko raMwari pa FVL
Gospel Gala. Overseer vaive vaparidza hupenyu hwangu chaihwo uye kupupura kwavo
kwakaratidza vaive vatumwa naMwari, ndaive ndazvipira kurwira wanano yangu nokuwedzera
kutendeka. Murume wangu ndaimuda uye ndaisada kuti agumbuke.

Naison paakazarura musuwo ndakabva ndati rukutu, chakandinetesa hachisi chekuti ndaive
panhare asi ndechekuti ndaive panhare naani. Manyoni akatanga kungoti Hello… Hello……
Hello…… panhare ipapo asi ndaive ndisingachagoni kumudaira. Ndaimunzwa asi handina
kukwanisa kumudaira kana shoko zvaro nokuti nyaya yekufona kwake yaive yavekundiputsira
imba yangu, veduwee Wakaipa anoziva nguva dzokuvhiringa zvinhu, Manyoni aifona nguva
dzekuti Naison aripo kana kuti achingofona murume wangu anobva atosvika. Ndakangogona
kudimbura nhare iya ndobva ndati kunaNaison, maswera sei?

Naison: “Maswera sei? Nguva ino?”

Ndakaramba ndakanyarara achibva ati, “ndipe foni yako kuno”. Ndakamutambidza ruoko rwangu
rwuchidedera, ndobva avhura nhorondo yemafoni anopinda neanobuda pafoni pangu wanikwe
yaManyoni ndiyo yapedzisira kupinda. Akabva anditambidza foni yangu.

Naison: “Chii chirikuitika pakati pako naManyoni?”

Ini: Daddy hapana chiri kuitika, angofona uye handizivi kuti aidei…!

Naison: Akabva aseka zvake achirova maoko ndokuzoti, “Pane zuva rimwe chete rawakambotaura
kuti unoziva kuti aidei here iwe? Riripo?”

Ini: Dady, musadaro ndapota hangu.

Naison: “Kudaro kudii? Kudii Mai Nyasha? Ndanga ndichiedza nhamba yako usinga dairi kubva
zvandabva pano mangwanani waivepi? Papera awa ne hafu ndichikufonera, ukaona kuti ndanga
ndichikufonera asi hauna kuedza kunditsvaga kuti unzwe kuti ndinodeyi hanty? Wanga uchiitei?
Yangu nhare haudaviri asi yaManyoni? Maziso matsvuku ayo nemisodzi ndezvekuchemera rudo
rwaManyoni ka izvo? Handiti?”
Ini: Daddy, foni handina kumboinzwa kutaura chokwad…

Naison: “Usada kundirutsira Mai Nyasha wanzwa? Ndaneta nekureverwa nhema newe, handisi
chivezwa ini unoda kundiudza kuti yangu foni hauna kuinzwa asi yaManyoni?

Ini: Aiwa ndaive ndakagara ku dinning uko ndichiona TV, ndatouya kuno izvezvi ndichinzwa foni
ichirira ini.

Naison: “Hoo saka wangouya uchibva wangotanga kuchema zvako? Kana kuti wachemedzwa ne
TV? Handiti wadaro kuti waive uchiona TV saka ndiyo yakupa misodzi zve?” ndobva atanga
kuseka chikwee zvake. “YaManyoni foni ndiyo inorira zvinonzwika kwete yangu nhaika?”
akawedzera.

Ndakaramba ndinyerere, ndichishaya kuti ndomuti kudii nokuti chokwadi chese chaive choita
nhema zvino.

Naison: “Musangano wawakati unoda kuenda watanga kare, uye wakagadzirira musangano iwoyo
kwenguva refu asi uchiri pano kana kugeza hauna. Maida kuzosangana kunguvai naManyoni kuti
mumbopedzana stress? Usambondiudza hako kuti hamusikuzosangana nhasi, nokuti hauna
chimwe chikonzero chingakutadzisa kuenda kumusangano iwoyo.”

Ini: Kumusangano ndaive ndagara ndisisaende ini.

Naison: Wakaziva riini kuti hauchaenda kumusangano nhai Mai Nyasha?

Ini: Ndakamboramba ndakanyarara ndokuzoti, Nhasi.


Naison: “Sei usina kundiudza? Waida kuti Manyoni atange aziva? Ok, makorokoto wanzwa?

Ini: Makorokoto eyi Daddy? Ndapota vimbaiwo neni kana ndichikuudzai zvinhu.

Ndakabva ndanzwa mbama kumeso kwangu, mangwanani iwayo nyenyedzi dzakati vai mumba
mese ndikasaziva kuti chii chirikuitika. Naison haana kundirova mbama mbiri asi imwe chete
iyoyo yaikwana nhatu nokuti yakanorwadzira mudumbu kwete kumeso kwayakasvikira.

Naison: “Ndinokuuraya Mai Nyasha usandiita benzi wanzwa? Handipenge Mai Nyasha, iwe
unoziva kuti foni yako inofonerwa seyepa receiption chaiyo, unogamuchira nhare mushure me
five minutes dzega – dzega zvokuti dzimwe nguva unotoenda kunogeza nefoni iwe, asi wondiudza
kuti wasiya foni uchiona TV for one and half hours? Kutanga rinni kugarira TV iwe, unozivei
paTV?”

“Wakandinetsa last week yese ndichiuya pano husiku kubva kubasa ndichikubatsira kuita research
ye presentation yako yekumeeting yanhasi and all of a sudden hauchaenda and you don’t even
bother to tell me about it because I deserve such suprises? Do you really think I am as stupid as I
look? Dai ndazouya pano manheru waindiudza here kuti hauna kuenda kumeeting? Wandiudza
here kuti Manyoni ambofona? Wandiudza here kuti waonana naManyoni mukarara mese? Because
I am very sure something like that was going to happen between you two today.”

Ndaive ndototya kumupindura nokuti mbama yaakandipa pandakambomupindura yakaita kuti


ndimboti tsvati tuweti mbijana mubhurungwa, ndikazoipihwa imwe ndingazviitira tsvina chaiyo,
ndaive ndopihwa mhosva yekuhura apa ini Manyoni wacho ndaisamboziva kuti ndakapedzisira
kutaura naye riini, worse nhasi wacho hapana chimwe chaataura kunze kwekungoti “Hello”.
Ndakatanga kuona nyika yangu ichiguma ndikati ndinorambwa ndataura chokwadi ngaarove
zvake.

Ini: Daddy ini handina kumbodanana naManyoni uye handisi hure, handizivi kuti zvirikubva kupi
zvamur…
Naison: “Please don’t Daddy me, if you want to see how a daddy looks like enda unoona
Manyoni. Wati hausikuziva kuti zvirikubva kupi handiti? I will be patient to show you were it is
coming from”. Can you answer this: zuva riya wakati urikuzo blocker Manyoni pafoni pako but
nhasi mafonerana, what do you have to say about it?”

Ini: Handina kuzomublocker ini.

Naison: Tomboti wataura chokwadi kuti hauna kuzomu blocker, the next question then is: Sei
usina kuzomu blocker iwe waive wandiudza kuti uchamublocker ukasazondiudza kuti hauchamu
bloki?

Ini: I am sorry!

Naison: “You have always been sorry Mai Nyasha and I am now tired of your apologies, ok?

Ini: Baba Nyasha I don’t know how to process this, I just don’t know. Things are coincidentally
happening and the debris is dumped on me as a recipient of this circus.

Naison: “Mai Nyasha you are cheating on me, this is too much to be a coincidence.”

Ini: (I screamed involuntarily) how can you say that? I never cheated on you!

Naison: “You did. Not even once or twice but several times. Do you know what is cheating Mai
Nyasha? Everytime you hide anything from your partner you have cheated. Don’t wait to have sex
with someone – which I am sure you did with Manyoni – to say you have cheated.”
“This is what is now going to happen” he added, “Buda mumba mangu izvezvi unoonana
naManyoni as you have planned then give him enough attention and all the time he needs from
you, mwana wangu ndichachengeta ndega kusvika wapedzerana naye tozokuona wauya. Uri
mukadzi wechiKristu rudzii anoputsa imba yake namaoko ake?”

Ini: How can you say that bby, handisikuda kuonana naManyoni ini.

Naison: “Out of my house, NOW!”

He was serious and he could beat me again now.

Naison: “Ndati buda mumba mangu izvezvi, buda nxaa!”

Ndakabuda ndisina kugeza kana bhutsu mugumbo ndisina.

[END OF CHAPTER FOUR]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


[14/12 16:51] +263 77 155 0051: Chapter inotevera iyi yakabatanidzika nemamwe by
mistake.Munongoverenga Chapter 5 yacho mojamba zvimwe zvakabatanidzika nazvo zvacho
[14/12 16:51] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FIVE)

SEASON TWO
Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Zvanga zvisingaiti kuti ndiende kwaManyoni ende ndakabva ndamu blocker pafoni pangu,
ndichingobuda panze akabva atevera ndokubva akiya musuwo wake ndobva apinda mumota make
ndokuenda. Ndakatadza kana kumumisa chaiko nokuti Naison ave akatsamwa zvaasati amboita
kubva zvandamuziva, ndaingove nemakey emota yangu chete muruoko asi kwekuenda
ndakakushaya. Ndakagara zvangu mumota panze ipapo ndavekufungisisa uku misodzi
yaingobuda. Kunyangwe ndaizogara naNaison hupenyu hwese asi chikamu chikuru cherudo
rwake kwandiri chaive chatobva. Chandakatadza chii? Kudaira foni yemunhu wandakarambana
naye kunganzi kupusa here kana kuti kunganzi kuputsa imba yako here? Ndaingozvitongesa asi
ndakadzidza zvakawanda panguva iyi uye kubva pawanano yangu ndinazvo zvakawanda
zvokudzidzisawo madzimai eAfrica.

Ndakazosimuka ndokuenda kwaTete mai Museto hanzvadzi yaNaison, ndakasvika vachinzi


havasati vadzoka kubva kumusangano ndikati regai ndivamirire zvangu, paive nemwana wavo
Dorcas uyo wandakati andipewo zvekugezesa nokuti ndaive ndavekunzwa kunyara kuti handina
kugeza nazvino. Dorcas akandibvunza kuti “ko mauya musina kana pata – pata zvadzo hindava”
ndikati nechemumoyo mwana anoziva mbama here uyu, ndakazomupindura kuti handina
kumbofunga kuti ndichasvika kuno plus zvekufamba nemota unovarairwa wena. Ndakazopedza
kugeza Tete vaive vauyawo vachiratidza kuti vaive vakaneta chaizvo, ndakasangana navo
mupassage vachibuda mumba yavo yokurara vachienda kuimba yokutandarira.

Tete: “Aikazve, imi mandivhundutsa. Ko muripano mai nhiya?”

Ini: Ehe zvangu, ko murisei?

Tete: “Ko kumusangano hauna kuuya wani, ndakufonera ukasadaira foni yako? Maziso kutsvuka
waitwei iwe?”
Ini: Ngatigarei pasi Tete.

Tete: “Zvaunenge une nyaya inotyisa iwe, nhasi handidi zvekutyisidzirwa ndine zvanguwo ini.
Pinda kuno kubedroom uko kuseating hakuchagariki macartoon atanga ka”.

Takapinda mumba mavo ndokubva ndananavira kutora mafuta ekuzora ndobva ndazora mafuta
ndokugara pasi navo.

Tete: “Zvadii Mai Nyasha?”

Ini: Tete handizivi kuti ndotangira papi, nyaya yandinayo inondiita benzi kutaura chokwadi.

Tete: “Taura muroora chii chirikunetsa?”

Ini: Ndatsamwisa baba vaNyasha saka vanditi buda mumba mangu izvezvi.

Tete: “Naison chaiye haaiti zvamurikutaura izvi, mamutsamwisa neyi chabva chanyanya kudaro?”

Ini: Baba Nyasha vanofungira kuti ndinodanana naManyoni Tete, asi handivapi mhosva nokuti ini
ndini benzi. Ndakafonerwa naManyoni achitoda kuti tisangane handizive kuti aidei kunyangwe
akati anoda kukumbira ruregerero pane zvakaitika asi handifungi kuti ndiyo yaive nyaya yake.
Ndikamuudza kuti hapana ruregerero rwandinoda nokuti ndakamuregerera kare, saka ndiri pafoni
kudaro Baba Nyasha vakabva vapinda mumba. Vakangobvunza kuti wanga uchitaura naani
ndichibva ndavanyepera kuti ndiri kutaura ne client. Ndaida kuedza ku protector relationship
yangu but he still found out and I became a lier. Nyaya yacho yakanetsa Tete hatina kurara zvokuti
nhasi ndamuka ndakaneta ndikatadza kuuya kumusangano, ndangandakagara zvangu ndichitoteera
gospel sermon paTV uku Naison achifona kuti abvunze kuti ndaizobuda nguvai kuenda
kumusangano. Foni ndaive ndasiya kubedroom, pandazopedza zve TV ndichienda kubedroom
Manyoni abva afona, ndichingodaira phone yaManyoni Naison abva apinda saka zvabva zvaita
sokuti I was ignoring his calls yet ndichidaira yaManyoni. Handina zvandazotaura naManyoni so
Naison afunga kuti I didn’t go to the meeting so that I could meet up naManyoni. Atsamwa Tete
and I don’t even know what to do, especially now that he threw me out of his house. I am puzzled
Tete handichazivi zvekuita ini.

Tete: “Saka urikuda kuti ini ndiite sei?”

Ini: Tete you know very well kuti ini handidanani naManyoni, you know that. Can you talk to
Naison about it for me please?

Tete: “Aaah muroora urikuzvipingaidza wega ufunge, zvakaitika muhupenyu hwako zvaifanira
kukubatsira kushingirira imba yako. Unosekwa nenyika ufunge if you want to play Mrs. Nice
kunze uko and yet destroying your husband’s trust. I know you are admitig that you are wrong but
that is not good enough. I will never advocate for you wena ko zvikazoitika kuti madanana
naManyoni ndonyarira payi uye ndinozotarisana sei nehanzvadzi yangu ini ndambokumiririra
nhasi?”

Ini: Tete are you trying to say you don’t trust me?

Tete: “No, I trust you so much but this is not business, it’s a life. I can’t risk so much I am sorry.”

Ini: Saka help me kuti toita sei Tete because Naison haasikuda kundiona izvezvi?

Tete: “I don’t know wena maybe we can talk about it tiri tese asi nhasi ndaneta, I just need to rest”

Ini: So if not today Tete, ndinovatepi nhasi wacho?


Tete: “Panoka, urikuda kunovata kwaManyoni?”

Ini: Tete musadaro veduwee, munhu haachabvunzi here? Anyway regai nditorara hangu ini nezuro
handina kana kumbodzikotsira.

Tete: “Rara hako, neniwo dai isiri nzara ndingadai ndavata”

Ini: Kana neni ndinayo asi regai ndirare, ndozodya ndamuka.

Ndichangorovera matama angu pasi Naison akabva afonera Tete, vakazotaurirana kuti tisangane
mangwana titaure nyaya yacho tese. Asi Naison aipopota kuti haasi kuda kumbondiona kana, Tete
vakatotya kuti ndingarara ndiine BP saka havana kumbondiudza kuti Naison aive ambofona.
Ukuwo Naison paakafona, aingofamba famba nemba yose achipopota paphone ipapao kusvika
Nyasha abvunza kuti chii? Haana kumupindura mushe asi mwana akatoziva zviri kuitika, until
now I don’t know kuti Nyasha akambozvarwasei chokwadi. Munhu uya wekuti haafariri zvinhu
zvehondo uye anoita zvinhu zvake chinyararire imi munozongoona maresults chete. He does not
really look for advices, maybe it’s because he don’t trust people so deep. Ave mangwana Naison
akaperekedza mwana kuchikoro iye ndobva adzoka kumba kuti tizosangana naye kumba ikoko.

Takasvika zuva ratokwira kare kuma eleven mangwanani, Naison aivepo asi hasha dzanga dzave
shoma manje, tichingosvika kumba hapana chakambonyanya kuitwa Tete vachibva vakanda nyaya
mudariro. Ndakakumbira kuregerero asi it seemed like Naison felt betrayed, he wanted more proof
of my detachment from this Manyoni thing. Ndichiri kuda kuedza kutsanangu takanzwa door
richivhurwa:

Naison: Ndiani? Ndiani avhura door? (Achibva atosimukakuenda ku door ikoko)


Nyasha: Ndini Dady (Akabva apinda mumba mwana, Manyoni mumashure)

Nyasha was a very calm person nommater how angry people are, iye aitaura zvinyoro nyoro.

Naison: Nyasha? What’s happening? Why are you not in school, I dropped you at school this
morning? And you Manyoni what do you want in my house?

Nyasha: Take it easy dady, everything is under control (Manyoni akaratidza kushamiswa
nezvaaiona)

Naison: Hey, don’t tell me to take it easy. You are just a boy (achipopota)

Tete: Baba Nyasha mirai tinzwe nyaya yese please.

Naison: Asi ndimi matuma mwana wangu kani muchimubvisa kuchikoro? Hee?

Nyasha: Dady lets seat down, Mr. Manyoni take a seat please (Apa hana yangu yakabva yatanga
kurova zvekurova zviya ndikati nhasi ndichaparirwa zvangu)

Vanhu vose vaive vagara pasi, kaNyasha kaive kakagara pa stool ye coffie table ndobva Katanga
kutaura:

Nyasha: “I know kuti I am still young but I cannot be abused anymore, I cannot leave in a house
where my father and mother are at war nezvinhu zvisina huchapupu. You said you send me to
school but imi matadza kuenda kumabasa nokuti you are stressed, how then do you expect me to
cope at school if you can’t at work? I left school ndikanonyepera Mr. Manyoni kuti my father is
not at home and my mother is sick can you come and help, that is why he is here. I will facilitate
this whole issue if you can’t because beyond this day munhu wese anofanira kurarama achifara”.
(Takaramba takashamisika nokuti hapana kwandakambonzwa zvinhu zvakadai) He continued,
“Mr. Manyoni! Can you tell us kuti why do you call my mother every now and then murikudei
kwavari please tell us the truth?

Naison: Nyasha, please don’t do this. Mira titaure nyaya iyi sevanhu vakuru, ok?

Nyasha: Too late dady, you have failed to do just that. I will handle it myself and hapana
chandisingazive, kana muchindirova henyu it’s ok but only after this. Mr. Manyoni can you
answer my question please?

[END OF CHAPTER FIVE]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)

MWANA WE NGOMWA (CHAPTER ONE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Kusatenda huroyi veduwee asi Naison aive nerudo, ndakazvidemba nenguva yandakapedza ndiina
Manyoni uyo aindibata nokuseri kweruoko. Dai ndakaziva haitungamiri zvayo uye ndinotenda
Mwari nezvose zvandakadzidza muwanano yangu naManyoni, nhasi ndave nechekuudza
madzimai eAfrica uye ndiri mukadzi anekwaakabva nehupenyu. Kana ndikazowana mukana
wokutaura kumadzimai pamusoro pewanano chokwadi ndinowanawo vaviri kana vatatu
vanobatsirika. Madzimai munofanira kuve nemoyo nemhuri dzenyu, kana wanano dzenyu
dzikaputsika ngazvidaro hazvo asi Murume wako ngaarege kuve nechaanokupomera. Dzimwe
nguva unopihwa mhosva isiri yako asi nyarara, usave munhu wemashoko mazhinji kana uchida
kuvaka imba yako, dzidza kuzvininipisa kunyangwe murume wako riribenzi hapana anoziva
kwamuchasvika. Kufarisa farisai zvenyu asikana asi zvinoitika muwanano yenyu regai kuzvitaura
kuvanhu chero pama WhatsApp chaipo, misha inoparara muchitandara uye dzimba dzinoputsika
makavarairwa, munhu wemukadzi gonawo kukumbira ruregerero kana wakanganisa. Zivai kuti
kukumbira ruregerero hakusiko kunoita kuti muregererwe asi kuziva kunguva yokukumbira
ruregerero pamwe chete namakumbiriro acho eruregerero, usamirire kuti murume atange apopota
kuti uzokumbira ruregerero, zvirinani uti ndine hurombo murume wangu kunyangwe usiri
kunzwisisa mhosva yako ozogadzirisa nyaya yako naye mumwe musi mmese muchifara. Bvuma
kunzi wakapusa woratidza huchenjeri hwako namabasa, ukawana murume anokutsiura asati
akupopotera tenda Mwari asi pamusoro pazvose hakuna mukadzi anotyisa uye anesimba kudarika
mukadzi anonamata achiverenga soko raMwari.

Dzimba hadzivakwi nerudo, dzinovakwa nouchenjeri kana rudo rukavepo imba inomira. Michato
inodimburwa kana vanhu vakawanana nezvikonzero zvisirizvo, kana musina maonero akafanana
ekwamuri kuenda chero mari nerudo zviripo imba yenyu haimiri. Bonde ngarive chikafu
muwanano yenyu, usafe wakaranga murume wako nokumunyima bonde, kana usingazodi kupa
murume wako bonde nguva dzose zvisinei kuti wakatsamwa here kana kuti unofara gara warega
kuroorwa naye, kana usina kugadzirira kuda munhu usatarisira kudiwa naye. Moyo wemunhu
unonyoroveswa nemunamato, mukadzi wese ane moyo wakaoma arimuwanano ndinokupikirai
kuti haangapindi muguva asina kumbokwetsura mhere kana kusvimha misodzi
yekushungurudzwa. Anocheka nebanga rakagomara anoshandisa simba rakawanda asi mukadzi
akachenjera anorodza banga.

Ndaive ndisingazivi kuti pane nguva yokuti rudo rwunosekenyedza asi Naison akandiratidza
kudaro, ndaitadza kurara kana kuswera ndichifunga kuti mudiwa wangu ndingamufadza neyi
nhasi. Rudo rwedu rwaive namakwikwi ekufadzana, ungazodeyi zve mutsvitsa. Kunyangwe
ndaive ndadamburisa muchato na Manyoni hatina kukurumidza kunonyoresa muchato mutsva na
Naison, dangwe redu Nyasha aive mukomana akanyarara sababa vake. Kubva arimudiki
aingooneka kuti haana basa nezvakawanda, semwana akanonoka kuuya mudumbu rangu ndaive
ndakagadzirira kumupa zvose zvaaida asi Nyasha aive asingakumbiri chinhu. Aidya zvaapihwa
asingarase meso kana kuzviiona neziso remupfumi, ndaitonetseka kuziva kuti arikufara here kana
kuti akatsamwa nokuti moyo wake waive kune vamwe. Ukamupa mari achienda kuchikoro
aidzoka kumba masikati achifa nenzara atengera vamwe vana chikafu nemari yake, rimwe gore
takazongoona tauya kuzotendwa navamwe baba na amai veumwe mwana waaidzidza naye kuti
mwana wenyu akabhadharira mwana wedu mari yechikoro pa mari yataimupa kuti atenge chikafu.
Ndichimubvunza akanditi, “mukomana iyeye ndiye anopedzisira kubhadhara mari yechikoro uye
anozobhadhara atoneta nokudzingwa”. Izvi zvakandininipisa kwazvo ndikachema mumoyo
mangu kuti dzimwe nguva tinoita madanha paasingadiwi tichisiya mikana yenyasha ichitidarika
takavarairwa. Dai akazviita ari ku secondary taiti bva takayarutsa jaha rinetsiye nyoro zvino grade
four? Taive tisina chatakaita sevabereki vake kuti ave nemoyo wakadaro, wake waingove
wekuzvarwa nawo chiri chipo chakewo asi chaive chikomborero kwatiri.
Kubva zvandatanga kugara naNaison handina kuzombotsvaga zvehupenyu hwaOverseer kuti
vairarama sei, ndaizongonzwawo pano ne apo kuti vaenda kunze kwenyika. Vaive vongogara vari
mundenge nokuda kwebasa ravo rehufundisi iri uyuwo Manyoni taigara mumusha mumwe chete
asi aive nomoyo wakasviba pamusoro pangu uye akatadza kuzviregerera nokunditonga kwaakaita.
Akabva ave chidhakwa chaicho munhu aimbonamata Mwari zvinooneka uye zvinoyemurika,
kupanduka kwake kwakave mufananidzo kuvanhu kuti hakuna mutsvene pasi pano, ndakadzidza
pahupenyu hwake kuti chiKristu hachierwi nemaendero emunhu kusvondo kana maparidziro ake
esoko raMwari, zvinhu zviviri zvinotsaura maKristu nevatendiwo zvavo ndezvinoti “kukunda
miedzo yakaoma” pamwe chete nokugona “kuramba urimuKristu kana nhamo nematambudziko
zvakusvikira sedungamunhu”.

Kusvondo kutsva kwataive tavekuenda naNaison kwaikomborera kwazvo asi yaive yakangoitawo
svondo yechirungu, zvichida yaingove nyaya yokuti ndaive ndave munhu mutsva ndosaka
kwaindikomborera kudaro? Nokuti kwandaienda naManyoni kwaive kwakanakisa asi ndaidzorwa
manamatiro angu nehungomwa hwandaive ndapihwa ini ndisina zvangu. Ndanga ndave
nehupenyu hutsva veduwee kushingairira chaiko kuve mai ndiko kwandaive ndoita, hapana
chinhu chandaida kuti chipinde pakati pangu naNaison zvachose. Kana uchida kuona chinhu
chinotyisa kudarika kunongedzwa nepfuti inemabara enda unobata murume wemukadzi
akambopomerwa hungomwa.

Mai Museto vaive Tete vangu vaindida nokuti vaiziva kushanda nesimba kwangu kunyangwe
ndaive mukuru zvishoma kuhanzvadzi yavo Naison asi ndaive chikomborero kumhuri yavo ko
zvemakore zvinozivei? Sezvamunoziva kuti hakuna nzira isina gata, vamwe Tete vangu
vaiteedzana naNaison pakuzvarwa pavakanzwa zvokuti Naison akaroora mukadzi aive
akambowanikwa, havana kumirira kundiona kuti vataure pfungwa yavo vakabva vatungamidza
mashoko eruvengo mberi vari kuAustralia kwavaigara ikoko. Handina kana kumboita hanya
nazvo nokuti zvokuninipiswa izvi taive tabva neko kumhunga kusina ipwa ndakangoziva kuti
vaingotyisidzirawo samakore asina mvura anongosviba mudenga ozonyangarika. Ndaive ndisina
kugadzirira kurwa nemunhu nokuti ndaive ndawana chombo chitsva chehondo dzangu,
ndaishandisa pfuti inonzi “kunyarara” nemunondo unonzi “munamato” nokuti kunyangwe
ukataura sei nokuzhurukuzha sei hazvibatsiri kana usina Mwari, bhuku inoti, “kana Mwari
asingavaki imba, vavaki vayo vanovakira pasina”.

Naison naNyasha neni taive nenguva dzedu dzekumbonofurwa nemhepo zvedu semhuri, ini
ndaitoda kuzvara vana vakawanda asi Naison aida zvinhu zvekudzikama saka ndaitoteerera. Aidai
vana vanemusiyano muhombe pakati pavo pamakore ekuzvarwa. Rimwe zuva taive takagara
zvedu mumba medu mokurara tichitaura nyaya yokusangana kwatakaita, nokuyeuchidzana
nhoroondo uye izvi zvaitibatanidza nokutiita munhu mumwe nguva dzose.

Naison: Ndeipi Mai Manyoni? Kkkkkk (akadaro achitondibaya nechigunwe muchiuno ndichibva
ndavhunduka)

Ini: Arrgh, zviri kubva kupi izvozvo? Mai Manyoni ndiani?


Naison: Haihwawo tidzikamirei apo kkkkk

Ini: Usandijairire shaa handisi Mai Manyoni ini, ndine murume mumwe chete.

Naison: Asi ndiudze, wakambondidirei mudiwa? Nokuti pandakasangana newe hongu waiyevedza
asi waive wakavenga varume zvekuti huyai muone kkkkkk

Ini: Kwaive kurwadziwa shaa asi rudo rwangarwusina kugwamba mandiri, kungoti kana waitwa
zvausina kutarisira dzimwe nguva pfungwa dzinotama mumusoro asi unenge uchinazvo
zvekufunga. Chandakakudira neni handisati ndachiziva asi ndaigokuramba sei iwe wakandisvikira
panguva chaiyo chaiyo? Kkkkkkkkk murondatsimba putseki (ndichimutema nechitsamhiro)

Naison: (Akangotarisa ndokuita kakufinyama kaya kanoitwa murudo)

Ini: Manga matii bambo we mwana? Asi mira, ko iwe wakandidirei? Taura chokwadi…..

Naison: Ndakakudira kugona kufamba, une ka step kanonwiswa mvura kana wakapfeka magogi
unotsika seunoteta. Ndiani asingadi mukadzi akadaro? Kkkkkkkk

Ini: Arrrgh tsek, ungadira munhu step? Hure!

Naison: Murume haanzi hure, damn it.

Ini: Whatever!!!!

Naison: Asi chokwadi, zvemasuwa-shuwa ndakakudira hunhu hwako zvako, ndakada zviri mukati
mako urimunhu ane hunhu husingarambiki. Chero dai waive ngomwa zveshuwa ini ndaikuroora
zvakadaro, pamwe ndaizohurawo zvangu asi kwete zvekukusiya kkkkkk (Akataura mashoko
okupedzisira aya achizoseka akabata kumeso seanonyara)

Ini: Inzwa zvaurikutaura ende hauna kana nyadzi (ndakabva ndamudhonzera kwandiri)

Pese pataitaura ndaitoshingirira zvangu asi ndaitomuchiva kunge asiri murume wangu,
ndakangomudhonza kuti ndimutsvode ndobva tatanga kutamba chikudo chevanhu vakuru zvedu.

[END OF CHAPTER ONE]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)

MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FOUR)


SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Ndaive ndichangodaira nhare yaManyoni, pasina kana zvandaive ndambotaura naye, kumeso
kwangu kwaive kuchine nzizi dzemisodzi iyo yabuda ndichiteerera shoko raMwari pa FVL
Gospel Gala. Overseer vaive vaparidza hupenyu hwangu chaihwo uye kupupura kwavo
kwakaratidza vaive vatumwa naMwari, ndaive ndazvipira kurwira wanano yangu nokuwedzera
kutendeka. Murume wangu ndaimuda uye ndaisada kuti agumbuke.

Naison paakazarura musuwo ndakabva ndati rukutu, chakandinetesa hachisi chekuti ndaive
panhare asi ndechekuti ndaive panhare naani. Manyoni akatanga kungoti Hello… Hello……
Hello…… panhare ipapo asi ndaive ndisingachagoni kumudaira. Ndaimunzwa asi handina
kukwanisa kumudaira kana shoko zvaro nokuti nyaya yekufona kwake yaive yavekundiputsira
imba yangu, veduwee Wakaipa anoziva nguva dzokuvhiringa zvinhu, Manyoni aifona nguva
dzekuti Naison aripo kana kuti achingofona murume wangu anobva atosvika. Ndakangogona
kudimbura nhare iya ndobva ndati kunaNaison, maswera sei?

Naison: “Maswera sei? Nguva ino?”

Ndakaramba ndakanyarara achibva ati, “ndipe foni yako kuno”. Ndakamutambidza ruoko rwangu
rwuchidedera, ndobva avhura nhorondo yemafoni anopinda neanobuda pafoni pangu wanikwe
yaManyoni ndiyo yapedzisira kupinda. Akabva anditambidza foni yangu.

Naison: “Chii chirikuitika pakati pako naManyoni?”

Ini: Daddy hapana chiri kuitika, angofona uye handizivi kuti aidei…!
Naison: Akabva aseka zvake achirova maoko ndokuzoti, “Pane zuva rimwe chete rawakambotaura
kuti unoziva kuti aidei here iwe? Riripo?”

Ini: Dady, musadaro ndapota hangu.

Naison: “Kudaro kudii? Kudii Mai Nyasha? Ndanga ndichiedza nhamba yako usinga dairi kubva
zvandabva pano mangwanani waivepi? Papera awa ne hafu ndichikufonera, ukaona kuti ndanga
ndichikufonera asi hauna kuedza kunditsvaga kuti unzwe kuti ndinodeyi hanty? Wanga uchiitei?
Yangu nhare haudaviri asi yaManyoni? Maziso matsvuku ayo nemisodzi ndezvekuchemera rudo
rwaManyoni ka izvo? Handiti?”

Ini: Daddy, foni handina kumboinzwa kutaura chokwad…

Naison: “Usada kundirutsira Mai Nyasha wanzwa? Ndaneta nekureverwa nhema newe, handisi
chivezwa ini unoda kundiudza kuti yangu foni hauna kuinzwa asi yaManyoni?

Ini: Aiwa ndaive ndakagara ku dinning uko ndichiona TV, ndatouya kuno izvezvi ndichinzwa foni
ichirira ini.

Naison: “Hoo saka wangouya uchibva wangotanga kuchema zvako? Kana kuti wachemedzwa ne
TV? Handiti wadaro kuti waive uchiona TV saka ndiyo yakupa misodzi zve?” ndobva atanga
kuseka chikwee zvake. “YaManyoni foni ndiyo inorira zvinonzwika kwete yangu nhaika?”
akawedzera.

Ndakaramba ndinyerere, ndichishaya kuti ndomuti kudii nokuti chokwadi chese chaive choita
nhema zvino.
Naison: “Musangano wawakati unoda kuenda watanga kare, uye wakagadzirira musangano iwoyo
kwenguva refu asi uchiri pano kana kugeza hauna. Maida kuzosangana kunguvai naManyoni kuti
mumbopedzana stress? Usambondiudza hako kuti hamusikuzosangana nhasi, nokuti hauna
chimwe chikonzero chingakutadzisa kuenda kumusangano iwoyo.”

Ini: Kumusangano ndaive ndagara ndisisaende ini.

Naison: Wakaziva riini kuti hauchaenda kumusangano nhai Mai Nyasha?

Ini: Ndakamboramba ndakanyarara ndokuzoti, Nhasi.

Naison: “Sei usina kundiudza? Waida kuti Manyoni atange aziva? Ok, makorokoto wanzwa?

Ini: Makorokoto eyi Daddy? Ndapota vimbaiwo neni kana ndichikuudzai zvinhu.

Ndakabva ndanzwa mbama kumeso kwangu, mangwanani iwayo nyenyedzi dzakati vai mumba
mese ndikasaziva kuti chii chirikuitika. Naison haana kundirova mbama mbiri asi imwe chete
iyoyo yaikwana nhatu nokuti yakanorwadzira mudumbu kwete kumeso kwayakasvikira.

Naison: “Ndinokuuraya Mai Nyasha usandiita benzi wanzwa? Handipenge Mai Nyasha, iwe
unoziva kuti foni yako inofonerwa seyepa receiption chaiyo, unogamuchira nhare mushure me
five minutes dzega – dzega zvokuti dzimwe nguva unotoenda kunogeza nefoni iwe, asi wondiudza
kuti wasiya foni uchiona TV for one and half hours? Kutanga rinni kugarira TV iwe, unozivei
paTV?”

“Wakandinetsa last week yese ndichiuya pano husiku kubva kubasa ndichikubatsira kuita research
ye presentation yako yekumeeting yanhasi and all of a sudden hauchaenda and you don’t even
bother to tell me about it because I deserve such suprises? Do you really think I am as stupid as I
look? Dai ndazouya pano manheru waindiudza here kuti hauna kuenda kumeeting? Wandiudza
here kuti Manyoni ambofona? Wandiudza here kuti waonana naManyoni mukarara mese? Because
I am very sure something like that was going to happen between you two today.”

Ndaive ndototya kumupindura nokuti mbama yaakandipa pandakambomupindura yakaita kuti


ndimboti tsvati tuweti mbijana mubhurungwa, ndikazoipihwa imwe ndingazviitira tsvina chaiyo,
ndaive ndopihwa mhosva yekuhura apa ini Manyoni wacho ndaisamboziva kuti ndakapedzisira
kutaura naye riini, worse nhasi wacho hapana chimwe chaataura kunze kwekungoti “Hello”.
Ndakatanga kuona nyika yangu ichiguma ndikati ndinorambwa ndataura chokwadi ngaarove
zvake.

Ini: Daddy ini handina kumbodanana naManyoni uye handisi hure, handizivi kuti zvirikubva kupi
zvamur…

Naison: “Please don’t Daddy me, if you want to see how a daddy looks like enda unoona
Manyoni. Wati hausikuziva kuti zvirikubva kupi handiti? I will be patient to show you were it is
coming from”. Can you answer this: zuva riya wakati urikuzo blocker Manyoni pafoni pako but
nhasi mafonerana, what do you have to say about it?”

Ini: Handina kuzomublocker ini.

Naison: Tomboti wataura chokwadi kuti hauna kuzomu blocker, the next question then is: Sei
usina kuzomu blocker iwe waive wandiudza kuti uchamublocker ukasazondiudza kuti hauchamu
bloki?

Ini: I am sorry!

Naison: “You have always been sorry Mai Nyasha and I am now tired of your apologies, ok?
Ini: Baba Nyasha I don’t know how to process this, I just don’t know. Things are coincidentally
happening and the debris is dumped on me as a recipient of this circus.

Naison: “Mai Nyasha you are cheating on me, this is too much to be a coincidence.”

Ini: (I screamed involuntarily) how can you say that? I never cheated on you!

Naison: “You did. Not even once or twice but several times. Do you know what is cheating Mai
Nyasha? Everytime you hide anything from your partner you have cheated. Don’t wait to have sex
with someone – which I am sure you did with Manyoni – to say you have cheated.”

“This is what is now going to happen” he added, “Buda mumba mangu izvezvi unoonana
naManyoni as you have planned then give him enough attention and all the time he needs from
you, mwana wangu ndichachengeta ndega kusvika wapedzerana naye tozokuona wauya. Uri
mukadzi wechiKristu rudzii anoputsa imba yake namaoko ake?”

Ini: How can you say that bby, handisikuda kuonana naManyoni ini.

Naison: “Out of my house, NOW!”

He was serious and he could beat me again now.

Naison: “Ndati buda mumba mangu izvezvi, buda nxaa!”


Ndakabuda ndisina kugeza kana bhutsu mugumbo ndisina.

[END OF CHAPTER FOUR]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


[14/12 16:51] +263 77 155 0051: MWANA WE NGOMWA (CHAPTER SIX)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772

Pakaita runyararo imba yose kunyangwe vanhu vaive vakamirira mhinduro yaManyoni, Nyasha
aive mwana mudiki kuita zvinhu izvi asi hushingi hwake hwakadzora hasha dzaBaba vake,
ndakadzidza kuti kune vamwe vana vanobva kuna Mwari chokwadi. Nyasha akadzokorora zve
mubvunzo wake kechitatu kuna Manyoni asi namamwe matauriro rwendo rwuno.

Nyasha: Muchapindura here kana kuti ndiende pamubvunzo wangu wechipiri, tozodzoka kuneuyu
mavenemhinduro?

Manyoni: Pamusoroi vanhu vose varimuno, ini kuuya kwangu pano kwanga kusina kurongwaneni
asi nokuda kwokuti ndatove pano zviri nani tiende mberi. Pandinofonera Mai Nyasha ava
kekutanga ndaida kutsvaga kuti ndionane navo ndivakumbire ruregerero pazvose
zvatakatadzirana.

Nyasha: Saka makatenderana kuti muchaonana riini kuti mukumbire rurgerero?

Manyoni: Aiwa hatina kutenderana chinhu nokuti ivo vakati vakandiregerera kare saka hapana
chikonzero chekuti tisangane.
Nyasha: Imi makaigamuchirasei mhunduro yavo?

Manyoni: Handina kufara nayo zvangu ndosaka ndakaramba ndichida kuti ndionane navo.

Nyasha: Mati kekutanga maida kukumbira ruregerero, ko kechipiri kana kechitatu?

Manyoni: Ndaive ndongofonawo zvangu semunhu anofona kumunhu waanoziva pasina


chikonzero chingataurwa.

Nyasha: Mangamakamboudzwa here kuti Mai Nyasha vakaroorwa uye vanogara nemurume wavo
nemwana?

Manyoni: Hongu ndinozviziva.

Nyasha: Saka kana mudzimai wenyu akaitirwa zvamurikuitirawo mukadzi wemunhu izvi
munonzwa sei imi?

Manyoni: Hazvigamuchiriki zvakanaka, uye ipapo ndakaresva hangu.

Nyasha: Kana ndanzwa zvakanaka, chamurikuvavarira kekutanga ndechekuti muonane naMai


Nyasha mukumbire ruregerero?

Manyoni: Hongu.

Nyasha: Zvino zvamavaona nhasi chichakutadzisai kukumbira ruregerero chii?

Manyoni: Hapana

Nyasha: Saka kumbirai ruregerero.

Manyoni: Amai Nyasha ndokumbirawo ruregerero nokuda kwezvose zvandakakutadzirai


pamwechete nemhuri yenyu.

Ini: Zvakanakai, ndakakuregererai kare. Saka sunungukai zvenyu!

Nyasha: Pachine chimwe futi here vaManyoni?

Manyoni: Hapana

Nyasha: Ko imi Mai Nyasha sei zvichiita sekuti zvinokunetsai kutaura navaManyoni nemoyo
unesimba nguva zhinji, mune chenyu chaanacho here kana chimwe chaanofanira kuita kwamuri?
Muchitaure dare rino richinzwa.

Mai Nyasha: Aaaah hapana chandinoda kwavari ini. (Veduwee hapana chinhu chinoninipisa
sekugadzikwa dare nemwana mudiki, ndakanyara)

Nyasha: Baba Nyasha, ndokumbirawo kuti muudze vaManyoni chinhu kana zvinhu zvamusingadi
kuti vaite. Zvinofanira kuve zvinhu zvinechekuita nemhuri yenyu chete.

Baba Nyasha: Manyoni, stay away from my family. Handidi kuti ufonere futi mudzimai wangu
kana kumubatsira ne anything. I DON’T WANT your presence on my family for so long as I live.
I don’t want to even see you anywhere near anything that is property to me. Then iwe Mai Nyasha
han………

Nyasha: Sorry Daddy, zvamunotarisira kumudzimai wenyu munozomuudza muri mega not muno.
Zvinogona kuzoshandiswa mangwana musipo. Keep it quite (aida kuti “keep it private”)

Pane anemubvunzo kune mumwe here kana chimwewo chekutaura maererano nenyaya iyoyi iri
mudariro?

Tose takaramba takanyarara, ndaifungira kuti Naison achataura something but akaramba anyerere.
Kana ndiri seni ndaive ndisina chekutaura kunze kwekukumbira ruregerero kumurume wangu and
I knew kuti this time aizondiregerera for Nyasha’s sake. Asi handina kuda kukurumidza kuzviita
kusvika Tete vataura:

Tete: Nyasha waita hako mwana wenzvadzi yangu, urimwana mudhara chaiye (vakabvavaseka but
the other faces were still tense), it’s not good to come to this point but I can see kuti tasvika
patasvika apa nenyaya yekusabudirana pachen nokuhwandirana. Taita sevana chaivo panyaya yese
iyi zvichida ndosaka Mwari vashandisawo mwana kuti tione hupenzi hwedu. Ini handina
chekutaura kuna vaManyoni, chandingada kutaura kunaMai Nyasha ndechekuti: Muroora kana
uchida kuchengeta imba yako unofanira kuve munhu wemufamba kamwe, usaedza kuchengeta
zvinhu zvisiri necessary nokuti zvinozomera. Imba inofa nokuda kwekusatendana uriwe honzeri
kana vanaNyasha vanoshaya kwekudzidza kupenyu, chokwadi tingasvika here pakucheuka
kutarisa kuna Nyasha kuti atipe mazano isu tave nemisoro michena iye achine mukaka pamhino
zvake?

Naison: Ndizvo zvirikutoitika Tete, whatelse do you see here (Achibva asimuka kuenda
kubedroom)

Manyoni akasara akaoneka ndokubuda asina akamuperekedza, nyadzi dzinokundarufu chokwadi.


Ndakaona murume mukuru achiita seachadonha nenyadzi, kana iri step chaiyo akaishaya
akazongoita zvekukunguruka achienda kumotokari yake. Nyasha ndopaakazosara achitimhoresa
kuti mamuka sei nokuti matangiro akaita zvinhu musiwacho akatadzisa zvakawanda kuitika.
Akasimuka mwana ndokunotora drink kuti tinwe asi ini handina zvangu kurinwa ndakabva
ndasimuka kuenda kwakaenda dady. Akangonitarisa zvikanzi “lets move on and start things from
the start, this must not happen again”.

I walked straight to him ad hugged him, I was sobbing a bit and he rubbed his hands on my back
to try and comfort me. It was really comforting and things went from one point to another
takazotoyerekana takunokerwa pa door kuti Tete vakuenda, ndaive ndotoda futi kechipiri na
Naison asi zuva raive rakwira uye kumabasa kwaifanira kuendwa.

[END OF CHAPTER SIX]


[14/12 16:51] +263 77 155 0051: MWANA WENGOMWA (CHAPTER SEVEN)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Kusagona kwangu kuve munhu akasimba kwaive kwoda kuparadza imba yangu, asi tinotenda
nyasha dzaMwari nokuti dzinopa munhu mukana wechipiri kana wechitatu kana wechina. Naison
akagona kundiregerera ndokutangidzazve rudo rwake patsva kuti tikwanise kuregererana pazvose.
Manyoni haana kuzomobvira aedzazve kuzondifonera uye Nyasha akaramba achikura
pahuchenjeri napaumhumhu, kuchikoro aive mwana aiteerera chose asi aisazoshairwawo
zvaaipomerwa semwana arikukura. Rimwe zuva takanyara tikashaya pokupinda paakabatwa aba
zvinwiwa zvepachikoro zvaive zvaunganidzwa nokuda kwemutambo wePrice Giving Day, ndiye
anonzi akatofurira vamwe vana vatatu vaaive nawo kuti vatore nokunwa zvinwiwa izvi vasina
kupihwa. Vakarangwa pamberi pevamwe vose kuti vamwe vana vagotya kupara mhosva. Baba
vake vakatoshaya kuti vomudii nokuti havana kumbotarisira kuti Nyasha angaita chinhu chakadai,
ini ndakangoti ndizvo zviya zvinonzi navanhu “vana havarambire”. Kuzoti apedza zvidzidzo
zvake zveSecondary akaenda zvake kumusha kumbonoona dzimwe hama akamirira kukohwa
zvaakanyora.

Kubva zvakazvarwa Nyasha hakuna kuzozvarwa mumwe mwana mushure make kunyangwe
ndaida kuzvarira murume wangu vana vazhinji asi iye Naison aisada vana vakanyanya
kudungamidzana, patakazoda kuti tiite vana pacho nokuti Nyasha aive akura zvakangoitika kuti
mimba dzacho dzaisvodza dzisati dzasvitsa mwedzi mishanu uye izvi zvakaitika katatu kusvika
Naison ati ngatisiyane nazvo zvachose titende Mwari nokuda kwemwana mumwe chete iyeye
watinaye. Ini handina kugamuchira pfungwa yaNaison nokuti ndaive ndichirikuda mumwe kana
vamwe vana asi Naison aive avekutotenda kuti zvichida Mwari vakatipa zvakakwana.

Ndakatanga kufunga kuti kana ndikasazvara mumwe mwana vanhu vose vachazofunga kuti
ndakaita mistake pandakazvara Nyasha, saka ndaida kunyatsoita show – off chaiyo kunyika kuti I
can do it apa Nyasha aive akura zvekuti ndaive ndisisa kwanise kuita zvangu vamwe vana vatatu
nokuda kwezera asi one more aibuda chete. Ndakarega mapiritsi ekudzivirira mimba kwegore rese
asi zvaive zvotoita worse nokuti mimba yacho yaive asisatobate, paya zvaive nani kuti yaibata
yozobva asi apa zvanga zvotoramba. Ndikatanga kutyisidzirwa nepfungwa dzangu kuti zvichida
hungomwa huya hwave kudzoka zvakare, semunhukadzi ndakabva ndatanga kutsvaga mazano
nokubvunzawo vakura kuti chii chirikuitika kwandiri.

Vamwe vaiti, “haaa munoda kuziva nguva dzekurarwa mai bhoyi, chimwe nechimwe chinenguva
yacho”. Vamwe vakati, “Zvimwe zvinhu itori mweya yetsvina chaiyo isingadi chakanaka,
endaiwo kunobviswa munyama zvinoitwa vamwe kumasowe”. Vafuriri vaiti, “Zvichida munyama
urikubva kunaManyoni handiti zviya makamubata neseri kweruoko mukaseka hurema hwake”.
Vamwe vachiti, “Musaneta kunamata nokuti vana vanobva kunaMwari kwete kubonde remumba
menyu”. Vanhu vakataura zvakawanda zvimwe zvaive nemusoro zvimwe zvisina asi zvese
zvaindipa kufunganya kwakawanda, ndakaramba ndichitsvaga mazano asi hapana chipenyu
chandakabuda nacho. Naison haana kumboziva kuti ndiri kuita research yakapenga kudai nokuti
dai akaziva aitondirambidza apa mwana ndichimuda, saka ndikati let the sleeping dogs lie asi
bhora mberi nekutsvaga nzira yekuita nayo mwana.

Zvekunamata kuti Mwari andipe mwana kwandiri was not a good idea because ndaisave munhu
uya anganzi anonamata chaizvo, saka ndaizozivasei kuti Mwari vachandipa mwana ini ndisati
ndambonzwa kutaura kwaMwari? At least kunamatirwa kuchechi was the best but ne experience
yangu naOverseer makore apfuura ayo ndakaona kuti pamwe vafundisi vemasvutu ava
vakangofanana vose vanonyengera. Idzi dzaive pfungwa dzangu asi ndaitodzikoshesa
zvichindifambira, ndakazofunga kuti regai ndiite zvaive zvambotaurwa navamwe mai kuti “dai
mamboenda kuna madzibaba”. Ndakavatsvaga mai vacho ndikavawana ndokunyatsobvunza kuti
nyaya yekuenda kwamadzibaba yaizondibatsira zvakadii, vakanyatsakutora nguva yavo
vachinditsanangurira ini ndichingogutsurira ndakateerera. Magonero avo ekutsanangura avakaita
ipapo ungati ivo vanotorine mwana wavakapihwa kwaMadzibaba kwacho ikoko.

“Mai Nyasha shamwari Mwari ndiye – ndiye, chinonetsa vanhu vechechi dzemicheno sedzenyu
idzi ndechekuti munotuka manamatiro evamwe muchikanganwa kuti muridzi wokutenda kwose
ndiMwari. Ini pachangu handina kumbonamatirwa namadzibaba kuti ndive nemwana asi maziso
angu aya aona zvakawanda, kuti uwane zvaunoda munhu unotoshingirira iwe urimunhukadzi iwe
unoziva zvandinoreva. Enda unonamatirwa uzviitire mwana wako nokuti pamwe mweya
yemaSatanist ndiyo irikudya vana vako saka kana zvakadaro inozviziva sei usina munhu
wemweya muhupenyu hwako? Kunyangwe vakakuti uuye nemazai kana mukaka nematombo,
zvingakutorera chii izvozvo iwe uchida mwana?”. Ndakanyatsonzwa kusimbiswa mukati mangu
ndikabvapo ndatozvipira kunoona Madzibaba Abednego.

Aive masikati machena musi wechitatu ndapedza appointment yandaive nayo nema Investors
ekuMorroco aive arimunyika nokuda kweWomen’s Business Forum, ndaive nhengo yedare iroro
nokuda kwaMai Museto vaiva Tete vangu hanzvadzi yaNaison. Ndakapedza appointment
ndichibva ndapinda mumota kuenda kwamadzibaba, chandaifambira ikoko yaive nyaya yemwana
wandaida kuti vandinamatirewo vachidzinga mweya yekusvodza iyi yaive yoda kundidzosera
kwandaive kare. Madirections ndaive nawo saka ndakakurumidza kufamba ndokunosvika waneyi
nzvimbo yacho zvaririsango chairo. Ndakatoshaya pokuisa motokari yangu nokuti ndaisatomboda
kuti kuve nemunhu angaiona akazoziva kuti ndakamboenda kwaMadzibaba nokuti hapana chinhu
chaivengwa naNaison kudarika n’anga namaporofita. Ndakazongoimisa pandaifunga kuti
pakahwanda ndobva ndaburuka nokukurumidza kuenda pana madzibaba paye, ndakasvika vari
vega ndikati nechemumoyo “vangashandira munhu kwazvo – kwazvo ivava ipo pasowe racho
pasina kana munhu? Vanhu vanonyatsogona ndinoziva vachiwandirwa ini” apa dzaitodya zvadzo
munhuchu wainhuwirira dovi nechidrink chiya chakanzi twizza.

Pavakangondiona vakabva vavhara zilunch box ravo ndokutonhonga tsvimbo yavo vachiuya
kwandiri zvikanzi “Amai bvisai shangu dzenyu nzvimbo yamuri itsvene” ndakabvisa bhutsu
dziya ndichingoti nechemumoyo haiwawo panzvimbo tsvene panodyirwa here zvandaona
muchidya? kana kuti ndezvekungoda kutyisidzirana chete?”
Ndaive ndagara muvhu zvino apa ndaive ndakachena musi wacho, ndaitarisira kuti vachakiriridza
zvatinonzwa kuti mapostori anombotaura ndimi dzaana Eria naana Jeremiah. Vakabva vatotanga
kuseka zvavo Madzibaba Abednego zvikanzi, “Amai munhu kana achiuya kuna Mwari haafaniri
kunyunyuta zvamurikuita izvi, tendai kuti murikuuya kuna Mwari kwete kumunhu. Ndiri kuona
kuti moyo wenyu wakazara nekunyunyuta asi zvisineyi Mwari achaita kuda kwake” mashoko aya
akandivhundutsa kuti kamurume aka katoona zviri mumoyo mangu? Ndakabva ndatanga kuve
nekutenda kuti zvichida kanogona kundibatsira ndikave nemwana pano.
Ndakaramba ndinyerere ndakamirira kunzi taurai dambudziko renyu, asi havana kundipa mukana
vakaenderera mbei vachiti, “Amai ndirikuona vana vakawanda vasina kuzvarwa mudumbu renyu
iri uye vamwe vakatofa, chingave ndicho chikonzero chakuunzai pano here?” ndikati hongu
munhu waMwari ndibatsireyi ndiri kuda mwana. Vakati, “Vana vanobva kuna Mwari uye mauya
panzvimbo yakanaka nokuti ndirikuona gore dema pamusoro penyu apa, uye pane zvakawanda
zvinoda kuitwa pamuri Amai asi kwanhasi ndichakupai mvura yekunwa chete mozouya pano
mangwana mangwanani muine huku mbiri chena pamwe chete nemafuta ekubikisa 2 litres”.

Ndakapihwa mvura iya ndobva ndaenda, handina kumupa kana mari kana chii, ndikanzi ndipedze
ka one liter kemvura ikako kaakandipa apa yaipisa sei nekuswera yakananikwa pazuva, iko
kachigubhu kacho kaive nemvura ndofunga nditwo tuzvigumbu twedoro tuya kainhuwa doro kuti
bvuu zvako ndikati zvino zvandichanzwikwa munhuwi wedoro naNaison ndikazviparira.
Ndakavhura mota kuti ndiende kumba ndokutoona Madzibaba vaya vavekutosimudzira munhuchu
wavo wavaive vasiya nokusvika kwangu pakirawa pavo, ndikati ndosaka vandivhara vhara kuti
ndikurumidze kuenda kuti vasare vachidya anyway let me go. I drove off but mota yaive nehuruva
apa tsvina pamota ndicho chinhu chandaive ndakavenga because it potrays a wrong picture of the
vehicle owner, ndakapfuura nepa car wash ndokugeza mota ndobva ndaenda kumba.
Ndichingosvika pamba Naison was there akamira padoor chaipo, pandakamuona ndiri mumota
ndakabva ndanokora ma mint aive mudashboard kuti ndidzime munhuwi wezvimvura
zvaAbednego zvandaive ndadutira izvo zvainhuwa doro kudaro. Ndichingoburuka mumota
Naison akabva aratidza kutsamwa ndikati chave chiizve, ndobva ndamumhoresa nemufaro.

Ini: Hi Babe?

Naison: Mai Nyasha, where are you comng from?

Ini: (Yooh I nearly fainted) of course kubasa hun but why? (Apa ndaidedera asi ndichivharidzira
kunge ndiri bhoo)
Naison: Mai Nyasha, don’t take me for a fool. Wanga uchiitei kumapostori? Are you now going
kun’anga kuti uuye nemadhimoni pano Mai Nyasha? What did I tell you?

Ini: Babe where is all this coming from? (Ndaive ndatota zvino)

Naison: Ok, may be someone lied to me because munhu andiudza kuti aona mota yako kumasowe
anditi mota yacho inehuruva but I don’t see that on your car. Maybe kufanana kwemota plus I
don’t really believe ungaita izvozvo. I am sorry for that, ok?

Ini: (Ndakabva ndafema zvekuzorora) But babe how can you just believe people and then go off
on me just like that? Usadaro shaa you must be able to trust me after all I am your wife.

Naison: I feel bad for that too, I am sorry swty. Come here! (He hugged me, ndobva tapinda
mumba)

Ndakazosara kurara zvangu husiku ihwohwo asi ndaive nepfungwa mbiri dzaive serious: imwe
yaiti Mwari varikutokuyambira kuti usadzokezve kwaAbednego uko because zvichakuputsira
imba yako. Imwe ichiti hakuna nzira isina gata wena atori Satan arikuda kukushayisa mwana
zvawatombotanga kudai chitopedzisa. Ndakashaya zano rokutora pakati pemaviri aya asi nokuda
kwekuti Abednego aive aratidza kuti anoona kwazvo ndaitozoshingirira nokumukumbira
mushonga kana mvura yokuti ndisabatwe. Ndaive ndatoshinga kuzviita ende ndaitozviita chete.

Ndakamuka mangwana ndokuenda kubasa, ndakasvikosiya mota ndokutsvaga private taxi ndobva
ndananga kwamadzibaba nehuku dzangu mbiri dziya nemafuta. Ndakaudza munhu we taxi kuti
ndaizomufonera onditora, ndakamirawo queue nokuti paive nevanhu vaive vanditangira.
Ndakashandirwa zvakanaka ndokupedzerwa nguva ichiripo ndokubva ndanzi ndichienda zvangu,
ndakakumbira Madzibaba Abednego kuti vandipe mushonga wekuti ndisabatwe nemurume wangu
kuti ndaive ndauya kuno.

Apa ndipo pandakazviparira manje, akabva ati, “Amai nzwisisai kuti ini handisi n’anga handipe
vanhu mishonga yekudzimaidzana manzwa, uye ini handishandiri mukadzi anenge achiita
zvechihwande – hwande kumurume wake nokuti ndangandichatozoda kuti muuye mese
nemurume wenyu pamuchauya kuzopedzisa munamato wenyu. Asi kana muchirikuda kuita izvi
murume wenyu asingazouyi pano ndinenge ndave kukupayi sarudzo mbiri, muchazvisarudzira
mega modzoka nemhinduro yangu mangwana, kana matadza kudzoka nemhinduro ndichakupayi
WhatsApp number yangu mondiisira message nenguva dza9:00am exactly. Ndikasaona message
kana imi kusvika na9:30am mangwana then zvinoreva kuti hamuchazvikwanisa. Saka sarudzo
yekutanga ndeyekuti tichashandisa mvura yekuma sewage uko kuti musuke chibereko chenyu asi
tichainamatira kuti irege kusiya zvirwere mudumbu menyu kana mainwa nokuti tsvina
inobviswawo netsvina, chepiri ndechekuti kana murume wenyu asingauyi pano then ndinenge
ndave kukumbira mweya waMwari kuti ndibvise dambudziko renyu ndichishandisa nhengo yangu
ini nokuti yakazodzwa inoshanda pese like zvinoita master key.

Endai muchifunga pakati pezviviri izvi mondiudza mangwana kana kurega mongosiyana nazvo
zvemwana zvacho.

[END OF CHAPTER SEVEN]


[14/12 16:52] +263 77 155 0051: MWANA WENGOMWA (CHAPTER EIGHT *(A)*)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Pungwa dzakaramba dzichipisana mandiri kuti ndoita sei uye ndosarudza zvipi pakati pezviviri
zvandakaudzwa naAbednego. Dzaive sarudzo dzakaoma dzose zvadzo zvikurusei sarudzo
yenhengo kunyangwe ndaida mwana izvi zvaive zvasiyana nezvandaitarisira, ndakamboda kuti
regai ndirovere moyo kudombo ndikumbire Naison kuti tiende hedu tese kwaMadzibaba kwacho
kuti nditize sarudzo idzi asi kwaive kuzvikanga namafuta angu. Imwe pfungwa ikati ko
kungozvisiya zvineyiko, handiti iye murume wangu wacho haasi kundipa pressure here? Asi I
failed to make peace with that mind, kunyangwe raive zano rakanaka chose. Ndikati futi kunwa
masewage kwete, nekusema kwandinoita masewage emuroad kuzoti kuisa mukanwa haiwa bodo.
Dzaingove pfungwa dzakasangana sangana asi hapana yandakabuda nayo kusvika zuva rabuda, ko
ndakambovata here?

Ndakagadzirira murume wangu kuti aende kubasa ndokubva abuda ini ndichitevera mushure make
kuendawo kubasa kwangu, ndakasvika ndikaita dzinenge 20 minutes ndakatsikitsikira pa desk
ndichifungisisa kusvika ndati regai ndingorovera moyo kudombo nditumire Abednego message pa
WhatsApp. Ndakabva ndanyora ndokudzima ndikanyora zve ndikadzima ndokuzongonyora
ndokubaya send ndakatsinzinya. Yakaswera zuva rese yakatika ka one chete ndichingotarisa every
now and then kuti aiona here ndinzwe kuti anoti kudii. Message yacho yaive yakangonzi “Itai
henyu zvenhengo yacho”. Akazoiona kuma 4pm ndokupindura after dzinenenge 30 minutes achiti
“zvakanakai, asi zvinofanira kuitirwa mumba menyu pamunovata nemurume wenyu chaipo. Kana
magadzirira munondifonera ipapa a day before motuma munhu anouya kuzonditora kana kuti
mouya imi kuzonditora, ndichange ndakamirira”. Zvakandirovesa hana kuti zvinhu zvacho inga
zvirikuramba zvichingonyanya kushata nhayi. Chokwadi ndingarara nemunhu pamubhedha
wangu naNaison kungave kushaya ruremekedzo kwakadii ikoko? Asi hapana zvekuita semunhu
aive azviparira kare.

Nguva yakafamba, mushure me dzinenge svondo mbiri Naison akabva ati tiende kunotora mwana
kumusha aifanira kufanotsvaga zvekuita kuti pfungwa dzake dzigare dzakavhurika akamirira
maresults nokuti taida kumutsvagira nzvimbo kuUniversity saka aifanira kuve akagadzirira.
Kuzoti kwasara mazuva matatu kuti tiende kunotora mwana zvikanzi naNaison “Shamwari
ndichaenda ndega kumusha kunotora mwana ndoda kuti undiitire mafiles angu kubasa musi
wacho saka ndichamhanya babe hanty I will come back the same day?” ndichibva ndabvuma,
imwe pfungwa ikati chance given. Ndakabva ndataura namadzibaba kuti ndaizovatumira munhu
kunovatora, ndaitya mukati mangu kuti if one thing could go wrong then my marital life ends
here. Nyaya iya yaManyoni yaive iri small issue asi yakandiradza panze pemba yangu kuzoti iyi
yekukwirwa neumwe munhu? Kwete izvozvo chete asi pamba pake here pamubhedha wake futi?

Naison akamukira kuenda zvake kumusha, waive musi weChitatu mangwanani ndichibva
ndatuma taxi kuenda kunotora Abednego, ndaiziva kuti Naison aizodzoka zuva iroro uye ini
ndaisada kuita basa rakaakandisiira saka ndakatora makey ekubasa kwake ndobva ndaisa
mudashboard mumota make kuti ndizomuti babe hauna kundisiira makey zvobva zvavharana
since ndaisaziva kuti madzibaba vaida nguva yakareba sei neni. Abednego akasvika Naison avene
1 and half hours abuda, taxi driver akasara akamira kunze kwegedhi ari mumota make zvake
kumirira kuti munhu waauya naye apedze zvaafambira vadzokere nokuti mari ndaive ndamupa
yakakwana. Achingopinda akabva ati “Amai hatisi kuzopedza nguva refu pano ndinebasa
rakawanda nhasi, saka zvichaitika pano ndezvinoti: Ndichanamata then mobvisa hembe dzenyu
mega ndorara nemi asi mbeu yangu handirase panze kunyangwe zvazvo ndisingazoshandise
protection nokuti zvinofanira kuitwa nenzira kwayo. Are you ready for this?”

Ndaive ndafunga kuti anozoita necondom but iyi yaaive oda kuita iyi was too much now,
ndakazongoti “YES” but I was very much confused kuti saka akasiya mbeu yake mandiri
kunyangwe mwana akazovepo anenge azori waani? Ndakabvisa hembe dzangu mberi kweumwe
murume akayeva zvake achiumbidza muviri wangu, it was supposed to feel romantic asi
zvainyadzisa uye ndaitodedera zvaioneka. Ukuwo Naison akangoti achisvika pa first filling station
outside town kuti anwe mafuta emotokari yake ndobva avhura dashboard kutora ma fuel coupons
ekubasa aaishandisa kudira fuel wanei makey eku ofiice kwake arimo, ndobva atokurumidza
kudira fuel ndokudzoka kumba kuzondipa makey eku office kwake andaive ndaviga mumota
make.

Ndaive ndiri musvo sendichangozvarwa, ndatopinda mumachira ndichimirira madzibaba kuti


vachiisa munamato vabva vandishandira, kupinda kwaNaison pagedhi handina kukunzwa zvichida
inyaya yekuve confused kwandaive ndakaitwa. Paakavhura door reku kitchen handina kuzvinzwa
asi Abednego akazvinzwa ndobva abvunza kuti “ndiani uyo?” ndakatofunga kuti arikutaura
mumweya nokuti handina kunzwisisisa kuti ndiani uyo upiko. Ndakazoona Naison atovhura door
remubedroom make maindaive ndakakumurira mbatya mumwe murume.

[END OF CHAPTER EIGHT *(A)*]


[14/12 16:52] +263 77 155 0051: WENGOMWA (CHAPTER EIGHT *(B)*)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254


Hapana asina kuvhunduka tose tiri vatatu takaita setichafa nekushamiswa, asi Naison aive
achitoita seaive akazvitarisira hake he was not really shocked. Hamadzangu nyadzi dzinokunda
rufu, ndakashaya zvokuita nenyadzi uye ndakabva ndatogamuchira kuti marriage yangu yaperera
pano.

Naison: Mamukasei?

Hapana akadaira, uyu Abednego aive otobvunda zviya zvekunge achazviitira weti chaiyo. Ini kuti
ndichibuda mumachira zvaramba, ko ndaibuda seiko ndakashama kudayi? Ndaive ndotonyara
kuonekwa ndakashama nemurume wangu asi ndanga ndasununguka kushamira mutorwa.
Ndakashuva kuti dai nyika yangovhurika ndipinde zvangu, kana chekutaura ndakachishaya
ndakamboda kuti mhere kwetsu asi ndakashaya kuti zvaizoshandureyi izvozvo nokuti Abednego
haangambodaro auya mumba umu ega. Akabva asimudza inzwi ndokuti:

Naison: Ndati mamukasei, manyararireyi? Asi hamuna vanhu muno?

Hapana akadaira zvakare

Naison: Hesi Felix, uchandiziva here? Akadaro Naison achizvuva kachair kepa dressing table
ndobva atogara zvake.

Abednego: Akaratidza kushamiswa ndokuzoti, “Makadii?” apa achidedera zvake munhu


waMwari.

Naison: “Do you remember me?” Zvakandikatyamadza kuti vangadaro vachizivana kupi vanhu
ava. I was shaking now and even more.

Abednego: “No”

Naison: My name is Naison Chirenda, I work nemuzukuru wako on the next building anonzi Clive
Bande. Waiuya kubasa kwake several times kuzokumbira mari kwaari and at some point I gave
Clive mai yekuti akupe, wakanganwa munhu wawaiseka naye uchitaura kuti kuporofita kwako
ndekwebusiness? Wakanganwa here munhu akakuti dai watendeuka usatambe nezita raMwari? I
am the same person who bought lunch for you kuSadza Inn about three months ago,
kwawaizotaura kuti unoshandisa zita rekuti Abednego kuita mashiripiti ako aunoromba iwayo. Do
you now remember me now? If yes what do you need in my house?

Abednego uya akangokwanisa kutendeuka ndokutiza kuenda, door rakaita serichakwachuka


achitiza asi Naison haana kana kumboedza kuda kumubata kana kumutevera. Akabva anditi, “Mai
Nyasha thank you very much for your faithfulness all the years, handisati ndakambokuona uchi
cheater zvangu and even paya pandainetsana newe nenyaya yaManyoni I was protecting my
family not kuti I ever accused you of cheating on me. However today is a different day because
you seem to enjoy pleasures of sin, chihure chinouraya iwewe ndikuudze and chakanyanya
kushata nokuti chinosvibisa ropa. Everytime when you cheat munhu anokuda kana kuti munhu ari
innocent zvakafanana nekuti you are throwing away a diamond to protect a mere stone. Hapana
nguva ndakutsiura nyaya yaManyoni but you are stuck in a worse situation today. Takagariswa
dare nemwana wako pano nguva iya zvaunoziva iwe, kana ndiwewo akazvinzwa izvi anoti kudii
newe? It’s pretty sad that life gives bad results to vulnerable people like me. I don’t want to hear
any explaination from you now, I had come back kuzokupa mekey eku office kwangu
andakanganwa kukusiira but there is no need at all.”

He added, “I want you to collect everything that belongs to you in this house and leave this place,
by the time I come back here you should be gone because inini ndiri kukutadzisa kufara
nekusununguka dear saka enda unonyatsoita zvaunoda nemuviri wako. I will make sure Nyasha
and I will keep you undisturbed, I will take care of my son he deserves the best. I am out of here
please undisiirewo makey angu kuoffice kwangu kana watadza just leave the house unlocked
Mwari vanochengeta zvauchasiya zvacho izvozvo, bye!”

Akabva atosimuka ndokubuda achisiya ndichichema kudaro, ndaive ndazvikonzeresera ndega, of


course ndaive nemba yangu zvangu yandakatenga ndisati ndaroorwa naNaison but I wanted my
marriage to work. I was stupid to have done that asi even kuti ndikumbire ruregerero zvaibva
zvaita sokunge ndiwomagariro angu ekugona kuti sorry everytime yet ndisingachinji, chero
kuudza munhu kuti ndaida kuitira murume wangu mwana ndikabvunzwa kuti aive akunetsa kuti
anoda mwana here ndaizotii? Ndakapererwa nepfungwa ndichibva ndati kana Naison akasvika
ndiri pano anondiuraya, ndakabva ndatora hembe dzangu ndokuenda kumba kwangu. What a cold
place it was? Ko mwana wangu achati kudii nokuda kwangu, mumakore mashoma aive apfuura
ndaive ndaita shamwari dzakawanda pamwe chete nemukurumbira nokuda kwekwandakabva
naManyoni saka vanhu vose ivavo vakambondiropafadza vakanzwa izvi vachazoti kudii?
Ndakatanga kufunga kuti dai ndakateerera pfungwa nemazano aiuya mandiri aya dai ndisina
kusvika pandiri nhasi but it was too late, my marriage had imploded because of my stupidity.
Chokwadi mukadzi benzi anoputsa imba yake namaoko ake asi wakachenjera anoivaka.

[END OF CHAPTER EIGHT *(B)*]


[14/12 16:53] +263 77 155 0051: MWANA WENGOMWA (CHAPTER NINE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

[email protected]

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Ndakange ndogara ndega zvino, ndarasikirwa nezvandakashingirira nguva refu. Vaya mai vaive
vambondikurudzira kuti dai manoona madzibaba vaive vondiseka havo kuti akarasa chiri
mumaoko nokuda kuombera, chokwadi munhu haana chakanaka. Kubva zvandasiyana naManyoni
ndaive ndisina umwe murume wandakamborara naye kunze kwaNaison, kunyangwe
pandakabatwa pacho ndakatosvikirwa ndisati ndaitwa asi ndaitove ndave pedyo zvangu. Naison
akaramba kuti nditsanangure nokuti this was worse, kana neni ndakamunzwisisa nokuti hakuna
murume angagara nemukadzi asina kutendeka sezvandaive ndaita izvi; hongu kune madzimai
anohura mudzimba dzavo asi kwete zvekuzosvika pakuhurira pamubhedha wemurume wake
sezvandange ndoda kuita izvi. Ndainyara zvakanyanya kwese kwandaienda, kuzoti vanhu kana
votaura zvehuhure hwangu ungati ndakazonyatsohura kwacho, madzibaba vaye ndaive
ndavavenga zvekusada kana kunzwa nyaya yaana Misheck naAbednego yemubhaibheri iya,
kubvawo pakaitika izvi handina kumbozobvira ndataura navo futi ndakabva ndava blocker
pamafon angu ese.

Nyasha akauyawo akandishura ndikashaya pokupinda, kutukirwa hufeve nemwana wawakazvara


kunonyadzisa hama wee. Unenge uchingoti ukamuona kana akakufonera hana inotorova kunge
ndiye murume wako, mufaro ndaive ndisisina zvachose zvichikonzerwa nokuda kurarama
hupenyu hwekufadza vanhu. Naison haana musi waakambondifonerawo kana kumboona missed
call zvayo kubva kwaari, zvekuti dai kune musi waakambondibhipawo zvake ndaitosimudza mota
kuenda kumba kwake kunoti ndaona missed call. Asi hazvina kuitika izvozvo, nokufamba
kwenguva ndakatanga kuzviregerera kuti ndigone kurarama zve but my life was a mess. Iyewo
Naison haana kuzombowana umwe mukadzi kubva zvandabuda mumba make, hanzvadzi yake
Mai Museto vakanditi “ndakambokuudzai kuti handigone kukupupurirai kuti hamudanani
naManyoni gore riya, dai ndakamira kuti hamuhuri nhasi ndainyarira payi?” Chaive chokwadi
chavakataura asi ndaive ndisina kuzvironga kuti zviitike nenzira iyoyo uye zvairamba
zvichindidya.

Nyasha akawana nzvimbo paUniverity of Zimbabwe yekuita zvidzidzo zveGynaecology and


Obsterics, arikuchikoro ikoko akaramba achitya Mwari nokuteerera. He was all a cute guy who
had grown up in a broken home, mai vake vaive varambirwa chihure akakura nababa chete. Baba
vake neni kunyangwe taigara pakasiyana uye takarambana zvedu asi mwana taimuda nokuti ndiye
ega chinhu chataive nacho, kushanda kwedu kwese all our profits was Nyasha’s spoil ko zvaigonzi
ndezvaani? Nyasha was a sore beneficiary of our toil, kuzoti asara negore rimwe ari paUniversity
akabva awana musikana waaida kuroora vakatanga kufambidzana kusvika vatenderana kuti
vaizoroorana kana vapedza dzidzo dzavo sezvo vaizopedza pamwe chete. Nyasha akandiudza
nyaya iyi ndikafara kuti ndawanawo muroora asi ndaingonyara zvangu kuti muroora iyeyu
ndingamudzora sei kana kuti ndingamudzidzisa chii ini ndiri vamwene vakarambirwa kusagona
kuvhara makumbo avo? Musi waakauya kuzotiratidza muroora ndakasheedzwa ndikaenda.
Akauyawo neshamwari dzake kuti dzizotiona iye musikana akauya nehama dzake, Nyasha aive
asina kumboudza musikana wake kana mumwe munhu kuti vabereki vake vaive vakarambana.

Musi iwoyo takasvika tikanyepera kunge tiri pamwe chete naNaison, nokuti Nyasha aive atiudza
kuti nyaya yenyu yekurambana mozosara morambana tabva pano isu vamwe. Saka Naison neni
takatanga kudanana futi zvekunyepera kuti mutambo uyu upere apa vaive nemazuva maviri varipo
pamba. Naison aitogonawo kunyepera kwacho ini ndaive nenyadzi asi semunhu ariku actor
ndaifanira kutombotanda nyadzi dzacho, kuzoti nguva yokuvata yasvika zuva rekutanga
ndakagadzirira vanhu pokuvata asi nokuda kwehuwandu hwevanhu vamwe vaive vasingagoni
kuvata pamwe chete ndakapa nyasha makey ekumba kwangu kuti aendese vamwe vanhu ikoko.
Ini naNaison ndobva tapinda mumba make muya mandakambosvikirwa ndiina fake prophet,
tichingopinda mumba akabva atikwindi kutsamwa. Ndikati nechemumoyo this could be my
opportunity again to get back this sweet man into my life, ndobva ndatanga kuda kutaura naye
nyaya but it didn’t work. He had changed his bed and blankets and the whole set up yebedroom
rake was new, akabva atora ma blanlets ake muwadrobe ndobva atanga kuwaridza pasi, ndobva
atorara pasi ipapo zvikanzi “vatai zvenyu pabed toonana mangwana”. Akavata akatopfeka
trousers zvake nechi t-shirt ini ndikati akajaidzwa munhu uyu nhasi panoitika drama chete pano
uye hapana zvaanombondiita pane vaenzi pano. Ndakabva ndadzima light ndobva ndabvisa
mbatya dzese zvadzo ndobva ndarara pamubhedha paye ndichifunga zano, after close to an hour
ndaitoziva kuti haasati abatwa nehope ndichibva ndanyepera kuita tungonono kwe 10 minutes
ndobva ndakunguruka kunowira pasi paaive akavata. Ndichibva ndangoti zii ndiripo kunge
ndisina kuzvinzwa kuti ndadonha, iye ndobva angoti are ok? Handina kumbopindura ndobva
anyarara zvake, ndakabva ndatotanga kudhonza magumbeze kuti ndipindewo imomo, ndobva aita
zvekuchizondimutsa manje ndichibva ndanyepera kuita sendamuka kubva kuhope huru chaidzo
ndichitoshamiswawo kuti ndauya sei pano.

Ndakanyatsorara ndiri musvo kuti tsoro yangu isanetsa kana yoda kubuda bhobho, ndichibva
ndatomugumbatira ndichiti kurikutonhora. Akandibvunza kuti ndiri kumbodei chaizvo ndikamuti
nditarise ndikuudze zvandirikuda, he turned to look at me ndobva ndatanga kumukisa. He didn’t
kiss back but he didn’t resist either, after about five minutes of this ndakanzwa maoko ake
avekunditsvaga ndobva ndaziva kuti zvangu zvaita. We had a good night from that moment on,
after about three rounds of this takazomuka kubatidza light ndokutaura sevanhu vakuru. Varume
vanenge vanenge Naison vakapera chokwadi, he had spend so much time and many years tracking
my movements kuti aone kuti who would be my new man but he found none, akanobata
Abegnego mushure me one week tarambana aka dealer naye achida information asi akaona kuti
paive pasina chiripo I had just fallen prey to a snare. That’s why it was easy for him to forgive me;
our marriage began again after such a long break. Ave mangwana ndakabuda panze vanhu vapedza
kudya ndokunoona Tete vemusikana waNyasha ndokutanga zvedu kutaura nyaya asi ndaive
nemufaro kani, ndaifarira kudzoreredzwa kwemarriage yangu pamwe chete nokuti Nyasha aive
awana musikana waanoda uye achifarawo naye. Takaudza Nyasha our new status akafara kwazvo,
ndikati vose vaindiseka kuti ndakarambirwa chihure vachanyara. Ndaitonzwa kuti dai ndaita
zvekuenda kune vaya vemapepanhau kuti ndibuditswe imomo ndichitaura kuti I am married again
by the same man, Nyasha was a great connector.

Tete vaTehila (musikana waNyasha) vakataura zvinhu zvakadambura moyo wangu, vakatanga
kutaura zvokuti hadzvadzi yavo yaimbove mufundisi muguta muno weRSB Christian Fellowship.
Pakubvunzisisa ndopavakazotaura kuti Tehila aive mwana waOverseer, uya akazvarwa mai vake
naManyoni vachigara vese akambopihwa zita rokunzi Mufaro. Ndakashaya zvokuita
netsanangudzo iyi, ndakasheedza Naison ndikamutsanangurira zvaive zvataurwa naTete vaTehila
zvikatirwadza kuti tingave muhukama hwakadai sei apa Tehila wacho aitove mukuru kuna Nyasha
ne three years. Takaona kuti hazvaizomira mushe kumberi tikati ngatisheedze Nyasha
timutsanangurire, kuti tione kana akabvuma kusiyana nemusikana wake. Takagara pasi naNyasha
tichitsanagura zvose zvaaive asingazivi kuti tiuraye simba rake rerudo maari kumusikana uyu,
ndapedza kutaura naye Nyasha akandipindura achiti:

“Zvese zvamatsanangura hapana chitsva kwandiri, nezvose zvamaive musina kundiudza nokuti
maiti ndichiri mudiki ndakazvinzwa. I have my own ways of looking for necessary information if
I want to know things, ndinotenda namashoko enyu ese asi imi hamugoni kundiparadzanisa
naTehila nhasi, zvakaitika kuhupenyu hwenyu hazvina kukonzerwa neni makazvikonzeresa mega
imi vakuru saka please do not pass down the button – stick of hatred to the generations of your
children, I will handle my home in a better way than you did yours. Kana iri nyaya yokuti Tehila
Mai vake vaive pfambi sezvamataura then our love has a lot in common because we have
audulterous mothers in common, makore aTehila ekuzvarwa haana basa I can handle that. The
greatest love I need from you now is your support not your tear down, kana mukaratidza kuti
hamusi kufarira wanano yangu then today might as well be your last day to see us and I am sure
you wouldn’t like that. Kana muchida kunditsiura sevabereki vangu nditsiureyi nokundi batsira
pazvinhu zvinovaka not to reverse my progress that I have worked hard to build. Do not just look
at us and see two people in love, there are years of endurance behind us that are invisible to your
eye today, we have unbreakable bonds of forgiveness that you didn’t see, kuchikoro kwakaitika
zvakawanda zvandaive ndisingagone kukuudzai panguva yazvaiitika and at some point I nealy lost
my life twice but she saved me because of love. The unbearable commitment that can not be
forgoten has cemented our union and it’s morraly repugnant to call all that ‘nothing’, Tehila
akasvika pamaive musingakwanise kusvika when I was hanging on a fragile cliff and lingerering
on my last breath, I can’t say thanks to her for that and wave a bye. She is a savior and I would
rather stick with a controversial savior than to please my compromised parental wish toward my
matrimony. I love you and I respect you so much Mom and Dad and I understand you are doing
this out of love but give me a chance. Imi nhasi wanano yenyu is back to track but you are in your
second or third chance, please give me one too.”

Takabva tapusa murume nemukadzi, Nyasha was a bit agressive in words but he said only the
truth. Takasara tisina kana remuromo kunze kwekutomutsigira, we supported him and he got
married, what a great couple they became. Takave hama naOverseer zvachose nokuda kwevana
vedu ava. Ini ndakabva ndarega misikanzwa zvachose because ndaive ndaona zvakawanda
muhupenyu uye murume wangu kunyangwe akatora nguva refu kunditruster asi
takachembedzana, Manyoni was killed in a mob uproar paakabatwa red hand akarara nemukadzi
wemunhu kuHighfields. Ndakazoita imwe nhumbu yakave yekupedzisira nokuda kwezera,
yakabata zvisina kana mishonga yen’anga asi nokuda kwaMwari ndokuzvara mwana wangu
musikana Baba vake Naison vakamutumidza zita rokuti Makatendeka.

*[END OF THE BOOK]*

BHUKU IRI CHIPO KUVAVERENGI VEBASA RAMALVIN BROWN, RAKANYORERWA


KUYEUCHIDZANA KUTI KUMIRIRA NGUVA YAMWARI NDIWO CHETE MUDZI
WEMUFARO, UYE KUTI MWARI VEDU NDIMWARI VANOPA MIKANA MUHUPENYU.
NDINOKUTENDAI NOKUVERENGA BHUKU PFUPI IRI, RAMBAI MUCHITSIGIRA BASA
RANGU.
COMMENTS, SUGGESTIONS AND DISLIKES SHOULD BE DIRECTED TO THE
FOLLOWING CONTACTS:

[email protected]

WhatsApp +27 74 356 6254 / +27 74 707 1772

You might also like