Badza
Mataridziko
Ribadza kana badza (kureva hoe muChingezi) pauwandu tichiti mapadza, mudziyo kana kuti turuzi rinoshandiswa kutimba, kuchera nekusakura. Badza rine mupinyi kana kuti mubato wakareba zviri pakati pe 0.5-1.0m; kune rimwe divi rebadza kunenge kune gwati resimbi rinopfekerwako rakachinjikana nemupinyi. Gwati resimbi iri ndiro rinotemeswa pasi kana kuchiitwa mabasa ekuchera, kutimba kana kusakura.
Mhando dzemapadza dinosanganisira: chikuruwo, chifengu.
Chikuruwo zvinoreva badza rasakara rapera gwati resimbi racho rinochera. Aka kanodanwa zvakare kuti: chimwango, kakuruwo kana kuti kaserima.
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]MuZimbabwe mune mazita emhuri ane chekuita nebadza anosanganisira: Badza, Nyabadza, Badzarigere, Chikuruwo.
- Gwao, magwao (Old hoe) kureva gwau kana badza rasakara. Vamwe vangati mugwau. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mugawu?
- Muyangwa kana muvangwa (ridge on metal article).
- Kukaraura (Scratch ground with a hoe).
- Kuchera, kutsa kana kupanda (to dig).
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Makwai makadzi manomwe aya unozoatora kubva munyara yangu kuti aite chapupu kwendiri, kuti ndini ndakatsa ichi chinyuka. (Mavambo 21:30 Bhaibheri reChiNdau).
- Badza harinyepi. A hoe tells no lies.
- Ungokutukira badza ungokupa hupfumi. The one who urges you to handle a hoe (for weeding) gives you riches.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chimwango chokukumbira hachina ndima.