Mkoba Teachers College: Department of Humanities
Mkoba Teachers College: Department of Humanities
Mkoba Teachers College: Department of Humanities
TEACHERS
DEPARTMENT OF HUMANITIES
COLLEGE
BAZI REZVEMUTAURO
Musoni Shelly……………………...
02
BASA:
ONGORORO::..............................................................................................................................
......................................................................................................................................................
Upenyu ivhiri hunotenderera veduwe zvaiva kutsi kwehope dza Sheila kuti aitwa chikuku vata vata na
Max. Kusaziva kufa, mumwe muimbi ainzi Oliver Mutukudzi akadaroo,VaTafi vangu vakaona sokuti
zvaita vhiya ireruke kunyengedzerwa musikana na bhururu. Chizvinozvino chiri munyaya iyi chinounza
matambudziko akawanda .Matambudziko mashanu anounzwa nechizvinozvino acha donongodza
muchinyorwa chino. Mazwi achadudzirwa zvizere anosanganisira matambudziko uye
[ CITATION Igi20 \l 1033 ] , anoti iye matambudziko zvinhu zvinongoitika zvega ,zvinodya moyo,
kuondesa nyama , haaperi nokukasira anotosevenzerwa kuti apere [ CITATION Ins20 \l 1033 ] ,
anobvumirawo kuti matambudziko anouya oga kana kuunzwa navanhu ,kana kuti anotevrera dzinza,
haaendi oga anotoshandirwa nesimba kuti apere.Matambudziko ,kushungurudzika kungava kwomweya,
kwepanyama kunoshaisa rugare , haaendi zvokumanya mamwe anouya kuzogzogara haaperi .
Basa ra Tafi raiva gwira wakwira mutsvakandemo biza repepahofisi, raiva basa ravanhukadzi zvinova
zvaiita kuti Sheila asamupa chiremerera chababa mumba.Mukadzi uyu aisa gutsikana ne basa raaitwa
nemurume wake vaionawo mabasa aiitwa nevarume vevamwe ane chiremerera akaita sekuvawo
mutyairi wedzimotokariwo,mumahofisiwo vachibatabatawo muchina. Kana amai vanoonawo uremu
hwababa chaivo kwete vaya vaka dhurowewa pachimbuzi. Kusagutsikana uku kwaibvawo mukuti
kamari kacho kaisazokwana kudya kuneutano kwaidiwa naamai. Sheila akatozoona sokuti Tafi murume
pasi vamwe, amai ava airwisana nomutemo wokuti vakadzi ivai pasi pavarume wakanyorwa
munerimwe bhuku rinoshandiswa nevanhu vechitendero chichi Kirisito [ CITATION Bib16 \l 1033 ].
Basa raMax raikwezvawo marokwe nokuti aigarawo aka tsvinda tsvinda zvainyatsoonekwawo kuti
urwu rukanda rwemari .Basa romunhu rinoratidza kuti mari yakada uyewo mufaro evanhu
anoenderanawo nehomwe dzavanhu. Max anovhairirirawo sahwira vake kuti ngwena dzema kambani
hadzitandadzwi nechirongo chemvura. Izvi zvinobuda pakuti Max aiita seachatenga doro rose ririmu
bhawa .[ CITATION Dav951 \l 1033 ] , anotaurawo mubhuku rake Rugare tange nhamo pamusoro
paChikweva aiita vakadzi vokuchinjanisa samarokwe nokuda kwe mari .Aizokwezvawo Sheila nokuti
kamari komurume wake kaisatokwana chero chikafu chemwedzi chineutano.
Max aikakamisawo Tafi mukaka wakakora apo akaruma achifuridzira vaganda vake kuti awane
musikana wakanga atomusengera nhumbu.Uhwu hwakava hwaro hwokushaiwa rugare kwaTafi nokuti
aitambiswa bhora rebwe. Zvanga zvakaoma hazvo kuti Sheila pedzere moyo kuna Tafi nokuti aiti
ndiri pachiteshi.Kunyangwe Max akanonoka hake kudzoka kubva kumhiri kwemakungwa, Sheila anga
akangochengeta chitsidzo.Izvi zvinotsigirwa nokusateerera uyewo kusabarira Tafi vana vaaidawo
somunhumurume .
Kuda zvipfeko nemaratidziro akanaka echizvinozvino zvakaita sheilla pakadzoka Max, kupoda
nokunwa hwahwa zvaisvota Tafi.Sheila aisatopawo Tafi chiremerera chizere nokuti aisafunga
zvokuchembererapo.Kubva mukuchengetedza chitsidzo kwakaitwa na Sheila, aitofanira kupota
achipfeka zvinoenderana neupenyu hwanga hworaramiwa na Max mhiri kwamakungwa [ CITATION Cha03
\l 1033 ]
Max akanga oshandisa tsika dzokumavirira dzisingaremekedzi wanano dzinova dzakauya nemutemo
mutsva wewanano wakaunzawo mhirizhonga [ CITATION TDu17 \l 1033 ], apo akatora mukadzi waTafi
kuenda kumafuramhepo uko vakano tetena mari zhinji kwazvo isina mutana akamboidya. Max aisaona
sokuti akanganisa apo akaenda naSheila kumafuro manyoro vachitaura nyaya dzekare. Zvakaita kuti
Sheila arwe naBella.Bella aivawo nekodzero yose yokurwirawo murume wake sezvo akanga
amuwanawo mhiri kwemakungwa asina mukadzi.Sheila akaona sokuti zvinogara zvakadaro
zvokuendeswa kumafura mhepo,akafunga kurwisa Bella.Izvi aiti pamwe zvingango muwanisawo
mukana wokuwanikwa na Max.
Zvokuti Sheila akanga ongofunga zvokuenda kumafura mhepo na Max,zvakaunza dambudziko rokuti
Tafi afunge zvokuti aive murume pasina vamwe.Akazvidya moyo zvokusvika pakuzvipisa nemvura
Sheila akanga asisade kuramba achigara kwa Tafi.Mhuri yaTafi yakabva yaita njake njake nokuda
kwokusagutsikana kwaamai vavo.Sheila aisava amai vane nguvo mbiri.
Motokari dzaiuya naLucy dzai kwezvawo moyo waSheila, Sheilla aisatomboona sokuti Tafi aiva
murume wake. Mundangariro make aitodawo zvokubuda zuva roga roga achienda kunzvimbo
dzinofuramhepo ne murume anemota mbishi .Izvi zvaibva pahope dzairotwa dzokuti tichazoenda
Sheila akanga otofunga zvematanyadzirana dongo raparuware apo akarambira mumotokari yaMax kuti
basa rake riende kwamvura yacheka makumbo.Pfungwa yake Sheila akaona kuti mukana wokuwanana
naye panga pasisina.Somunhu aisaziva hwaro hworudo rwa Bella na Max, Sheila akafunga kuti basa
rikapera Bella aizomuramba.Zvaiva mundangariro dzaSheila kuti achawana mukana wokusenerera
waakamirira makore gumi neanoraudzira kuti awanikwe na Max.Sheila anga oda kudonhedza
chirimunhapwa nokuda kuombera nokuti Tafi ange anetawo naye ukuwo Max aivawo na Bella.
Hupenyu hwa Tafi hwakave nzara kwakanaya nokuda kwokuvanzirana muwanano .Sheila upenyu
hwose ari pamba pa Tafi aiva muchikurubhi. Sheila aidawo kuti Joe adzidze agoendawo mhiri
kwemakungwa kwaiva nababa vake Max. Rakava burusasike pamba pa Tafi nokuti baba naamai
vaidhonzerana mwana muchivande. Sababa aitiwo zvinosanganisira kushaiwa mari yokumuendesa
mhiri kwacho ngaagare muno munavamwe vana , Tafi aito zvitutumidzawo achiti dangwe rake
mukomana ,kusaziva kufa kuti aikurisira Max mwana .Mazuva anowo zvava nechiremererawo kuti
mwana anzi arimhiri kwemakungwa nebasa .Saamai vakabereka ,Sheila aiva nekodzero yokuti dei
mwana wake aendewo kumhiriyo kunopererawo dzavamwe.
Duve, T. (2017, january 11). Marriage Bill. Retrieved January 11, 2017, from
https://www.justice.gov.zw/imt/wp-cntent/uploads/2017/11/Draft marriage Bill-January 2017.
Mugabe, D. (1995). Rugare tange nhamo. Gweru: Mambo Press ,Senga Road, Gweru.
Mungoshi, C. (2003). Inongova Njake Njake. Harare/Zimbabwe: Longman Zimbabwe Pvt Ltd.