Form 2 Mid Year Exam P2

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 4

BRIGHT LIGHT ACADEMY

DEPARTMENT OF LANGUAGES

BVUNZO DZEPAKATI PEGORE 2024 FORM 2

SHONA PEPA 2 NGUVA 2


HOURS
RAIRO KUMUNYORI
 Nyora zvakachena
 Nyora mhinduro chete
 Ronga basa rako zvakanaka, panoda kudarika mutsara ita saizvozvo

CHIKAMU 1: ZVIRUNGAMUTAURO (20)

Sarudza mibvunzo miviri chete muchikamu chino

1. Patsumo dzinotevera sarudza shanu chete, zvino chipa tsumo


yakafanana neimwe neimwe pane dzawasarudza.
i) Kachembe mukadzi…..
ii) Kandiro enda…….
iii) Totenda maruva……..
iv) Chitiyo kupinda ……..
v) Chara chimwe …….
vi) Kudye imbwa……………
vii) Mbudzi kudya………….
[10]

2. Zadzisa fananidzo dzinotevera nemashoko akakodzera

i) kutsvuka se… ii) kudyira kufa se… iii) utsvina


se…

iv)kufamba-famba se… v) kurwa se…………


[10]

3. Tsanangura zvinoreva madimikira anotevera. Sarudza mashanu


chete.
i) kunyura muzvipfeko

1
ii) kumira negumbo rimwe
iii) kupedza ura
iv) kubatira ura mumaoko
v) kurova imbwa wakaviga mupini
vi) kudenha muti une mago
vii) kudira magaramoyo
[10]

CHIKAMU 11: MISAMBO YEKUTAURA (10)

4. a) Doma mhandonyana nhanhatu dzemusambo wechisekedzani


uye mbiri dzechinyarikani.
[4]
b) Ipa tsananguro yezvinoitwa pamusambo wechivhevhano.
[3]
c) Doma zvinhu zvitatu zvinoitwa nevaroora parufu.(3)

CHIKAMU 111: MAUMBIRWO EMUTAURO (20)

Sarudza mibvunzo miviri chete muchikamu chino.

5. Verenga zvirevo zvinotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi


pazvo.
i) Musikana uya apinda munzira akananga kutsime.

ii) Kufamba kwake uku achienda kudhorobha kwanyanya.

iii) Mukati macho mune masvosve.

iv) VaRunesu vakaona vanhu vachienda kumunda.

v) Kuraradza kwakadai kunonyadzisa baba vake.

2
a) Nyora mazita ose ari muzvirevo izvi kunyange naaya
anowanikwa akabatana nezvimwe zvivakiso.
[6]
b) Uchishandisa mazita awanyora muna (a) tsanangura kuti
sei mazita ane zvivakashure zvakafanana ari mumipanda
yakasiyana. [4]

6. a) Ongorora mazita anotevera ugoisa mazita ari mumupanda


mumwe chete pawo ega. Ita izvi kusvika wapedza.

meso kuenda kure hova mhiri


kutamba seri marara kudya kukotama
mberi mazai meno chembere makudo
nyika tsero kumunda kucheka nhongonya
[4]

b) Ipa zvikonzero zvina zvaita kuti uise mazita aya muzvikwata


izvi. [6]

7. Nyatsocherechedza mazwi anotevera ugopindura mibvunzo


inoiswa mumashure.

irwo ichi itwo iri izvi


iyi iye imo ayo ipo

a) Isa mazwi aya muzvikwata zviviri zvakakodzera ugotipa zita


rechimwe nechimwe chezvikwata zvawaita.
[5]
b) Tsanangudza uchitaridza maumbirwo emazwi ari muchikwata
chimwe nechimwe.
[5]

3
m a g u m

You might also like